Ruka 16 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 Jesu akatiwo kuvadzidzi vake. “Kwaiva nomumwe murume mupfumi aiva nomutariri. Akacherwa kwaari kuti murume uyu akanga achimuparadzira zvinhu zvake. 2 Akamudaidza akamuti, ‘Chii ichi chandiri kunzwa nezvako? Ndipire nezveutariri hwako ndinzwe nokuti hauchavi mutaririzve.’ 3 Mutariri uya akazviti ndichaita sei Tenzi wangu zvaava kundibvisa pautariri? Simba rokutimba handina uye kukumbira ndinonyara. 4 Ndafunga zvokuita kuti vanhu vazondigamuchira mudzimba dzavo pandinenge ndabviswa pautariri. 5 Akadaidza vaiva nezvikwereti naTenzi wake mumwechete mumwechete. 6 Akati kune wokutanga, ‘Une chikwereti chakadii kuna Tenzi wangu?’ Iye akati, ‘Ndine zana remigomo yamafuta.’ Akati kwaari, ‘Tora katsamba kechikwereti chako ugare pasi nokuchimbidza unyore makumi mashanu.’ 7 Akatiwo kune mumwe, ‘Ko iwe unechikwereti chakadii?’ Iye akati, ‘Mabhagidhi zana ekoroni.’ Akamuti, ‘Tora katsamba kako kechikwereti unyore makumi masere.’ 8 Tenzi akarumbidza mutariri asina kutendeka uya nokuti vanhu vapanyika pano vanoziva mano avanoitirana nevechizvarwa chavo kukunda vana vechiedza. 9 Ndinokutii, ‘Itai ushamwari muchishandisa mari isina zvayo kururama kuti kana yopera vakugamuchirei mudzimba dzokugara nokusingaperi. 10 Munhu anovimbika mune zvidiki anovimbika mune zvikuru. Uyowo asingavimbiki mune zvidiki haavimbikiwo mune zvikuru. 11 Zvino kana usingavimbiki munezvemari isina kururama zvayo, ndiani angakuchengetese upfumi hwechokwadi? 12 Zvino kana usina kuvimbika nechinhu chomumwe ndiani angakupe zvako pachako?’ 13 “Hapana muranda anogona kushandira vatenzi vaviri nokuti anogona kuvenga mumwe achida mumwe kana kuti kwati kwati nomumwe achishora mumwe wacho. Haugoni kushandira Mwari uye mari.” Umambo hwedenga nomutemo nomuchato ( Mat 11:12–13 ; 5:31–32 ; Mak 10:11–12 ) 14 VaFarisei vaidisa mari, vakanzwa zvose izvi vakamuseka. 15 Asi akati kwavari, “Imika ndimi munozviita vakanaka pamberi pavanhu asi Mwari anoziva mwoyo yenyu nokuti chinorumbidzwa navanhu chinosemesa pana Mwari. 16 “Mutemo navaporofita zvaivapo kusvikira pana Johani. Kubvirawo ipapo Shoko Rakanaka roumambo hwaMwari rinoparidzwa, munhu wosewo ari kuita zvokumanikidzira kupindamo. 17 Asi zviri nyore kuti denga napasi zvipfuure panokuti kabhii kadikidiki zvako koMutemo kashaye basa. 18 Ani naani anoramba mukadzi wake achiroora mumwe anoita upombwe. Nouyowo anoroora mukadzi akarambwa nomurume wake anoita upombwe. Mupfumi naRazaro 19 “Kwaiva nomumwe murume mupfumi aipfeka hanzu dzoruvara rwehute nedzerineni yakanakisisa achidyiririra zvikuru zuva nezuva. 20 Asi pasuo rake guru paigara pakanzi rabada nomumwe murume murombo ainzi, Razaro akanga ari maronda oga oga. 21 Aida kudya zvaidonha pateburu yomupfumi, uye imbwawo dzaiuya dzichimunanzva maronda ake. 22 Murombo uya akafa akatakurwa navatumwa kunzvimbo yepedyo pedyo nechipfuva chaAbhurahamu. 23 Mupfumi uya akafawo akandovigwa. Ari munzvimbo yavakafa achirwadziwa, akasimudza musoro akaona Abhurahamu ari kure kure aina Razaro pedyo pedyo nechipfuva chake. 24 Akadanidzira achiti, ‘Baba Abhurahamu ndinzwirei tsitsi mutume Razaro kundonyika muromo womunwe wake mumvura atonhodze rurimi rwangu nokuti ndiri kurwadziwa murimi iri romoto.’ 25 Abhurahamu akati, ‘Mwanangu yeuka kuti panguva youpenyu hwako wakagamuchira zvinhu zvakanaka. Ndizvozvowo zvimwechetezvo naRazaro, akawana zvakaipa; asi zvino ari kunyaradzwa kuno iwe uri mukurwadziwa. 26 Handizvo chete, pakati pedu nemi pakaiswa zigoronga kuti vanoda kuyambukira kwamuri vachibva kuno vakundike uye kuti pashaye anoyambuka achibva ikoko achiuya kwatiri.’ 27 Akati, ‘Saka ndinokukumbirai baba, kuti mutume Razaro kumba kwababa vangu 28 nokuti ndine vakoma navanun'una vashanu kuti andovayambira nokuti vangadaro vakauyawo kunzvimbo ino yokurwadziwa.’ 29 Abhurahamu akati, ‘Vana Mosesi navaporofita, ngavateerere ivavo.’ 30 Iye akati, ‘Kwete Baba, Abhurahamu. Asi kana mumwe munhu akaenda kwavari achibva kune vakafa vanopinduka.’ 31 Abhurahamu akati kwaari, ‘Kana vakarega kunzwa Mosesi navaporofita havambotendi kana mumwe munhu akamuka achibva kuvafi.’ ” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe