Online Bible

- Reklamy -

Mupiro 2 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Mipiro yembesanwa

1 Kana munhu achida kupa kuna Tenzi chipo chembesanwa, mupiro wake ngauve upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa, ngaahudirewo mafuta ahumwaye rusenzi pamusoro,

2 aunze izvozvo kuna vapristi vemhuri yokwaAroni. Ngaanokore chanza chizere choupfu hwekoroni huna mafuta norusenzi rwaho hwose. Mupristi ngaapisire tsama iyoyo paatari ive chirango chokupirwa kwaitwa upfu ihwohwo hwose kuna Tenzi, mupiro unoitwa zvokupisia, unonhuhwirira zvinofadza.

3 Zvinenge zvasara pamupiro wembesanwa ndezvaAroni navanakomana vake, ichi chikamu chinoera kwazvo chomupiro wokupisa unopirwa kuna Tenzi.

4 Kana uchinge uchiunza mupiro wembesanwa wechingwa chakabikwa muovhoni, ngachive chisina mbiriso, chakabikwa noupfu hwakanyatsokuyiwa, chakakanyiwa namafuta kana kuti chingwa chakati fatata chisinawo mbiriso chakazorwa mafuta.

5 Kana mupiro wako wembesanwa uri wechingwa chakabikwa chichiita zvokubikwa mupani, ngachive choupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa, chisina mbiriso, chakakanyiwa nemafuta.

6 Chimedure-medure uchidire mafuta, iwoyu mupiro wembesanwa.

7 Kana mupiro wako wembesanwa uri wechingwa chakabikirwa mupani, ngachibikwe noupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hwakakanyiwa namafuta.

8 Uya nomupiro wembesanwa wakagadzirwa nezvinhu izvozvi kuna Tenzi, uzvipe mupristi auye nazvo kuatari.

9 Mupristi ngaanokore tsama yechirango youpfu ihwohwo hwose hwemupiro wembesanwa apise paatari, mupiro unoitwa zvokupisa, unonhuhwirira zvinofadza Tenzi.

10 Zvinosara pamupiro iwoyo ndezva Aroni navanakomana vake, ichi chikamu chinoera kwazvo chomupiro wokupisa kuna Tenzi.

11 Ngakurege zvako kuva nomupiro wembesanwa waunounza kuna Tenzi uine mbiriso nokuti haufanire kupira kuna Tenzi mbiriso kana uchi zvahwo somupiro unoitwa zvokupisa kuna Tenzi.

12 Mupiro wezvinotanga kukohwewa ngauunzwe zvawo kuna Tenzi, asi ngaurege kupirwa kuna Tenzi paatari somupiro uya unonhuhwirira zvinofadza Tenzi.

13 Mipiro yako yose yembesanwa ngairungwe nomunyu. Munyu wechitenderano chako naMwari wako ngaurege kushaikwa mumupiro wako wembesanwa. Mupiro wako wose unofanira kuti uve nemunyu.

14 Kana wouya kuna Tenzi nomupiro wembesanwa dzezvinotanga kukohwewa unofanira kupira mupiro wembesanwa dzakadzurwa dzinotorwa patsanga itsva dzikakangwa.

15 Dziise mafuta norusenzi, iwoyuzve mupiro wembesanwa.

16 Mupristi ngaapise katsama kechirango kembesanwa dzakadzvurwa dzina mafuta, ngaadzipise pamwechete norusenzi rwose, somupiro unoitwa zvokupisirwa Tenzi.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy