Tato kniha není inspirována Bohem a není součástí ani křesťanského kánonu, ani židovského Tanachu. Zobrazuje se pouze pro historické a studijní účely. Zobrazit úplné vysvětlení Sira 49 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaJosiya 1 Kurangarira Josiya kunonhuhwira sorusenzi rwanyatsogadzirirwa navazivisisi vezvezvinonhuhwira. Kumurangarira kunotapira sokutapira kwouchi mukanwa, kunonakidzawo sokuimba pamabiko panonwiwa waini. 2 Akatevera gwara rakanaka rokupindura vanhu. Akabvisa chose unyangadzi hwakan'ora. 3 Akaisa mwoyo wake muna Tenzi. Panguva yakwakanga kusina zvokutevera mutemo, iye akakurudzira zvokunamata. Madzimambo navaporofita vokupedzisira 4 Dhavhidhi naHezekiya naJosiya ndivo voga, vakateerera Mwari, mamwe madzimambo ose akatadzira Mwari zvakanyanya nokuti vakafuratira mutemo woWokumusorosoro. Madzimambo okwaJudha akabva aguma, 5 nokuti akapa vamwe simba rahwo, akapawo mbiri yahwo kune venyika yevechirudzi. 6 Vakapisa guta reNzvimbo Inoera rakanga rakasarudzwa naMwari; migwagwa yaro yakasara isisina nomunhu wose, sokufanotaurwa kwazvakanga zvaitwa naJeremiya. 7 VaJudha vakambomuonesa nhamo, kunyange zvake akanga afanosarudzwa naMwari achiri munhumbu yaamai vake, kuti ave muporofita kuti adzure, arwadzise uye kuti aparadze uye kuti avake nokusima. Ezekieri 8 Ezekiyeri ndiye akaona chioneso chaipenyesesa, chaakaratidzwa naMwari chiri nechokumusoro kwengoro yamakerubhu. 9 Nokuti Mwari akayeuka vavengi vake akavatumira dutu remvura, akabatsira vaitevera nzira kwayo. 10 Mapfupa avaporofita gumi namaviri ngaatungirezve paakaradzikwa, nokuti vakanyaradza vokwaJakobho, vakavanunura nechitarisiro chakaperera. Zerubhabheri 11 Tingarumbidze Zerubhabheri nomutoo upiko? Akaita ringi riri muruoko rworudyi. 12 Ndizvowo zvaiva naJoshuwa mwana waJozadhaki. Pamazuva avo, vakavaka imba yaMwari vakavaka patsva Temberi inoera yaMwari, yakavakirwa kupa mbiri nokusingaperi. Nehemiya 13 Nehemiya ndiye mumwe asingafaniri kukanganwikwa nokusingaperi nokuti ndiye akavakiridza rusvingo rwakanga rwapazwa, akamisawo misuo mikuru ine zvihuri, akavaka patsva dzimba dzedu. Kutarira shure 14 Hakuna akasikwa pasi pano angaenzane naEnoki, nokuti ndiye akatorwa achibva pasi pano. 15 Hakuna ati azvarwa akaita saJosefi akava mutungamiri wamadzikoma ake nomutsigiri worudzi rwake; mapfupa ake akaremekedzwa. 16 Shemu naSeti vakaremekedzwa pakati pavanhu, asi ari pamusoro pezvisikwa zvose zvinoupenyu ndiAdhamu. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe