Online Bible

- Reklamy -

Genesi 15 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Chitenderano chaMwari naAbhuramu

1 Mushure maizvozvi zvose, Abhuramu akaona chiratidzo akanzwa izwi raTenzi richiti, “Usambotya zvako Abhuramu. Ndini nhoo yako yokukudzivirira. Mubayiro wako uchava mukuru kwazvo.”

2 Asi Abhuramu akati, “Nhai Mwari Tenzi, zvamuchandipa zvichandibatsirei ndichidai kufamba zvangu ndisina kana mwana? Iyeka Ereazari wokuDhamasikusi ndiye achadya zvake nhaka yacho yomumba mangu.”

3 Abhuramu akatizve, “Tarisai muoneka kuti hamuna kundipa mwana. Saka muranda akaberekerwa mumusha mangu ndiye achatodya nhaka yangu.”

4 Ipapo akanzwa izwi raTenzi richiti, “Munhu wauri kutaura uyu haasi iye achadya nhaka yako. Mwana wako chaiye wokubereka ndiye achadya nhaka yako.”

5 Mwari akabuda naye panze akati, “Tarisa kudenga uverenge nyenyedzi kana uchikwanisa kudziverenga.” Ndokuti, “Ndiko kuwanda kuchaita vana vako.”

6 Abhuramu akatenda Tenzi zvikaita kuti Tenzi amuti akarurama.

7 Mwari akati, “Ndini Tenzi ndakakuburitsa kuUru yevaKaradhia kuti ndikupe nyika ino kuti ive yako.”

8 Abhuramu akati, “Nhai Mwari Tenzi, ndichaziva sei kuti ichazova yangu?”

9 Mwari akati, “Chitora tsiru remombe rina makore matatu nenhunzvi yembudzi ina makore matatu nehondohwe ine makore matatu nenjiva nenyana rehangaiwa.”

10 Abhuramu akandotora izvozvo zvose ndokuuya nazvo kuna Mwari. Akatsemura dzose napakati, ndokuisa mapandi emhuka imwe neimwe pasi akatarisana. Asi shiri haana kudzitsemura.

11 Kwaiti kukauya magora pamitumbi iya yakanga yatsemurwa, Abhuramu oadzinga.

12 Kuzoti zuva rodoka, Abhuramu akabatwa nehope akakotsira hope dzorufu, akaputirwa nezarima guru raityisa.

13 Ipapo Tenzi akati kuna Abhuramu “Ndinoda kuti unyatsoziva izvi zvokuti, vana vako vachava vatorwa munyika isiri yavo. Ikoko vachange vari varanda vachibatwa zvakaipa kwamazana mana amakore.

14 Asi ini ndicharanga rudzi irworwo runenge ruchivaita varanda. Vana vako vachazobva ikoko vaine upfumi uzhinji.

15 Asi iwe uchaenda zvakanaka kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ako, wanyatsokwegura zvako wozovigwa.

16 Vachadzokera kuno panguva yechizvarwa chavo chechina nokuti uipi hwavaAmori hahusati hwasvika pakundifinha.”

17 Kuzoti zuva radoka, kwasviba, kwakaoneka mbaura yaipfumbuka utsi nezhenje romoto richipfuura napakati pamapandi enyama aye.

18 Pazuva iroro Tenzi akaita chitenderano naAbhuramu achiti, “Ndapa kuvana vako nyika ino inobvira mukakova keIjipiti kundosvika kurwizi rukuru, muna Yufuratesi.

19 Munzvimbo iyoyi ndimo mune nyika dzamarudzi aya anoti: vaKeni navaKenizi navaKadhimoni

20 kwouya vaHiti navaPerizi navaRefaimu

21 kwozotiwo vaAmori navaKanani navaGirigashi navaJebhusi.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy