Mupiro 5 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaMhosva dzairipwa nemipiro yokupfupira zvitadzo 1 “Munhu anenge anzi nedare, ngaapupure nezvemhosva yaanoziva kana kuti yaakaona, kana akarega kudaro apara mhosva. 2 “Munhu anenge abata chinhu chakan'ora chingave chitunha chemhuka yakan'ora kana kuti chechipfuwo chakan'ora kana tumwewo tupukanana twakan'ora twakawandawanda twakafa asingazivi, munhu iyeyo akan'oreswa atopara mhosva. 3 “Kana kuti munhu abata chinon'oresa munhu chingave chin'orwa chipi nechipi zvacho chin'oresa munhu mukusaziva, paanozongoziva zvaaita anobva ava nemhosva. 4 “Munhu anovhurumukira kupika mhiko yokuita zvakaipa kana zvakanaka, kana kuita chipikepike zvacho chemhiko chingaitwe nomunhu akazonyatsoziva mhiko yaakaita pakarepo atova nemhosva yechimwe chazvo. 5 “Kana munhu aine mhosva yechimwe chezvinhu izvozvi ngaareurure chitadzo ichocho. 6 Anofanira kuunza kuna Tenzi mupiro wokuripa mhosva yokupfupira chitadzo chaakaita. Ngaaunze sheshe yehwai kana yembudzi yomupiro wokupfupira zvitadzo. Mupristi ngaaite mupiro wokuripira chitadzo chake. 7 “Kana asingakwanisi kuwana hwayana, ngaaunze mupiro wokuripa mhosva kuna Tenzi yechitadzo chaakaita yenjiva mbiri kana hangaiwa dzichiri diki. Imwe njiva ndeyo mupiro wokupfupira chitadzo, imwe ndeyomupiro wokupisa. 8 Anofanira kuuya nadzo kumupristi atange kupira shiri yomupiro wokupfupira chitadzo. Ngaaimonye mutsipa aibvise musoro, arege kuitsemura. 9 Ngaasase rimwe ropa rayo parutivi rweatari, rimwe ropa rose riregwe richidonhera nechepasi peatari. Iwoyu mupiro wokupfupira chitadzo. 10 Mupristi ngaapire shiri yechipiri ive mupiro wokupisa maererano nomurao. Mupristi ngaapire mupiro wokupfupira chitadzo ichocho pamusana pechitadzo chakaitwa nomunhu iyeyo, anobva aregererwa. 11 “Kana asingakwanisi kuwana njiva mbiri kana hangaiwa dzichiri diki mbiri, ngaaunze mupiro wokupfupira chitadzo chaakaita weupfu hwekoroni hwakatsetseka hunorema kirogiramu rimwechete hwemupiro wokupfupira. Ngaarege kuisa mafuta eorivhi kana rusenzi muupfu ihwohwo nokuti mupiro iwoyo ndowekupfupira chitadzo. 12 Ngaauye nahwo kumupristi. Mupristi ngaanokore chanza chizere chahwo chechirango apise paatari pamwechete nemipiro inoitwa zvokupisira kuna Tenzi. Iwoyu mupiro wokupfupira zvitadzo. 13 Naizvozvo mupristi anofanira kumuitira mupiro wokupfupira chitadzo, chaakapara pane chimwe chaizvozvo, anobva aregererwa. Zvinosara ipapo ndezvemupristi, sezvinoitwa pamupiro wembesanwa.” Mipiro yokuripa mhosva 14 Tenzi akataurira Mosesi achiti, 15 “Kana munhu akakanganisa mukusaziva aita udyire hokusapa zvinhu zvinoera zvinofanira kuripwa kuna Tenzi, anofanira kuunza mupiro wokuripa mhosva kuna Tenzi wehondohwe yomudanga make, isina chinoshoreka pairi. Iwe ndiwe unotema mutengo wayo wemari yesirivha inowirirana nemari yesirivha iya yeShekeri yomuNzvimbo Inoera. Ichochi chibayiro chemupiro wokuripa mhosva. 16 Anofanira kudzosera pakare zvinhu zvinoera zvaaifanira kunge akapa. Pazvikamu zvishanu zvakaenzana, ngapapamhidzirwe chimwechete, achipe kumupristi. Mupristi ngaamupirire chibayiro chokupfupira zvitadzo nehondohwe iya yemupiro wokuripa mhosva. Chitadzo chake chonobva charegererwa. 17 “Ani naani anenge atadza mukusaziva, apara zvakarambidzwa naTenzi apara mhosva, anofanira kutakura mutoro wemhosva yake, 18 ngaaunze kune mupristi hondohwe yomudanga make, isina chinoshoreka pairi, yomutengo waunotema iwe, ive chibayiro chokuripa mhosva. Mupristi ngaamupirire chibayiro chokupfupira kukanganisa kwaakaita mukusaziva, anoregererwa. 19 Ichocho chibayiro chokuripa mhosva. Munhu iyeyo ane mhosva pana Tenzi.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe