Online Bible

- Reklamy -

Mika 3 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Muporofita Mika anotsoropodza vatungamiriri

1 Ndakati: “Teererai munzwe, imi vatungamiriri vokwaJakobho nemi vatongi vemba yokwaIsiraeri. Harisi basa renyu here kuziva ruenzaniso?

2 Imi munovenga zvakanaka muchida zvakaipa, munovhiya vanhu vangu ganda muchivamwaura nyama pamapfupa avo.

3 Munodya vanhu vangu nyama, muchivakwatura ganda imi. Muchivatyora-tyora mapfupa muchivajajada senyama mupoto, senyama zvayo mumazibhodho.

4 Ndopayeka pavanozochema kuna Tenzi asi haavapinduri. Ndipo paanotobva atovanza uso hwake nokudawo kokuti vakaita zviito zvakaipa.”


Vaporofita venhema vanoyambirwa

5 Zvanzi naTenzi kuna vaporofita vanotungamirira vanhu vangu mutome, munodaidzira kuti, “Kwakanaka,” kana muchiwaniswa chokudya asi kune vasingakuwanisi chokuisa kumuromo heyo hondo naye.

6 Nezvo kwamuri, zvokuona zviratidzo izvozvo, huchava usiku zvahwo. Muchava murima, zvokushopera pasisina. Vaporofita, zuva richavadokera, zuva richasviba kwavari.

7 Vaoni vachafumurwa, vanoshopera vachanyadziswa. Vachati kapu kubata muromo nokuti mhinduro kuna Mwari panenge pasisina.

8 Asi ini ndakazara nesimba ndizere naMweya waTenzi uye ndakazara neruenzaniso nesimba kuti nditaurire vokwaJakobho kukanganisa kwavo, nevekwaIsiraeri chitadzo chavo.


Vatongi vakaipa

9 Chinzwai izvi, imi vatungamiri vemba yokwaJakobho nemi vatongi vemba yokwaIsiraeri. Munovenga ruenzaniso, uye zvose zvinenge zviri pamwero muchizviminamisa.

10 Munovaka Zioni neropa, Jerusaremu iyoyi nezvakaipa.

11 Vatungamiriri vayo vanoda pfumbamuromo pakutonga. Vapristi vacho, vanotoda muripo, kuti vadzidzise. Vaporofita vacho, vanoda mari kuti vashopere, uku vachivimba naTenzi vachiti, “Handiti Tenzi ari pakati pedu here? Hakuna chakaipa chichatiwira.”

12 Naizvozvo pamusana penyu, guta reZioni richarimwa somunda, Jerusaremu ichava murwi wamatongo, chikomo cheTemberi chichava chitunhu chemiti.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy