Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 3 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

1 Akanditizve, “Mwanakomana womunhu idya zvauri kupiwa izvo. Idya bhuku rokumononora iri uende undotaura kumba yeIsiraeri.”

2 Saizvozvo ndakashama muromo akandipa bhuku rokumononora kuti ndidye.

3 Akatizve kwandiri, “Iwe munhu idya bhuku iri rokumononora randiri kukupa uzadze dumbu rako naro.” Ipapo ndakaridya, mukanwa mangu umu raitapira souchi.

4 Akatiwo kwandiri, “Iwe mwanakomana womunhu chienda kumba yaIsiraeri utaure kwavari namazwi angu aya.

5 Chiripo ndechokutika handisi kukutuma kune vanhu vanotaura chirudzi kana mumwe mutauro wakaoma, asi kuti kumba yaIsiraeri,

6 kusiri kumarudzi mazhinji anotaura chirudzi, kana mumwe mutauro wakaoma una mazwi ausingagoni kunzwisisa. Kuri kuti chaizvoizvo ndakutuma kuvanhu vakaita saivavo vaikunzwa.

7 Asi imba yokwaIsiraeri haikunzwi nokuti havadi kunditeerera nokuti imba yose yokwaIsiraeri yakaoma musoro, indambakuudzwa dzavanhu.

8 Chinzwa ndinokupa uso hune chivindi chokutarisana navo ndichiita kuti uomeserane navo musoro.

9 Ndaita kuti uve nomusoro wakaoma kuti papata chaizvo seibwe romusarasara. Rega kumbovatya kana kuzeza mutarisiro wavo nokuti imba yemhandupandu dzavanhu.”

10 Uyezve akatiwo kwandiri, “Iwe mwanakomana womunhu, mashoko angu ose andichakutaurira agamuchire mumwoyo mako, uanzwe nenzeve dzako,

11 ugoenda kunhapwa kuvanhu vokwako undovati ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari kunyange vakanzwa kana zvavo vakaramba kunzwa.”

12 Ipapo Mweya wakandisumudza, ndikabva ndanzwa mushure mangu kudhiriridza kukuru kwokundengendeka zvichinzi, “Mbiri yaMwari ngairumbidzwe munzvimbo yake.”

13 Izvozvo kwakanga kuri kubhabhama kwemapapiro achirovana ezvisikwa zvipenyu zviya, uyewo nokuriridza kwamavhiri aya pamativi azvo kwaidhiriridza sokundengendeka kukuru.

14 Mweya wakandisumudza mudenga saizvozvo akaenda neni ndikaenda mweya wangu uchishungurudzwa kwazvo neshungu. Izvozvo simba roruoko rwaTenzi rakandibata kwazvo.

15 Ndakasvika kuTerabhibhi kunhapwa dzaiva dzigere parwizi rwaKebhari. Ndakagarapo pakati pavo kwamazuva manomwe ndakadumbirwa nazvo.


Kudaidzwa kwaEzekieri kuti ave nharirire

16 Kuzoti kwapera mazuva manomwe, shoko raTenzi rakauya kwandiri rikati,

17 “Iwe mwanakomana womunhu ndakuita nharirire yemba yaIsiraeri. Paunongonzwa chete shoko randinoreva nomuromo wangu, unofanira kuti uvape yambiro yangu.

18 Kana ndikati akaipa, uchafa, zvirokwazvo iwe ukarega kumuyambira kana kunyevera akaipa kuti akande pasi nzira yake yakaipa kuitirawo kuti azviponese upenyu, munhu akaipa iyeyo achafira muuipi hwake, asi mhosva yokudeuka kweropa rake ndinoipa iwe.

19 Asi kana uchinge wayambira akaipa iyeyo, iye agorega zvake kutendeuka kuuipi hwake kana munzira yake yakaipa, achafira muuipi hwake ihwohwo, asi iwe unenge wanunura mweya wako.

20 “Uyezve kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake akaita zvakaipa, ini ndikamuisira chibingamupinyi achafa pamusana pokuti unenge usina kumupa yambiro achafira chitadzo chake ichocho, mabasa ake akarurama aya aakamboita haazomborangarirwa, asi mhosva yokudeuka kweropa rake ndichaipa iwe.

21 Asi kana ukayambira munhu akarurama iyeyo kuti arege kupara chitadzo, iye akarega kuita chitadzo, kurarama achatorarama nokuti akateerera kuyambirwa. Iwe uchazviponesawo upenyu.”


I: JERUSAREMU ISATI YAKOMBWA Ezekieri anoitwa chimumumu

22 Ruoko rwaTenzi rwakanga ruri pamusoro pangu, akabva ati kwandiri, “Chisimuka uende kubani! Ndichataura newe ikoko.”

23 Saizvozvowo ndakasimuka ndikaenda kubani, onei kupenya kwokuvapo kwaTenzi kumire pakadaro apo sokupenya kuya kwandakaona pedyo nerwizi rwaKebhari ndikabva ndati pasi zvambarara uso.

24 Asi Mweya akapinda mandiri akandimisa namakumbo akataura neni achiti, “Chienda undozvipfigira mumba mako.

25 Iwe mwanakomana womunhu uchasungwa netambo zvokutadza kubuda mukati mavanhu.

26 Ndichaita kuti rurimi rwako runamatire mukanwa mako zvokuti uchava chimumumu ugotadza kuvadzora nokuti imba yavanhu vakapanduka.

27 Asi kana ndataura kwauri ndichakuzarurira misuo; unofanira kuti zvanzi naTenzi, ‘Anenge achikunzwa ngaanzwe. Anenge asingade kunzwa ngaarege zvake nokuti imba yakapanduka.’

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy