Online Bible

- Reklamy -

Amosi 1 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Musoro wenyaya

1 Aya ndiwo mazwi okusuma aAmosi mumwe wavafudzi vokuTekowa, chaiva chiri chioneso chaitaura nezveIsiraeri. Izvozvo maive muri munguva yaUziya mambo wokwaJudha, uyewo muri munguva yaJerobhoamu, mwanakomana waJoashi mambo wokwaIsiraeri makore maviri kundengendeka kwapasi kusati kwaitika.


Kusuma nyaya

2 Akati, “TENZI ari kudzvova ari kuZioni, ari kudaidzira ari kuJerusaremu mafuro avafudzi ari kuchema mvura, pamusoro pegomo reKarimero paomerwa.”


I: KUTONGWA KWENYIKA DZAKAVAKIDZANA NEISIRAERI NOKUTONGWAWO KWEISIRAERI Dhamasikusi

3 TENZI ari kuti, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kweDhamasikusi kutosvika runa handimborega kuiranga, nokuti vakakuya vanhu vokuGireadhi nezvirhei zvesimbhi.

4 Saka ndichatumira moto kumba yaHazaeri, ucharoromesa nzvimbo dzaBhenihadhadhi dzokuzvidzivirira nazvo muhondo.

5 Ndichatyora zvihuri zveDhamasikusi ndigotsakatisa vagari vomubani reAvheni naiye ane umambo kuBhetiedheni. Vanhu veSiria vachatapwa vachiendeswa kunyika yeKiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI.


Gaza nenyika yeFirisitia

6 Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kweguta reGaza kutosvika zvaro runa, handimborega kuriranga nokuti vakatapa vanhu rudzi rwose zvarwo rwavanhu vakaenda narwo kundovati kuche mumaoko eEdhomu.

7 Saka iniwo ndichatumira moto kurusvingo rweGaza, ucharoromesa nzvimbo dzaro dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.

8 Ndichatsakatisa vagari veAshidhodhi naiye ane umambo kuAshikeroni. Nesimba roruoko rwangu, ndicharanga guta reEkironi, marimbirimbi akasara avaFirisitia achaparara,” ndizvo zviri kutaura TENZI Mwari.


Tire

9 Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kweguta reTire kutosvika runa, handimborega kuriranga; nokuti vakakukura kutapa vanhu, rudzi rwose rwavanhu vakaenda narwo kuEdhomu vachirega kurangarira chibvumirano chavakaitirana paukama.

10 Naizvozvo ndichatumira moto parusvingo rweguta reTire ugororomesa nhare dzaro dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.”


Edhomu

11 Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kwenyika yeEdhomu kutosvika zvayo runa, handimborega kuiranga, nokuti yakaronda hama dzayo namapakatwa, zvetsitsi yakakanda pasi, yakaramba achingoviruka nehasha yakaramba iine pfundipfundi mumwoyo.

12 Naizvozvo ndichatumira moto kuTemani ugororomesa nhare dzokuBhozira dzokuzvidzivirira nadzo muhondo.”


Amoni

13 Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kwevokwaAmoni kutosvika zvavo runa, handimborega kuvaranga; nokuti vakatumbura madzimai akazvitakura okuGireadhi vachiitira kukudza-kudza nyika yavo.

14 Nezvo ndichatungidza moto murusvingo rweguta reRabha uroromese nhare dzaro dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. Pachava nejemedzanwa pazuva rehondo iyoyo ichaita sedutu remhepo pazuva rechamupupuri.

15 Mambo wavo achatapwa agoendwa naye, iye pamwechete namachinda ake,” ndizvo zviri kutaura TENZI.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy