Online Bible

- Reklamy -

Mariko 8 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Jesu anopa zvokudya zvinogutsa zviuru zvina zvavanhu
( Mat 15:32–39 )

1 Namazuva iwayo gungano guru ravanhu parakaungana zvakare, uye vakanga vasisina chokudya akadaidza vadzidzi vake akati kwavari,

2 “Ndine urombo kwazvo negungano ravanhu iri nokuti vanga vaneni kwamazuva matatu aya, zvino havachisina chokudya.

3 Kana ndikavaendesa kumisha yavo vaine nzara vachaziya panzira nokuti vamwe vavo vabva kure.”

4 Vadzidzi vake vakamupindura vachiti, “Pane angawane zvingwa mugwenga muno here zvingagutse vanhu ava?”

5 Akavabvunza kuti, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Zvinomwe.”

6 Zvino akati vanhu ngava gare pasi. Akatora zvingwa zvinomwe zviya akatenda, ndokuzvimedura ozvipa vadzidzi vake kuti vape vanhu. Ivo ndokuzvipa kuvanhu.

7 Uye vakanga vane tuhove tushoma. Akatukomborera akati, “Kunyange itwotwu tupihwe vanhu.”

8 Vanhu vakadya vakaguta, vakazonhongerera zvimedu zvakasara zvikazadza nhengwana nomwe.

9 Pakanga paine zviuru zvinenge zvina zvavanhu. Akazoonekana navanhu,

10 pakarepo ndokubva akwira mugwa navadzidzi vake akaenda kudunhu reDharimanuta.


VaFarisei vanokumbira chiratidzo chinobva kudenga
( Mat 16:1–4 )

11 Zvino vaFarisei vakauya kwaari, vakatanga kuitirana nharo naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, kuri kumuedza.

12 Akashungurudzika mumwoyo make akati, “Chizvarwa ichi chinotsvakireiko chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hakuna chiratidzo chichapiwa kuchizvarwa ichi.’ ”

13 Akabva avasiya, ndokukwirazve mugwa oyambukira mhiri.


Mbiriso yavaFarisei neyaHerodhi
( Mat 16:5–12 )

14 Zvino vakanga vakanganwa kutakura chingwa, kunze kwechimwechete chavakanga vanacho mugwa.

15 Jesu akavayambira achiti, “Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisei neyaHerodhi.”

16 Vakakurukurirana pachavo vachiti, “Hatina chingwa.”

17 Jesu akazviziva akavati, “Nemhaka yei muchitaurirana kuti hamuna chingwa? Hamusati maziva kana kunzwisisa here, mwoyo yenyu mikukutu kanhi?

18 Mune meso, asi hamuoni nhai? Mune nzeve asi hamunzwe nhai? Hamuyeuke here

19 zviya zvandakamedurira zviuru zvishanu zvavanhu, zvingwa zvishanu; makaunganidza matengu mangani azere ezvimedu?” Vakati kwaari, “Gumi namaviri.”

20 “Ko paya pandakamedurira zviuru zvina zvavanhu zvingwa zvinomwe, makaunganidza nhengwana dzizere ngani dzezvimedu?” Vakati kwaari, “Nomwe.”

21 Iye ndokuti kwavari, “Hamusati mavakunzwisisa nanhasi here?”


Jesu anosvinudza bofu kuBhetisaidha

22 Vakazosvika kuBhetisaidha, vamwe vanhu vakauya kwaari nomunhu akanga ari bofu. Vakakumbira Jesu kuti amubate.

23 Akamubata ruoko oenda naye kunze kwomusha. Akapfira mate pamaziso ake, akaisa maoko ake paari ndokumubvunza kuti, “Pane chaunoona here?”

24 Akatarisa akati, “Ndiri kuona vanhu asi vanotarisika semiti iri kufamba.”

25 Akaisazve maoko ake pamaziso pake, iye ndokuramba akangoti ndee kutarisisa, ndokubva aporeswa. Akabva avakuona zvakanaka zvinhu zvose.

26 Jesu akamuendesa kumba kwake achiti, “Usamboenda zvako nomumusha umu.”


Pita anodudza kuti Jesu ndiye Mesia
( Mat 16:13–20 ; Ruka 9:18–21 )

27 Jesu akaenda navadzidzi vake kumisha yokuSezariafiripi. Vachiri munzira, akabvunza vadzidzi vake achiti, “Vanhu vanoti ndini ani?”

28 Vakamupindura vachiti, “Johani Muombeki, vamwewo vanoti, ndiEriya, vamwewo vachiti, mumwe wavaporofita.”

29 Akazovabvunza achiti, “Ko imi, munoti ndini ani?” Pita akapindura achiti, “Imi ndimi Kristu chaiye.”

30 Jesu akatsindidza kuti vasambozviudza ani naani zvake nezvake.


Jesu anofanoudza vadzidzi vake zvokufa nokumuka kwake
( Mat 16:21–28 ; Ruka 9:22–27 )

31 Akazotangisa kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvikuru, agorambwa navakuru vakuru, navapristi vakuru, nenyanzvi dzoMutemo, ozouraiwa; asi agomukazve mushure memazuva matatu.

32 Akataura izvi pachena. Ipapo Pita akamutora parutivi ndokutanga kumutsiudza.

33 Jesu akatendeuka akaona vadzidzi vake ndokubva atsiudza Pita achiti, “Ndibvirepo, Satani womunhu! Mafungiro akadai haasi aMwari asi avanhu.”

34 Akazodaidza chita chavanhu pamwechete navadzidzi vake akati kwavari, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake anditevere.

35 Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu napamusana peShoko Rakanaka achahuponesa.

36 Nokuti zvinobatsirei munhu kuwana zvinhu zvose zvapasi pose asi iye achirasikirwa noupenyu hwake?

37 Nokuti chiiko munhu chaangabvise kuti adzikinure upenyu hwake?

38 Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu pakati pechizvarwa ichi chenzenza dzavanhu nechavatadzi, Mwanakomana womunhu achamunyarawo musi waanouya aine mbiri yaBaba vake pamwe navatumwa vatsvene.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy