Online Bible

- Reklamy -

Mupiro 17 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Ropa haridyiwi, rinoera

1 Tenzi akati kuna Mosesi,

2 “Taurira Aroni navanakomana vake navaIsiraeri vose uti, ‘Izvi ndizvo zvakatemwa naTenzi zvokuti:

3 muIsiraeri upi noupi zvake kana akabaya mombe kana hwai kana mbudzi pamatendhe kana kunze kwenharaunda yematendhe iyoyo,

4 asingachiunze kumusuo wetendhe rokusanganira kuzochipira kuna Tenzi pamberi petendhe raTenzi munhu iyeyo imhondi, ane mhosva yakudeura ropa naizvozvo atozvicheka ukama nevokwake.

5 Chakaisirwa mutemo uyu ndechokuti vaIsiraeri vose vagounza kuna Tenzi zvibayiro zvavo zvavari kungoitira zvavo kwose kwose, vazviunze kuna Tenzi kumupristi kumusuo wetendhe rokusanganira vazviuraye sezvibayiro zvemipiro yokuwadzana yokupira kuna Tenzi.

6 Mupristi ngaasase ropa pamativi ose eatari yaTenzi iri kumusuo wetendhe rokusanganira. Ngaapise mafuta paatari kuti anhuwirire zvinofadza Tenzi.

7 Saka havafanire kuramba vachipira zvibayiro kuna Mwari zvakaita sembudzi zvavari kuteveredza vachiita senzenza. Murao iwoyu uchagara uripo narini pazvizvarwa zvavo zvose.’

8 “Vaudze kuti munhu wose wemba yaIsiraeri kana nomutorwawo wose ari mukati mavo anopira mupiro kana chibayiro

9 asingauye nacho kumusuo wetendhe rokusanganira kuzochipira kuna Tenzi munhu iyeyo atochekwa ukama nevokwake.

10 “MuIsiraeri wose kana mutorwa upi zvake agere pakati pavo anodya ropa, ndichaonana nomunhu iyeyo anodya ropa ndichamuchekanisa ukama nevokwake.

11 Ndinodaro nokuti muropa rezvipenyu zvose ndimo mune upenyu hwazvo. Ndakaripa kwamuri kuti murishandise paatari kupfupira zvitadzo zvenyu. Ropa ndiro rinoripira zvitadzo pamusana poupenyu huri mariri.

12 Ndokusaka ndakataurira vaIsiraeri kuti hapana munhu pakati penyu anofanira kudya ropa kunyange mutorwa agere nemi haafaniri kudya ropa.

13 “MuIsiraeri wose nomutorwawo upi noupi zvake agere navo anoenda kundovhima mhuka kana shiri inodyiwa anofanira kusinza ropa rayo arifusire nevhu.

14 Chandinodariro ndechokuti muropa rezvipenyu zvose zvazvo ndimo mune upenyu hwazvo. Ndokusaka ndichiudza vaIsiraeri kuti, ‘Musambodya zvenyu ropa rechinhu chipi nechipi zvacho, nokuti muropa rezvipenyu zvose ndimo mune upenyu hwazvo. Ani naani anoridya ngaachekaniswe ukama naye.’

15 “Munhu wose zvake angave chizvarwa chomuno muIsiraeri kana mutorwa anodya nyama yakafa yoga kana yakaita zvokurumwa nezvikara atova munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri, achava munhu asisina kun'ora.

16 Asi kana akarega kudzisuka kana kushamba muviri, ane mhosva.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy