Online Bible

- Reklamy -

Tato kniha není inspirována Bohem a není součástí ani křesťanského kánonu, ani židovského Tanachu. Zobrazuje se pouze pro historické a studijní účely. Zobrazit úplné vysvětlení

Sira 50 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Simoni mupristi mukuru

1 Simoni mwana waOniasi mupristi mukuru aiva mutungamiriri wehama dzake ndiye aidadwa naye navanhu nokuti panguva yake ndiye akavaka Temberi payakanga yapazwa, nokusimbisawo nzvimbo inoeresesa.

2 Iyewo ndiye akavaka ugaro hworusvingo rwakaturikidzwa kaviri, rwakakwidziridzwa kuvakwa kuti rutsigise chivanze cheTemberi.

3 Namazuva ake iwayo kwakacherwa tsime, rakakura senyanza kutenderera.

4 Akafunga nzira dzokuti aponese nadzo vanhu vake, kuti varege kuparadzwa. Ndiko kusaka akasimbisa rusvingo rweguta kuitira kuti vazvidzivirire kana vakombwa.

5 Hakusi kufadza kwazvaiita kumuona akakomberedzwa navanhu vake! Pakubuda kwaaiita achibva nokuseri kwechidzikatiro chomuTemberi

6 ainge hweva iri mukati memakore, kana kuti mwedzi wejenaguru.

7 Ainge zuva rinopenya pamusoro peTemberi yoWokumusorosoro kana kuti somuraraungu wakanangana namakore anopenya.

8 Ainge maruva amarozi panguva yepfumvudza kana kuti ruva ramahapa pachisipiti chemvura kana kuti muti una mashizha manyoro kuRebhanoni pazuva romuzhizha.

9 Ainge moto nerusenzi mubisiro. Ainge mudziyo wendarama yakarohwa–rohwa una manyerekete otutombo tunokosha twakasiyana–siyana.

10 Ainge muorivhi unoremerwa nemichero yawo, kana kuti somusaipurasi unotunga makore kureba.

11 Paainge apfeka gemenzi rake ramandiriri uye anyatsozvipfekedza zvishongo zvake zvakaruramisisa, oenda kuatari inoera, pamberi pose peatari paibva pava panhu panoshamisa nokunaka.

12 Aiti zvino kana vapristi vomugamuchidza zvikamu zvezvinoda kupirwa, iye amire pamberi pechoto cheatari akakombwa navamwe vake, aiita somusidhari muduku wokuRebhanoni, ivo vachiita sehunde dzemirara dzakamukomba.

13 Vanawo vose vokwaAroni vainge vakapfeka zvinoyevedza kwazvo mumaoko vaine zvinoda kupirwa kuna Mwari, vari pamberi pegungano rose raIsiraeri.

14 Iye Simoni paainge apedza kupira miteuro padziatari, achitevera nhevedzano yemipiro yaipirwa kuna Wokumusorosoro, Samasimbaose.

15 Aizotambanudza ruoko, otora mukombe, womuteuro wewaini yaaidira munyasi meatari ichibva yava munhuhwi unofadza Wokumusorosoro, Mambo wazvose zvose.

16 Ndipo paizobva podaidzirwa navana vaAroni, vachiridza mabhosvo akaitwa zvokupfurwa. Vaiita kuti kurira kwawo kunzwike zvikuru kuitira kuti kugoyeuchidza vanhu nezvoWokumusorosoro.

17 Pakarepo gungano rose ndoparaibva rati pamwechete pasi kota kota nouso vachinamata Tenzi, Samasimba Mwari Wokumusorosoro.

18 Vokuimba ndopavaibva vati mumhanzi tsemu unonakidza kwazvo unokuimba kuzere.

19 Vanhu, izvozvo vaizoteterera Tenzi Wokumusorosoro, vachiisa zvichemo zvavo kuna iye weTsitsi kudzamara vapedze kupira. Saizvozvi vaizopedza kumushumira kwavo.

20 Nezvo Simoni aibva abva kuatari achiuya kuvanhu, otambanudzira maoko ake kugungano rose ravana vaIsiraeri, achivakumbirira kuti Mwari avakomborere, achifarirawo kudoma zita raMwari.

21 Vanhu vaibva vati kota kotazve nouso kuti vakomborerwe noWokumusorosoro.


Mashoko okukurudzira

22 Zvino chirumbidzai Mwari wezvinhu zvose, anoita zvinhu zvikuru kose kose. Ndiye akatisimudzira kubvira pakuberekwa, achitibata namaitiro ake etsitsi.

23 Dai akangotipawo rufaro mumwoyo tive norugare mumazuva edu muIsiraeri uye narini narini.

24 Ngaarambe achitiitira tsitsi, atinunure mumazuva edu.


Tsumo

25 Kuna marudzi maviri avanhu andisingadi, rwechitatu harusirimbori rudzi.

26 Kunoti: vagari vomumakomo eSeiri, navaFirisitiya, namatutununu avanhu anogara Shikemu.


Mazwi okupedzisira

27 Chidzidziso ichi chezvoruzivo norunzwisiso ndakachinyora ini mubhuku rino, ini Jesu, mwana waSira, mwana waEreazari, wokuJerusaremu, ndichidurura ungwaru kubva mumwoyo mangu.

28 Akakomborerwa zvake anorangarira zvinhu izvi; uyo anozvipfundira mumwoyo achava mungwaru,

29 nokuti kana achiita zvinhu izvi achakwanisana nazvose, nokuti mumwenje waMwari ndimo maanofamba namo.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy