Ɀireʋo 6 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaKumiririra chikwereti chomumwe 1 Mwanangu ukati ndiwe wokumiririra chikwereti chomumwe uchitsidza panzvimbo pomumwe, 2 kana wateewa mukutaura kwomuromo wako wabatwa mumazwi omuromo wako 3 zvaunofanira kuita ndezvizvi, mwanangu, kuitira kuti uzvinunure nokuti unenge watowira mumaoko omumwe wako. Enda uzvirereke utadzise mumwe wako iyeyo kudya rinopisa. 4 Usambobvuma zvako kuti meso ako abatwe nehope kana kutsomwaira nehope. 5 Zvinunure semhara kumuvhimi kana seshiri mumaoko omutei weshiri. Tsimbe yomunhu 6 Iwe tsimbe, enda kumujuru uongorore maitiro awo udzidze ungwaru. 7 Mujuru hauna mambo, hauna muchinda kana mutongi 8 asi unogadzirira sadza rawo muzhizha unounganidza chokudya chawo pakukohwa. 9 Uchasvika riniko wakarara nhaiwe tsimbe uchamuka riniko muhope dzako? 10 Izvo zvokuti, “Regai ndimboti kotsire kashoma.” “Regai ndimboti tsomwaire kashoma. Ndimboti maoko gumbate kuzorora.” 11 Urombo hunobva hwati pauri tutururu serombe uye kushaiwa kunouya kwauri somunhu akapakata zvombo zvokurwa. Nhubu yomunhu 12 Nhubu munhu akaipa anongofamba achikanganisa mashoko. 13 Anochonya maziso anotondeka netsoka dzake achinongedzera nongedzera neminwe yake. 14 Anoronga twaanoronga nomwoyo wakashata achiramba achingokonzera manyongori. 15 Nhamo inoyerekana yamuwira, nenguva isipi anotyorwa-tyorwa zvisina karapiro. Zvinhu zvinomwe zvisingadiwe naMwari 16 Pane zvinhu zvitanhatu zvisingadiwi naTenzi zvinotosvika zvinomwe zvinosemesa kwaari, zvinoti: 17 Kuzvikudza, nokunyepa maoko anodeura ropa risina mhosva 18 nomwoyo unoronga zvirongwa zvakaipa netsoka dzinomhanyirira kune zvakaipa 19 chapupu chenhema chinotaura manyepo munhu anomutsa gakava pakati pehama. Yambiro nezveupombwe nomukadzi womuridzi 20 Mwanangu chengeta mitemo yababa vako, usakande pasi mirao yaamai vako 21 isungirire mumwoyo mako isungirire muhuro mako nguva dzose. 22 Kana wofamba inokutungamirira, kana worara inokuchengetedza. Kana wakasvinura inokurukura newe. 23 Chandinodariro ndechokuti mutemo mwenje, murao chiedza kutsiurwa nokudzidziswa ndiwo mafambiro ohupenyu 24 kuitira kuti zvikudzivirire kumukadzi wakaipa kururimi rwunotapira rwomukadzi pfambi. 25 Usatorwe mwoyo norunako rwake usabatwe kumeso netsiye dzake. 26 Nokuti pfambi inogona kutengwa nemari yechingwa asi mukadzi womumwe anonanga zvokutora upenyu hwakakosha hwomunhu. 27 Munhu angatakure moto pachipfuva, hanzu dzake dzikarega kutsva here? 28 Kana kuti munhu angafambe pamavhunze anopisa, tsoka dzake dzikarega kutsva here? 29 Ndizvo zvakaita munhu anoenda kumukadzi womumwe hakuna anomubata bata akarega kurangwa. 30 Handiti vanhu vanoshora mbavha here inenge yaba kuti irape nzara yayo? 31 Asi ikabatwa inoripiswa kakapetwa kanomwe inobvisa upfumi hwose hwomumusha mayo. 32 Munhu anoita upombwe haana njere, anoita zvakadai kuzviuraya 33 chaanowana ipapa maronda nokushorwa uye kuzvidzwa kwako hakufe kwakabva 34 nokuti shanje inoitisa munhu hasha, kana wotsividza anotsividza zvisina tsitsi 35 zvokuti pakaripwa haambozviona kana kugadzana mwoyo nokumupa kwako zvipo zvakawanda. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe