Mabasa 5 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaAnaniya naSafira 1 Asi mumwe murume anonzi Ananiya aiva nomudzimai wake ainzi Safira, akatengesa chimwe chikamu chezvinhu zvake. 2 Akachengeta chimwe chikamu chemari yacho mudzimai wake achizviziva. Akauya nechimwe chikamu chemari iya akaiisa mumaoko avapositori. 3 Asi Pita akati, “Nhai Ananiya wapindwa sei naSatani kudai kuti ureve nhema kuna Mweya Mutsvene uchizvichengetera chimwe chikamu chomutengo womunda? 4 Pawakanga usati watengeswa wakanga usiri wako here uye pawakanga watengeswa mari yacho yakanga isiri mumaoko ako here? Ko zvaita seiko kuti ufunge kuita izvi mumwoyo mako? Hauna kurevera munhu nhema asi Mwari.” 5 Ananiya paakanzwa mazwi aya akawira pasi akabva afa. Vanhu vose vakazvinzwa vakatya zvikuru. 6 Vechidiki vakasimuka vakamuputira vakamutakura vakandomuviga. 7 Mushure memaawa matatu mudzimai wake akauyamo asingazivi zvakanga zvaitika. 8 Pita akati kwaari, “Ndiudze kuti makatengesa munda uyu nemari iyi here?” Mudzimai akati, “Hongu nemari iyoyo.” 9 Pita ndokuti kwaari, “Ko matenderana sei kuedza Mweya waMwari? Teerera unzwe tsoka dzavanhu vaviga murume wako dzava pamusuo. Vachakutakura vachikuburitsa kunze.” 10 Pakarepo akabva ati gwadara kuwira pasi achibva afa. Vechiduku vaya pavakapinda vakamuwana atofa. Vakamutakura vachimuburitsa kunze vakandomuviga pedyo nomurume wake. 11 Sangano rose rakawirwa nokutya kukuru uye vose vakanzwa zvinhu izvi. Vapositori vanoita zvishamiso nezviratidzo 12 Zviratidzo zvizhinji nezvishamiso zvakaitwa mukati mavanhu namaoko avapositori. Vaisanganira vose muBerere raSoromoni. 13 Vamwe vanhu vose vaitya kubatana navo asi vanhu vaivaremekedza zvikuru. 14 Asi vatendi vairamba vachingowedzerwa kuna Tenzi, varume navakadzi vazhinji 15 zvokuti vamwe vaitotakura varwere vachivaisa mumigwagwa vachivaradzika pamibhedha napahukwe kuti Pita paainge opfuura nepo kana mumvuri wake chaiwo ungopfuura napana vamwe vavo. 16 Vanhu vakaunganawo vachibva mumaguta akapoteredza Jerusaremu vachiuya navarwere vakanga vachitambudzwa nemweya yakaipa. Vose vakaporeswa. Kusungwa nokununurwa kwavapositori mujeri 17 Asi mupristi mukuru akamuka navose vechikwata chake vebato revaSadhusei. Pamusana pokuzara neshanje 18 vakasunga vapositori vakavaisa muJeri ravanhu vose. 19 Asi usiku mutumwa waMwari akazarura makonhi ejeri akavaburitsa ndokuvati, 20 “Endai mundomira muTemberi mutaure kuvanhu mazwi ezveUpenyu uhwu.” 21 Vakateerera zvavakataurirwa izvi vakandopinda muTemberi mangwanani vakadzidzisa. Zvino mupristi mukuru akauya nevaaiva navo ndokuunganidza dare namakurukota ose avaIsiraeri. Vakatuma vanhu kuJeri kundovatora. 22 Asi mapurisa pavakasvika, havana kuvawana muJeri. Vakadzokera vakavataurira vakati, 23 “Tasvikowana Jeri rakanyatsokiiwa. Vachengeti vapaJeri vakamira pamisuo asi patarizarura hapana watawana mukati.” 24 Zvino mukuru wapaTemberi navapristi vakuru pavakanzwa mashoko aya zvakavakangaidza vachishama kuti zvichaperera kupi. 25 Mumwe munhu akauya akavataurira achiti, “Varume vamakaisa mujeri, vamire muTemberi vari kudzidzisa vanhu.” 26 Ipapo mukuru wapaTemberi namapurisa vakaenda vakandovatora pasina muchokoto nokuti vaitya kutemwa namatombo navanhu. 27 Pavakauya navo vakavamisa pamberi pedare, mupristi mukuru akavabvunza 28 achiti, “Takanyatsokuyambirai kuti musadzidzise nezita iri asi imi matozadza Jerusaremu nechidzidziso chenyu uye munoda kuti ropa romunhu uyu ritipfukire.” 29 Asi Pita navapositori vakapindura vachiti, “Tinofanira kuteerera Mwari panokuteerera vanhu. 30 Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu wamakauraya nokumurembedza pamuti. 31 Mwari akamusimudzira kurudyi rwake somutungamiri nomununuri kuti Isiraeri ipinduke iregererwe zvitadzo. 32 Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi uyewo Mweya Mutsvene akapiwa naMwari kuna vanomuteerera.” Gamarieri 33 Pavakanzwa izvi vakashatirwa zvikuru kwazvo vakafunga zvokuvauraya. 34 Asi mumwe muFarisei, nhengo yedare ainzi Gamarieri, mudzidzisi womutemo airemekedzwa navanhu vose, akasimuka akati ngavamboburitswa panze. 35 Ndopaakavati, “Vanhu veIsiraeri chenjerai nezvamunoita navanhu ava. 36 Tisati tasvika pane zvanhasi izvi, kwakamuka Tudhasi achizviti ndini pano; chitsama chavarume vanosvika mazana mana chakamutevera asi akauraiwa. Vose vaimutevera vakabva vapararira zvikava chinhu pasina. 37 Mushure make makamuka Judhasi wokuGarirea pamazuva okuverengwa kwavanhu. Akakokorodza vamwe vanhu vakamutevera. Naiyewo akaparara. Vose vaimutevera vakaita rumwe rumwe. 38 Pane zvanhasi izvi, ndinoti kwamuri, siyanai navanhu ava, varegei. Kana urongwa uhu nezvavari kuita zviri zvavanhu zvichakundikana 39 asi kana zviri zvaMwari hamumbokwanisa kuvaparadza. Pamwe mungatowanikwa mavakurwisana naMwari.” 40 Nokudaro vakatevera zano rake. Pavakadaidza vapositori kuti vapinde, vakavarova vakavakomekedza kuti vasataure muzita raJesu ndokuvarega vachienda. 41 Vakabva mudare vachifara kuti vakaonekwa vakakodzera kuzvidzirwa zita iroro. 42 Zuva nezuva, muTemberi nomudzimba, havana kumira kudzidzisa nokuparidza kuti Jesu ndiye Mesia. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe