Ezekieri 8 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaKunamata zvifananidzo kwaiitwa muJerusaremu 1 Mugore rechitanhatu mumwedzi wechitanhatu pazuva reshanu romwedzi iwoyo pandakanga ndakagara pasi mumba mangu, vakuru vakuru vokwaJudha vagere pamberi pangu, simba roruoko rwaTenzi Mwari rakaturukira pandiri. 2 Ipapo ndakatarisa ndiye onei chimwe chine chimiro chinenge chomunhu. Kubvira mainge muchiuno make zvichienda pasi wakanga uri moto uye kubvira muchiuno zvichikwira kumusoro kwaitarisika sokupenya kuchingarikira sendarira. 3 Iye akatambanudza chainge ruoko akandibata zhumu romusoro wangu. Izvozvo Mweya wakandisumudza mudenga pakati pedenga nenyika akandiendesa muzviratidzo zvaMwari kuJerusaremu pokupinda napo peSuo Guru renhandare yomukati yakatarisa kuchamhembe pakanga paine paigara chimufananidzo chokunamata cheshanje chaikonzera Mwari shanje. 4 Ndakaona mbiri yokuvapo kwaMwari weIsiraeri iripo sezvandakanga ndamboona muchiratidzo chomubani. 5 Akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu simudza musoro wakatarisa kuchamhembe.” Saizvozvo ndakasimudza musoro ndakatarisa kuchamhembe, onei kuchamhembe kweSuo Guru rokuAtari pamusuo pakanga paine chimufananidzo chiya chokunamata cheshanje. 6 Akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu, uri kuona here zvavari kuita izvi zvinondisemesa kwazvo zviri kuitwa muno nemba yaIsiraeri? Vari kuzviitira here kuti vanditandanisire kure neNzvimbo yangu Inoera? Uchatoona zvinosemesa kwazvo kupinda izvozvi.” 7 Akaenda neni kumusuo wenhandare pandakatarisa ndakaona kuti paive neburi murusvingo. 8 Akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu, tiginura murusvingo imomu.” Ndakati tigunurei murusvingo imomo wanei pane musuo, 9 ndokunditizve, “Pinda uone zvakaipisisa kwazvo zvinosemesa zviri kuitwa muno.” 10 Saizvozvo ndakapinda ndikaona imomo makanzi charavanda mumadziro kuatenderedza, zvinhu zvinokambaira zvemhando nemhando dzose nemhuka dzinosemesa nezvifananidzo zvose zvokunamata zvemba yaIsiraeri. 11 Pamberi pazvo pakanga pamire makumi manomwe avarume vari vakuru vakuru vemba yaIsiraeri vaina Jaazaniya mwanakomana wokwaShafani amire pakati pavo. Mumwe nomumwe wavo aiva nebisiro rorusenzi muruoko. Izvozvo gore routsi hworusenzi hwaitogoka mudenga. 12 Iye akabva anditi, “Iwe mwanakomana womunhu waona here zviri kuitwa murima navakuru vakuru vemba yaIsiraeri, munhu oga oga ari mumba make memifananidzo? Chiripo ndechokuti vari kutozviti, ‘Tenzi haatione, Tenzi akafuratira nyika ino.’ ” 13 Akatiwo kwandiri, “Uchatoonawo zvimwe zvinosemesa zvakakurisa zvavanoita.” 14 Akandiunza pokupinda napo peSuo Guru rokuchamhembe remba yaTenzi ndikaona vakadzi vakati mbwe-e kugara vachihwihwidza kuchema Tamuzi. 15 Akati kwandiri, “Wazviona here izvi nhai iwe mwanakomana womunhu? Uchaona zvimwe zvinosemesesa zvakakura kupinda izvi.” 16 Akapinda neni munhandare yomukatikati memba yaTenzi, onei pamusuo weTemberi yaTenzi pakati pekamba kepamusuo neatari paine varume vaikarosvika makumi maviri navashanu vakapira gotsi Temberi yaTenzi vakatarisa kumabvazuva vachipfugamira zuva kumabvazuva. 17 Iye akabva anditi, “Wazviona here izvi nhai mwanakomana womunhu? Inyaya diki here iyi yokuti imba yokwaJudha kuita zvinosemesa zvavari kuita muno izvi kutozadza zvavo nyika noutsinye uye kundishatirisa? Chitarisa uone vanoisa bazi kumhuno dzavo. 18 Naizvozvo zvandava kuita ndavakuita ndakashatirwa ndisingaite tsiye nyoro kana kunzwa tsitsi kunyange vakabongomora kuchema handisi kuzovateerera.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe