Genesi 12 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaII: NHOROONDO YAABHURAHAMU Kudaidzwa kwaAbhuramu naMwari 1 Tenzi akataurira Abhuramu kuti, “Chibva munyika mako, ubve mukati mehama dzako, usiye musha wababa vako utamire kunyika yandichakuratidza. 2 Ndichakuita rudzi rukuru, ndichakukomborera. Ndichaita kuti zita rako rikurumbire, iwe uchiva chikomborero. 3 Ndichakomborera vanokumborera. Vanoti uwirwe norushambwa, ndichivapinza murushambwa. Ndudzi dzose dzichakomborerwa pamusana pako.” 4 Saizvozvo Abhuramu akasimuka akaenda sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Roti akaendawo naye. Abhuramu akanga ava namakumi manomwe amakore ana makore mashanu paakatama kuHarani. 5 Abhuramu akatora mudzimai wake Sarai naRoti mwanakomana womunun'una wake, noupfumi hwake hwose hwaakanga awana navaranda vaakanga awana muHarani. Akasimuka achienda kuKanani. Kuzoti asvika kuKanani, 6 Abhuramu akafamba nomunyika imomo akasvikogara kuShikemu pamuti womuoki. Panguva iyoyo vaKanani vakanga vagere munyika iyoyi. 7 Tenzi akazozviratidza kuna Abhuramu akati, “Ndichapa nyika ino kuzvizvarwa zvako.” Naizvozvo akavakira atari Tenzi akanga azviratidza kwaari. 8 Akabva ipapo akaenda kugomo riri kumabvazuva kweBhetieri. Akadzika matendhe ake panoti Bhetieri kumavirira, guta reAi nechokumabvazuva. Akavakira Tenzi atari ipapo, akanamata Tenzi. 9 Abhuramu akaramba achienda nechokuNegevhu. Abhuramu munyika yeIjipiti 10 Munyika iyoyo makaita nzara, shangwa chaiyo yenzara. Saka Abhuramu akaenda Ijipiti kumbondogarako. 11 Kuzoti ava kusvika Ijipiti, Abhuramu akafanotaurira mudzimai wake Sarai achiti, “Iwe uri mukadzi akanaka kwazvo. 12 Naizvozvo kana vaIjipiti vakakuona vachati, ‘Uyu mukadzi wake uyu,’ vakandiuraya, iwe vachikurega uri mupenyu. 13 Chitoti zvako iwe uri hanzvadzi yangu ndiko kuti vatondiitira zvakanaka pamusana pako ndirege kuurayiwa.” 14 Abhuramu paakasvika kuIjipiti, vaIjipiti vakaona kuti mukadzi wacho akanga akanaka kwazvo. 15 Kuzoti machinda aFarao amuona akamurumbidza pana Farao. Mukadzi uya ndokubva atorwa akaendwa naye kumba kwaFarao. 16 Pamusana paSarai, Farao akabata Abhuramu zvakanaka kwazvo, akava nehwai nemombe, namadhongi makono namakadzi navaranda vechirume nevechikadzi nengamera. 17 Asi Tenzi akaunzira Farao navanhu veimba yake matambudziko makuru kwazvo pamusana paSarai mudzimai waAbhuramu. 18 Farao akadaidza Abhuramu akati, “Chiiko ichi chawaita kwandiri.” Wakaregerereiko kundiudza kuti mukadzi uyu mudzimai wako? 19 Seiko wakati, “Ihanzvadzi yangu, ndosaka ndakamutora kuti ave mukadzi wangu. Aiwa! Hoyu mudzimai wako. Chimutora ubve pano uende.” 20 Farao akatuma vamwe vanhu vake kuti vaburitse Abhuramu nomudzimai wake munyika iyoyo, nezvinhu zvose zvavaiva nazvo vachimuperekedza. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe