Online Bible

- Reklamy -

Ruka 18 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Mutongi asinganyari munhu nechirikadzi isinganeti kukumbira

1 Jesu akavataurira mumwe muenzaniso wokuti vanofanira kunamata nguva dzose vasingarasi mwoyo.

2 Akati, “Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari kana kuzeza munhu.

3 Maivawo neimwe chirikadzi muguta iroro yaingoramba ichiuya kwaari ichiti, ‘Ndienzanisireiwo nyaya yangu nomuvengi wangu.’

4 Kwechinguva chakati kuti akamboramba. Mushure mezvo akazozviti, ‘Kunyange zvazvo ndisingatyi Mwari kana kuzeza munhu

5 asi pamusana pokuti chirikadzi iyi inondinetsa, regai ndiienzanisire nyaya yayo; ingandisvote nokuramba kwayo ichingouya.’ ”

6 Tenzi akati, “Inzwai zviri kutaurwa nomutongi asina kururama.

7 Mwari haangadzivirire here vasarudzwi vake vanochema kwaari siku nesikati. Angavanonokere kwenguva ndefu here?

8 Ndinokutaurirai kuti achavadzivirira nokuchimbidza. Kunyange zvakadaro zvazvo, pachauya Mwanakomana womunhu, achasvikowana panyika pane chitendero here?”


Muenzanaiso womuFarisei nomuteresi

9 Jesu akavataurirawo muenzaniso uyu kune vamwe vaizvikudza vachizviona savakarurama kupinda vamwe vachishora vamwe.

10 “Vamwe varume vaviri vakaenda muTemberi kundonamata. Mumwe wavo aiva muFarisei, mumwe ari muteresi.

11 MuFarisei akamira akanamata nechomumwoyo achiti, ‘Mwari ndinokutendai nokuti handina kuita savamwe vanhu, vapambi, vasina ruenzaniso, nemhombwe kana somuteresi uyu.

12 Ndinotsanya kaviri pasvondo. Ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’

13 Asi muteresi akamira nechokure asingatomboda kusimudza maziso ake kudenga. Akazvibata pachifuva achizvininipisa achiti, ‘Mwari, ndinzwirewo tsitsi ini mutadzi.’

14 Ndinokutaurirai kuti murume uyu akaenda kumba kwake aruramiswa panze pomumwe uya. Nokuti munhu wose anozvikudza achadukupiswa asi uyo anozvidukupisa anokudzwa.”


Jesu anokomborera vana vaduku
( Mat 19:13–15 ; Mak 10:13–16 )

15 Vanhu vakanga vava kuunza kunyange vacheche kwaari kuti avabate. Vadzidzi vake pavakazviona, vakavarambidza.

16 Asi Jesu akadaidzira achiti, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hwedenga ndehwevakaita savava.

17 Chokwadi chaizvo ndinokuudzai kuti ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haambohupinda.”


Jaya mupfumi
( Mat 19:16–30 ; Mak 10:17–31 )

18 Mumwe mutongi akabvunza Jesu achiti, “Mudzidzisi wakanaka. Ndingaitei kuti ndiwane upenyu husingaperi?”

19 Jesu akati kwaari, “Sei uchinditi ndakanaka? Hakuna wakanaka asi Mwari woga.

20 Inga unoziva wani mitemo, inoti usaite upombwe, usauraye, usabe, usaite uchapupu hwenhema remekedza baba naamai vako.”

21 Iye akati, “Yose iyi ndakaichengeta kubvira paudiki hwangu.”

22 Jesu paakazvinzwa akati kwaari, “Pane chinhu chimwechete chausina. Tengesa zvose zvaunazvo uzvigovere kuvarombo. Uchava noupfumi kudenga; ugouya ozonditevera.”

23 Paakanzwa izvi akasuruvara nokuti akanga akapfuma zvikuru.

24 Jesu akamutarisa akati, “Zvakaoma sei kuti vano upfumi vapinde muumambo hwaMwari.

25 Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono panokuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”

26 Avo vakazvinzwa vakati, “Kana zvakadaro ndiani angaponeswe.”

27 Asi iye akati, “Zvisingagoneki navanhu zvinogoneka naMwari.”

28 Pita akazoti, “Tarisai muone, isu takasiya misha yedu tikakuteverai.”

29 Iye akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hakuna munhu akasiya musha kana mukadzi kana vakoma kana vaunun'una kana vabereki kana vana pamusana poumambo hwaMwari

30 asingazowani zvakapetwa kakawanda kupinda izvozvo panguva ino uye upenyu husingaperi munguva ichauya.’ ”


Jesu anotaura nezvorufu rwake kechitatu
( Mat 20:17–19 ; Mak 10:32–34 )

31 Jesu akatora vane gumi navaviri akati kwavari, “Chinzwai, tavakukwira kuJerusaremu. Zvose zvakanyorwa navaporofita nezveMwanakomana womunhu zvichazadziswa.

32 Nokuti achandoiswa mumaoko evechirudzi, achasveeredzwa achiitirwa zvinonyadzisa nokusvipirwa mate.

33 Vachamurova zvakanyanya vozomuuraya asi achizomuka pazuva retatu.”

34 Pazvinhu izvi hapana chavakanzwisisa. Zvaakataura izvi zvakanga zvakavanzwa kwavari. Havana kubata zvaaireva.


Jesu akarapa bofu kuJeriko
( Mat 20:29–34 ; Mak 10:46–52 )

35 Paakaswedera kuJeriko, rimwe bofu rakanga rigere parutivi rwenzira richipemha

36 parakanzwa mhomho yavanhu ichipfuura, rakabvunza kuti, “Kwauyei?”

37 Vakati kwaari, “Jesu weNazareti ari kupfuura nepo.”

38 Iye akashevedzera achiti, “Jesu Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.”

39 Vakanga vari mberi vakamutsiura vachimuti anyarare asi iye akatoshevedzera zvakatonyanya achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.”

40 Jesu akamira akati ngaauiswe kwaari. Paakasvika pedyo, akamubvunza achiti,

41 “Chii chaunoda kuti ndikuitire.” Akati, “Tenzi itai kuti ndione.”

42 Jesu akati kwaari, “Chiona zvako. Chitendero chako chakuponesa.”

43 Pakarepo akabva avakuona akatevera Jesu achirumbidza Mwari. Vanhu vose pavakazviona vakarumbidza Mwari.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy