Ezekieri 41 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 Akazondiunza muzimba guru racho ndokubva aera magwatidziro aro. Magwatidziro iwayo akaita mamita matatu kupamhama pachiti rouku nerouku. 2 Kufara kwomusuo iwoyo kwakaita mamita mashanu uye madziro omumativi mepamusuo ipapo achisvitsawo mamita maviri ane hafu uku nouku. Akaerawo kureba kwezimba iroro kukasvika makumi maviri amamita, upamhi hwaro huchiita gumi ramamita. 3 Akapinda mumba yomukati akaera magwatidziro omusuo wayo akaita mita rimwechete, kufara kwepamusuo ipapo kukaita mamita matanhatu. Madziro omumativi mopokupinda napo akasvitsawo mamita matatu ane hafu. 4 Akaerawo kureba kwemba iyoyi ikaita gumi remamita kufara kukaitawo gumi ramamita mukati mezimba guru riya. Ndokubva iye anditi, “Ino iyi ndiyo Nzvimbo Inoeresesa yacho.” Dzimba dzakavakwa dzakatsamirana nechidziro cheTemberi 5 Akaerawo chidziro cheTemberi chikaita mamita matatu oukobvu uye kufara kwedzimba dzomumativi dzacho kwakaita mamita mana dzakatenderera Temberi iyoyo. 6 Dzimba dzacho dzomumativi dzaiva dzakaita nhurikidzwa nhatu, imwe iri pamusoro peimwe, dziri makumi matatu panhurikidzwa yoga yoga. Pakanga paine zvimwe zvokutsigirisa zvakavakwa mumadziro macho zvakabudira nechokunze kutenderera chidziro chose ichocho cheTemberi kuitira kutsigira dzimba dzomumativi idzodzo kuti dzirege kutsigirwa nechidziro cheTemberi iyoyo. 7 Kufara kwedzimba dzomumativi dzapasi dzacho kwaikurirwa nedzepamusoro. Dzepamusoro idzodzo dzichikurirwawo kufara nedzapamusorosoro, zvichifambiranawo nokukudzwa-kudzwa kwezvimwe zvokutsigirisa zviya zvakavakwa mumadziro zvichabudira nechokunze nhurikidzwa yoga yoga kutenderera Temberi iyoyo. Padivi peTemberi paiva namatanho aikwira mudenga. Ndiwo makwiriro aiita munhu kuti abve pasi achienda kumusoro achipinda nomunhurikidzwa yapakati. 8 Ndakaonawo kuti muTemberi makanga muine huva yakakwirira kutenderera yose. Ugaro hwedzimba dzomumativi dzacho hwakanga huchiita mamita maviri marefu kureba. 9 Ukobvu hwechidziro chokunze kwedzimba idzodzo dzomumativi hwaiita mamita maviri nehafu. Paivawo nepamwe pakanga pasina chinhu pakati pedzimba idzodzo neTemberi 10 nedzimba dzomunhandare yakanga ichiita gumi ramamita kumativi ose eTemberi kuitenderera. 11 Magonhi edzimba dzomumativi idzi aizaruka nokunzvimbo iya yakanga yakasiyiwa isina chinhu. Rimwe raizaruka rakanangana nokuchamhembe rimwewo rakanangana nokumaodzanyemba. Kufara kwenzvimbo iyoyo yokusiyiwa isina chinhu yaiita mamita maviri nehafu. Imba yakanga iri kumadokero 12 Imba yaive iri kumadokero yakanga yakatarisana nenhandare yeTemberi yaiva iri makumi matatu amamita ana mamita mashanu upamhi. Chidziro chemba iyoyo chakanga chiine ukobvu hunoita mamita maviri ane hafu. Kureba kwayo kwakanga kuchiita makumi mana amamita ana mamita mashanu. Mukuriro wakanga wakaita Temberi 13 Akaerawo Temberi ikaita mamita makumi mashanu kureba uye nhandare neimba yacho iyoyo namadziro ayo zvikaitawo makumi mashanu amamita kureba. 14 Akaerawo upamhi hwokumberi kweTemberi iyoyo kumabvazuva nenhandare zvikaita makumi mashanu amamita. 15 Akazoera urefu hwemba yakatarisa kumadokero nhandare namadziro ayo kumativi ose ikaita mamita makumi mashanu. Zimba reTemberi nemba yomukati nekamba kapamusuo kokunze Kutsanangudza mamiriro akanga akaita Temberi 16 zvakanga zvakaroverwa namapuranga. Dzose dziri nhatu kutenderedza dzaive namahwindo asingazaruki. Temberi iyoyi, kumusuo kwacho kwakanga kwakanzi chechetere namapango akavezwa, kubvira pasi payo kusvikira mumahwindo. (Izvozvo mahwindo akanga akadzivirwa) 17 kusvika panzvimbo iri pamusoro pegonhi nyangewo kusvikira mumba yomukati uyewo nechokunze. Mumadziro mose, kutenderera, mumba yomukati iyoyo nezimba riya maiva nemifananidzo yakavezwa 18 yakaita samakerubhu nemiti yemirara pakati pekerubhu nerimwewo kerubhu. Kerubhu roga roga raiva nezviso zviviri zvaiti; 19 uso hwomunhu hwaiva hwakatarisa kunerimwe divi kumurara uya, uso hweshumba ichiri kuzvinzwa hwaive kumiti yomurara. Mifananidzo yacho yaiva yakavezerwa paTemberi yose iyoyo kuitenderera. 20 Kubvira pasi dakara pamusoro pegonhi aingova chete makerubhu nemiti yomurara. Atari yamapuranga 21 Magwatidziro apamusuo pezimba riya aiva akangoenzana mativi ose ari mana. Pamberi peNzvimbo Inoera paiva nechimwe 22 chinomiririra atari yamapango yaiita mita imwechete nehafu kureba kuenda mudenga upamhi hwacho huri mita imwechete. Kona dzacho nechigadzikiro chazvo namadziro ayo akanga ari omuti. Akati kwandiri, “Ino iyi ndiyo teburu iri pana Tenzi.” Makonhi 23 Zimba guru riya neNzvimbo Inoera zvakanga zviine makonhi maviri maviri. 24 Makonhi acho akanga ari maviri maviri pamusuo, ari masasa maviri aizaruka pamusuo woga woga. 25 Zvino pamagonhi ezimba guru pakanga pana makerubhu akavezwa painewo miti yemirara sezvakangoita zviya zviya zvakanga zvakavezerwa pamadziro pekamba kapamusuo kaya nechokunze. 26 Paivawo namahwindo asingazaruki nemifananidzo yemiti yemirara kumativi ese pamadziro ekamba ikako. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe