Online Bible

- Reklamy -

Genesi 44 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Kushaikwa kwekapu yamambo

1 Josefi akaraira mutariri wezvemba yake achiti, “Zadza tsapo dzavarume ava nezvokudya zvavanokwanisa kutakura, uise mari yomumwe nomumwe mumuromo wetsapo yake,

2 uisewo kapu yangu iya yesirivha mumuromo wetsapo yegotwe racho pamwechete nemari nembesanwa dzake.” Mutariri akaita zvaakaudzwa naJosefi.

3 Fume mangwana varume ava vakanzi vachienda zvavo namadhongi avo.

4 Vachangobuda muguta vasati vaenda kure, Josefi akataurira mutariri wezvemba yake akati, “Tevera varume vaya, kana wavabata uti, ‘Seiko mandidzorera nechakaipa pane zvandakuitirai zvakanaka? Ko mazobireiko kapu yesirivha yatenzi wangu?

5 Hamuzivi here kuti ndoinonwira tenzi wangu uye anoishandisawo pakuona zvichazoitika? Matopara mhosva huru kwazvo!’ ”

6 Mutariri paakavabata akavaudza mashoko iwaya.

7 Varume ava vakati, “Ko changamire, ishe wedu anotaurireiko mashoko akadaro? Isu varanda venyu hatingaite chinhu chakadaro.

8 Inga wani mari yatakawana mumiromo yetsapo dzedu takadzoka nayo tichibva kunyika yeKanani. Ko taizoba seiko sirivha kana ndarama mumba matenzi wenyu?

9 Ani naani wedu isu varanda venyu, anenge awanikwa anayo, ngaafe. Isu vamwe tichava varanda vatenzi wenyu.”

10 Mutariri akati, “Ndizvozvo, tichaita zvamataura. Munhu wandichawana ane kapu iyoyo mutsapo yake, ndiye achava muranda wangu. Asi vamwe mose hamuzovi nemhosva.”

11 Ipapo mumwe nomumwe akaburutsa tsapo yake, akaisunungura.

12 Mutariri akatanga kutsvaka mutsapo yomukuru akazogumisira neyorugotwe. Kapu yakazowanikwa mutsapo yaBhenjamini.

13 Izvozvi zvakaita kuti vabvarure hanzu dzavo. Mumwe nomumwe akatakudza dhongi rake vakabva vadzokera kuguta kuya.

14 Judha navamwe vake vakasvikowana Josefi achiri mumba make, vakamugwadamira vachimuremekedza.

15 Josefi akavati, “Ko ndicho chii chamaita ichochi? Ko manga musingazive here kuti munhu akaita seni anogona kuziva zvakavanzika.”

16 Judha akati, “Tingati kudiiko kwamuri changamire? Ko tingataureiko iyo mhosva iri yedu? Mwari aisa pachena mhosva yedu. Saka isu tatova varanda venyu, iyesu pamwechete naiye awanikwa ane kapu yenyu.”

17 Asi Josefi akati, “Handizi munhu angaite izvozvo. Munhu awanikwa ane kapu yangu ndiye chete achava muranda wangu. Imi vamwe mose endai zvenyu kuna baba venyu mufambe zvakanaka.”


Judha anokumbirira Bhenjamini

18 Judha akaswedera kuna Josefi akati, “Pamusoroi. Changamire regai zvenyu ini muranda wenyu ndimbotaurawo shoko muchinzwa nenzeve dzenyu, changamire. Musanditsamwire zvenyu nokuti imi makaita saFarao pachavo.

19 Changamire, ndimi makatibvunza muchiti, ‘Muna baba here? Muno munun'una here?’

20 Isu ndokuti kwamuri changamire, ‘Tina baba vedu vave harahwa. Tine munun'una wedu akaberekwa baba vedu vatokwegura, asi mukoma wake akafa. Zvino uyu ndiye angosara ari oga mumba mamai vake. Baba vake vanomuda.’

21 Imi makatiudza isu varanda venyu kuti, ‘Uyai naye kwandiri ndinoda kumuona.’

22 Isu tikakupindurai changamire tichiti, ‘Mukomana iyeyo haangasiyane nababa vake nokuti kana akasiyana navo vangafe.’

23 Ipapo makatitaurira isu varanda venyu kuti, ‘Kana munun'una wenyu wokupedzesera asina kuuya nemi, handidi kana kukuonai pano pandiri.’

24 “Kuzoti tasvika kuna baba vedu, muranda wenyu, takavaudza zvamakanga mareva.

25 Baba vedu pavakazoti, ‘Endaizve munotitengera twokudya,’

26 isu takati, ‘Hatingakwanise kuendako. Tingatoenda chete kana munun'una wedu achitoendawo nesu. Asi kana tisinaye, murume iyeyo haadi zvake kana kutiona pameso pake.’

27 Baba vedu, muranda wenyu, vakatiti, ‘Munoziva kuti mudzimai wangu Rakeri akandiberekera vana vaviri,

28 mumwe akandisiya, ndikati akaparadzwa nezvikara chete kubvira ipapo handina kuzombomuonazve.

29 Zvino kana mukanditorera zvakare Bhenjamini, kana akawana chinomuwana munenge maita kuti ini ndachena musoro ndisvike pakufa ndiine shungu mumwoyo.’

30 “Naizvozvo kana ndikadzokera kune muranda wenyu, ivo baba vangu, ndisina mukomana iyeyu wepamwoyo pavo wavanodisa zvikuru,

31 pavanongoona kuti isu tinenge tisina mukomana iyeyu vanofa. Ivo varanda venyu tinobva takonzera kuti baba wedu, ivo muranda wenyu, vachena musoro vasvike pakufa vaine shungu mumwoyo.

32 Ndinodaro nokuti muranda wenyu ini ndakatsidzira baba vangu kuti, ‘Kana ndisina kudzoka naye kwamuri ndini wacho ndichava nemhosva upenyu hwangu hwose.’

33 Saka ndinokumbira kuti ini muranda wenyu nditore nzvimbo yomwana uyu ndisare somuranda wenyu tenzi wangu, asi murege mukomana uyu aende zvake navakoma vake.

34 Ko ndingaende seiko kuna baba vangu ndisina mukoma iyeyu? Handidi zvangu kuona kutambudzika kuchaita baba wangu.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy