Mupiro 22 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaKuera kwemipiro 1 Tenzi akati kuna Mosesi, 2 “Taurira Aroni navanakomana vake kuti varege kuita zvokutamba nezvinhu zvinoera zvavaIsiraeri zvavanopira kwandiri kuitira kuti varege kusvibisa zita rangu rinoera. Ndini Tenzi ndinodaro. 3 Uvati, ‘Ani naani zvake anenge aine chinomun'oresa wemhuri dzenyu dzose, pazvizvarwa zvenyu zvose anosvika pazvinhu zvinoera zvinopirwa navaIsiraeri kuna Tenzi iye akan'ora, munhu iyeyo ngaarege kubvumirwa kusvika pandiri. Ndini Tenzi ndinodaro.’ 4 “Hakuna munhu wemhuri yekwaAroni anenge aine chirwere chamapere, kana anenge ane chirwere chezvinobuda maari anobvumidzwa kudya zvinhu zvinoera, kusvikira achenurwa. Ani naani anenge agunzva chinhu chakambogunzvana nechitunha, kana chinhu chakagumana nomurume azvirotera, atova munhu akan'ora. 5 Ani naani anobata chinhu chinokambaira chinon'oresa munhu kana kubata munhu ane chinon'oresa, angave aine chinon'oresa chipi nechipi zvacho, 6 munhu anobata zvinhu zvakadaro, achava munhu akan'ora kusvikira zuva radoka. Haafaniri kudya zvinhu zvinoera asi kutoti ashamba muviri. 7 Kana zuva radoka achava munhu akachenurwa, ndopaachazodya zvake zvinhu zvinoera nokuti ndiko kudya kwake ikoko. 8 Ngaarege kudya chinhu chinofa choga kana chinorumwa haafaniri kudya, achizvin'oresa nacho. Ndini Tenzi ndinodaro. 9 “Saka ngavateerere mirao yangu nokuti vangadaro vakaita chitadzo chokuizvidza, vakafa. Ini Tenzi, ndini ndinovaita kuti vave vatsvene. 10 “Mutorwa haafanire kudya zvinhu zvinoera, angave munhu ari kumbogara nomupristi kana munhu ari kumbomushandira ngaarege kudya zvinhu zvinoera. 11 Asi kana mupristi akatenga muranda nemari kana muranda iyeyo anogona kuzvidya uye vakaberekwa mumusha make vangadye zvavo chokudya chaanodya iye. 12 Kana mwanasikana womupristi akaroorwa nomutorwa haazobvumirwi kudya zvinhu zvemupiro inoera. 13 Asi kana mwanasikana womupristi asina vana ari chirikadzi kana kuti akarambwa nomurume akadzokera kundogara kumusha kwake kuna baba wake, sapausikana hwake angadye zvake chokudya chinodyiwa nababa wake. Asi hakuna munhu, wokunze anobvumirwa kudya izvozvo. 14 “Kana munhu akadya zvinhu zvinoera mukusaziva, ngaaripe chaanenge adya, awedzere pachiri makumi maviri pazana roga roga raanofanira kuripa, ape mupristi zvinhu zvinoera izvozvo. 15 Vapristi ngavarege kun'oresa zvinhu zvinoera zvavaIsiraeri zvavanopira kuna Tenzi, 16 vachivarega vachipara mhosva inotoripwa yokudya zvinhu zvavo zvinoera nokuti ini Tenzi ndini ndinovaita kuti vave vatsvene.” 17 Tenzi akati kuna Mosesi, 18 “Taurira Aroni navanakomana vake navaIsiraeri vose kuti, ‘Kana mumwe munhu, muIsraeri kana mutorwa agere munyika yeIsiraeri, aunza mupiro wake wokupisa kuna Tenzi, ungave mupiro wezvaakambotsidza kana mupiro wokupa nechido chake unopirwa kuna Tenzi somupiro wokupisa, 19 kuti mupiro wake ugamuchirwe anofanira kupira chibayiro chikono chisina chinoshoreka pachiri, chehandira kana hondohwe kana makotora.’ 20 Regai zvenyu kupira chinhu chipi nechipi zvacho chine chinoshoreka pachiri nokuti hamumbochigamuchirirwa. 21 Kana munhu achipira Tenzi chibayiro chomombe, kana chomupiro wokuwadzana kuna Tenzi kana mune zvimwe zvipfuwo zvemipiro yokuwadzana achiita mupiro wezvaakambotsidza ungave mupiro wechido chake, kuti mupiro iwoyo ugamuchirwe, chibayiro chake chinofanira kuva chakanaka chaizvo, chisina chinoshoreka pachiri. 22 Musapire Tenzi chipfuwo chakapofomara kana chakaremera kana chakaremadzwa kane chine ronda riri kubuda urwa kana chine chisasa kana chine mapezi. Musambopira izvozvo zvakadaro kuna Tenzi kana kuita nazvo mupiro wokupiswa paatari kuna Tenzi. 23 Mombe kana hwai ine imwe nhengo yakaremara zvokuti yakarebesa kana kuti yakapfupikisa, munogona zvenyu kupira mupiro wokupa nechido chenyu, asi haigamuchirwe pamupiro wezvinenge zvakambotsidzwa. 24 Chipfuwo chipi nechipi zvacho chinenge chakasvuurwa, kana kupwanywa kana kuchekwa kana kubvarurwa musachipire kuna Tenzi kana kuchiita chibayiro munyika menyu. 25 Musambopira zvenyu kuna Mwari zvakadai zvinenge zvakabva kumutorwa nokuti zvine chinoshoreka pazviri, uyewo zvakaremadzwa, hamumbozvigamuchirirwa.” 26 Tenzi akati kuna Mosesi, 27 “Kana kwaberekwa mhuru yemombe kana hwayana kana mbudzana ngaimboregerwa iina amai vayo kwamazuva manomwe, kubvira pazuva rorusere inenge yogamuchirika somupiro unoita zvokupiswa kuna Tenzi. 28 Musapire chipfuwo nemwana wacho pazuva rimwechete, mhou nemhuru yayo kana hwayana naamai vayo kana mbudzana naamai vayo. 29 Kana munhu achipira chibayiro chomupiro wokutenda Tenzi pirai chibayiro ichocho nomutoo unoita kuti mugamuchirwe. 30 Nyama ngaidyiwe pazuva rakarero. Ngaparege kusara imwe inosvika mangwana ichiripo Ndini Tenzi ndinodaro. 31 “Munofanira kuteerera mitemo yangu muichengete. Ndini Tenzi ndinodaro. 32 Musan'orese zita rangu rinoera asi kutoti vaIsiraeri ngavandiremekedze somutsvene. Ini Tenzi, ndini ndinoita kuti muve vanhu vatsvene, 33 ndiniwo ndakakuburitsai munyika yeIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Tenzi ndinodaro.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe