Online Bible

- Reklamy -

Estere 10 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Ukuru hwamambo Ahasurerusi nohwaModhekai

1 Mambo Ahasuerusi aiteresa mutero nyika iyoyo nenyika dzokumahombekombe kwegungwa.

2 Noukuru hwake nesimba raaiva naro, mabasa ose aakaita nenhoroondo chaiyo izere yokududza pachena ukuru ukuru hwaModhekai hwaakapiwa naiye mambo zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo ePezhiya neeMidhia.

3 Ndokusaka muJudha uyu Modhekai aiva mutevedzeri wamambo Ahasuerusi pachigaro. Akanga ari mukuru mukuru chaiye pakati pevaJudha ari munhu aizikanwa noruzhinji rwehama dzake, pamusana pokuti aida kuti zvinakire hama dzake; akanga ari munhu wokutaura zvorugare kuvanhu vorudzi rwake.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy