Online Bible

- Reklamy -

Tato kniha není inspirována Bohem a není součástí ani křesťanského kánonu, ani židovského Tanachu. Zobrazuje se pouze pro historické a studijní účely. Zobrazit úplné vysvětlení

Sira 51 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


ZVIMWEWO Rumbo rwokutenda Mwari

1 “Ndinokutendai imi Tenzi, Mambo; ndichikurumbidzai, imi Mwari Muponesi wangu.

2 Ndinorumbidza zita renyu ndimi maindidzivirira nokundibatsira; makandinunura kuti ndisaparadzwe, uye, makandinunura kururimi runotaura makuhwa uyewo kumuromo unotaura nhema. Kune vakanga vakamirisana neni, mukandibatsira, mukandinunura.

3 Netsitsi dzenyu dzakanyanya, uye, nezita renyu guru, makandinunura kumazino avaida kunditsenga, nomumaoko avaida kundiparadza upenyu. Makandiburitsawo munhamo zhinji dzandakapindana nadzo

4 uye mumoto unokachidza wakanga wakanditenderedza pandakanga ndiri mukati momoto wandisina kubatidza.

5 Makandinunura kurufu ndikasaenda pasi pasi penzvimbo yavakafa, makandinunura kururimi rwakan'ora nokumazwi amanyepo

6 pandakapomerwa mhosva paya kuna mambo nomunhu asina kururama, ndakanga ndotoda kufa, mweya wangu wakanga wadzika pedyo nenzvimbo yavafi.

7 Vakandikomba kumativi ose, pasina anondibatsira, ndakatsvaga wokundibatsira ndikamushaya.

8 Ndakachizoyeuka tsitsi dzenyu, imi Tenzi, namabasa makuru amakaita kubvira kare nakare, uye kuti imi munoponesa vanokumirirai muchivanunura kumaoko avavengi vavo.

9 Ndakasvitsa chichemo changu chichibva panyika, ndakumbira kuti ndinunurwe kurufu.

10 Ndakachema ndichiti, ‘Tenzi ndimi baba vangu, musandisiye ndiri munhamo, pandinenge ndisina rubatsiro pavanhu vanozvikudza. Ndicharamba ndichirumbidza zita renyu, ndichiriimbira ndichikutendai.’

11 Chichemo changu makachinzwa, mukandiponesa kuti ndisaparadzwe, mukandinunura kune zvakaipa.

12 Naizvozvo ndicharamba ndichikutendai nokukuimbirai, ndichirumbidza zita renyu imi Tenzi.”


Nhetembo yezvokutsvaga ungwaru

13 Zvandakanga ndichiri muduku, ndisati ndafamba nzendo dzangu, ndakanamata zviri pachena ndichikumbira ungwaru.

14 Ndakaukumbira ndiri pamberi peTemberi yaMwari, ndicharamba ndichiutsvaka kusvikira pakupedzisira.

15 Mwoyo wangu wakaufarira kubvira pakutumbuka kweruva rahwo kusvikira pakuibva kwomuchero wahwo. Rutsoka rwangu rwakaramba ruchingoutevera munzira, yahwo yakati tasa kubvira pauduku hwangu.

16 Pandakangotangisa kuupa nzeve, ndakaunzwa, ndikadzidza zvakawanda.

17 Ndakazoenderera mberi muungwaru. Ngaarumbidzwe uyo akandipa ungwaru!

18 Ndakatsunga mwoyo kugara upenyu huno ungwaru ndakaita shungu nezvakanaka, handichambofa ndakanyara nazvo.

19 Mweya wangu wakarwisa kuti ndiwane ungwaru, ndakanyatsoita zvinhu zvose nemazvo ndakatambanudzira maoko angu kudenga ndichichema kusaziva kwangu ungwaru.

20 Mweya wangu wakatsvira ungwaru neshungu ndikauwana nokuzvinatsa kwandaiita. Kubvira pakutanga ndaiva neshungu dzokuuwana, saka hauchambozondisiya.

21 Ndakahutsvaga nakwose kwandinogona, ndakazouwana hwakati kuti.

22 Mwari akandipa mubairo wokugona kutaura, ini ndichamurumbidza narwo.

23 Uyai kwandiri, imi musati madzidziswa, mugare muchikoro mangu.

24 Seiko muchibvuma zvenyu kuti hamuna ungwaru, asi muchigara muine nyota yahwo?

25 Ndakazarura muromo wangu ndichiti, “Zviwanirei ungwaru pasina mari mugozviwanira ungwaru pasina mutengo.

26 Pinzai mitsipa yenyu mujoko rahwo, mugodzidza, nokuti hunowanikwa pedyo.

27 Zvionerei nemeso enyu kuti kushingaira kwangu, kushoma asi zvino ndakawana zororo.

28 Tengai zvenyu ungwaru nesirivha yakawanda, hunokubatsirai kuwana ndarama zhinji.

29 Farirai tsitsi dzaMwari, musanyare kumurumbidza.

30 Itai basa renyu nenguva, iye achazokupai mubayiro nenguva yake.” Ungwaru hwaJesu Mwana waSira.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy