Ezekieri 10 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaKubva kwakaita kupenya kwokuvapo kwaMwari paTemberi 1 Ndakazotarisa ndikaona katenga kaiva nechepamusoro pamakerubhu. Nechepamusoro pawo pakaonekwa chakaita sebwe rakakosha resafaya chakaita sechigaro choumambo. 2 Akabva ati kumunhu akanga akapfeka rineni uya, “Enda pakati pamavhiri ari kutendereka pasi pemakerubhu uzadze zvanza zvako namazimbe ari kunjenjema moto ari pakati pamakerubhu uamwaye pamusoro peguta.” Akapinda ndakatarisa. 3 Izvozvo makerubhu aiva amire kumaodzanyemba kwemba iyoyo pakapindamo munhu uya; gore rakazadza nhandare iya yomukatikati. 4 Ipapo kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakasumuka mudenga kukabva pamakerubhu kukaenda kumusuo kwemba iyoyi, imba iyi yakazara gore uye nhandare ikazara nokupenya kwokuvapo kwaTenzi. 5 Kubhabhama kwamapapiro amakerubhu kwainzwika kusvikira kunhandare yokunze zvichiita sezwi raiye Aripagomo paanenge otaura. 6 Paakaudza munhu uya akanga akapfeka rineni kuti, tora moto pakati pamavhiri arikutenderera pakati pamakerubhu, akaenda akamira munyasi memavhiri. 7 Pakati pemakerubhu, rimwe racho rakatambanudzira ruoko rwaro kumoto waiva pakati pemakerubhu rikatora mumwe moto rouisa mumaoko momurume uya akanga akapfeka rineni. Iye akautora akabuda. 8 Makerubhu aive nechimwe chainge ruoko rwomunhu pasi pemapapiro awo. 9 Zvino ndakatarisa onei paiva namavhiri mana pedyo namakerubhu iwayo, vhiri rimwechete riri parutivi pekerubhu kutarisika kwamavhiri iwayo kwakanga kwakaita sokupenya kweibwe rinokosha rebheriri. 10 Mamiriro aakanga akaita ndeaya aya, ari mana kudaro, akanga akafanana aivawo akaita sevhiri mukati merimwe vhiri. 11 Paainge ofamba, aifamba akananga chero kune rimwe divi ramativi mana awo achienda asingatendeuki. Asi aiti kwainge kwangonangwa nevhiri remberi mamwe ose aibva atevera achienda asingatendeuki. 12 Muviri wawo wose nemisana yazvo namaoko azvo namapapiro awo namavhiri azvo zvakanga zvakazara namaziso kutenderera mavhiri iwayo aivawo nawo pahuna hwawo. 13 Zvino mavhiri iwayo ndakanzwa achidaidzwa kunzi kuvhiririka. 14 Kerubhu rimwe nerimwe rakanga riine zviso zvina, uso hwokutanga huri uso hwekerubhu, hwechipiri hwaiva uso hwomunhu, hwetatu huri uso hweshumba, hwechina hwacho huri uso hwegondo. 15 Ipapa makerubhu akakwira mudenga, iwaya akanga ari iwo makerubhu aya andakaona kurwizi rweKebhari. 16 Zvino makerubhu paaifamba, mavhiri aifamba ari pamativi awo. Painge makerubhu asumudza mapapiro awo kuti akwire mudenga achibva pasi, mavhiri haaimbobva parutivi. 17 Hwaingova hwese, achiti akati mbikiti akamira, mavhiri amirawo. Paaikwira mudenga, mavhiri aibva akwirawo mudenga nawo nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu zviya wakanga uri maari. 18 Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwazobva kumusuo kwemba kukandomira pamusoro pamakerubhu. 19 Makerubhu ndokubva asumudza mapapiro awo akakwira mudenga kubva pasi ndichiona achienda kudaro aine mavhiri parutivi pawo akasvikomira pamusuo weSuo Guru rokumabvazuva remba yaTenzi kupenya kwokuvapo kwaMwari weIsiraeri kwaiva pamusoro pazvo. 20 Ndicho chisikwa chipenyu chiya chandakamboona ichochi ichi nechepasi paMwari weIsiraeri pedyo nerwizi rwaKebhari nezvo ndakabva ndaziva kuti makerubhu aya. 21 Kerubhu rimwe nerimwe raiva nouso huna uye rimwe nerimwe riine mapapiro mana. Pasi pemapapiro awo paiva nezvainge maoko omunhu. 22 Zvino kufanana kwouso hwawo, hwakanga hwakangoita sehwandakaona chaihwo pedyo norwizi rwaKebhari. Zvaifamba zvakananga pazvakananga chete. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe