Nehemia 10 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 Vakaisa chidhindo chavo, ndaava ava vanoti: gavhuna wacho Nehemiya mwanakomana waHakariya kwouya Zedhekiya 2 naSeraya naAzariya naJeremiya 3 naPashuri naAmariya naMarikiya 4 naHatushi naShebhaniya naMaruki 5 naHarimu naMeremoti naObhadhiya 6 naDhanieri naGinetoni naBharuki 7 naMeshuramu naAbhiya naMiyamini 8 naMaaziya naBhirigai naShemaya Ivava ndovaiva vapristi vacho. 9 KuvaRevhi paiti: Jeshua mwanakomana waAzaniya naBhinui mumwe wevanakomana vokwaHenadhadhi naKadhimieri, 10 nehama dzavo idzi dzinoti: Shebhaniya naHodhiya naKerita naPeraya naHanani 11 naMika naRehobhu naHashabhiya 12 naZakuru naSherebhiya naShebhaniya 13 naHodhiya naBhani naBheninu. 14 Kuvakuru vakuru ivava, paiti: Paroshi naPahatimoabhu naEramu naZatu naBhani 15 naBhani naAzigadhi naBhebhai 16 kwouya Adhoniya naBhigivhai naAdhini 17 naAtero naHezekiya naAzuru 18 naHodhiya naHashumu naBhezai 19 kwouyawo naHarifi naAnatoti naNebhai 20 naMagipiashi naMeshuramu naHeziri 21 naMeshezabheri naZadhoki naJadhua 22 kwoti Peratiya naHanani naAnaya 23 naHoshea naHananiya naHashubhu 24 naHaroheshi naPiriha naShobheki 25 kwozoti Rehumu naHashabhina naMaaseya 26 naAhiya naHanani naAnani 27 naMaruku naHarimu naBhaana. Chibvumirano 28 Navamwe vanhu vosewo vaiti vapristi nevaRevhi navachengetedzi vepamisuo mikuru navaimbi navashandi vomuTemberi navose vakazvitsaura mukati mavanhu vose vari munharaunda iyoyo pamusana pomutemo waMwari, ivo namadzimai avo navana vavo vakomana navasikana vose vaiva vabve zano vavakuziva, 29 vose ivava vakabatana nehama dzavo dzokumba huru mukuzvisunga nechitsidzo chokuti ukarega kuchichengeta unopinda murushambwa chitsidzirano chacho ndechokuti vaizotevera mutemo waMwari waakapa nomuromo waMosesi muranda waMwari uye vachiteerera mirao yose yaTenzi wedu Tenzi pamwechete nezvirevo zvake nezvirongwa zvake. 30 Isu hatisi kuzoroodza vana vedu kuvanhu vechirudzi venyika ino kana kuroorera vana vedu vanasikana vavo. 31 Kana vanhu vechirudzi venyika ino vakauya nezvinhu zvokuzotengesa kana mbesanwa zvadzo uri musi weSabata, hatisiri kuzovatengera pamusi weSabata kana pane rimwewo zuva rinoera. Pagore rechinomwe roga roga tinorega minda yedu irarire zvayo isina kurimwa, uye vane zvikwereti hatichavabhadharisi. 32 Tinozviisirawo mitemo yokuti: pagore roga roga munhu anofanira kubvisa magiramu mana emari yesirivha yeshekeri yokubatsira pamba paMwari. 33 Tichabvisawo zvinhu zvebasa remba yaMwari zvinoti: chingwa chepana Mwari, mupiro wembesanwa wezuva nezuva, chibayiro chezuva roga roga neyemaSabata neyepakugara kwemwedzi neyepamazuva makuru akatemwa neyezvinhu zvinoera neyemipiro yokupfupira zvitadzo zveIsiraeri neyebasa rose repamba yaMwari wedu. 34 Isuwo vapristi navaRevhi navanhu taita chin'ange kuti tione kuti imhuri ipi ichaunza huni dzokupisa paatari yaTenzi, panguva dzakatemwa gore negore, Mwari wedu sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo. 35 Tinofanira kuendesa mupiro wembesa dzokutanga dzomumunda medu nemichero yokutanga yemiti yose zvayo yomuchero wose wose gore negore kumba yaTenzi 36 nokuendasawo kumba yaMwari nokuvapristi vanoita basa romumba yaMwari wedu, matangwe echirume pavana vedu napazvipfuwo zvedu sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo nematangwewo echikono emombe dzedu neezvimwe zvipfuwo 37 uyewo kuendesa mikanyiwa yedu yokutanga nezvimwe zvatinobvisa nomuchero womuti wose womuchero newaini namafuta eorivhi kuvapristi kudzimba dzepamba paMwari wedu, tichiendesawo kuvaRevhi zvegumi zvezvirimwa zvedu, nokuti vaRevhi ndivo vane basa rokuunganidza zvegumi zvomumaguta ose omumaruwa medu. 38 Mupristi mwanakomana wokwaAroni anofanira kuve nevaRevhi pavanogamuchira zvegumi izvozvo. VaRevhi ivava vanozofanira kuzoendesa chegumi chezvegumi izvozvo kumba yaMwari mumba inochengeterwa zvinhu, 39 nokuti vanhu veIsiraeri navanakomana vokwaRevhi vanofanira kuendesa mipiro yembesanwa neyewaini itsva neyemafuta eorivhi kudzimba idzodzo kune midziyo yomunzvimbo inoera navapristi vanoita basa imomo navachengetedzi vepamisuo mikuru navaimbi. Hatingashayire hanya imba yaMwari wedu. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe