Mabasa 17 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaPauro naSirasi muguta reTesaronika 1 Vakati vapfuura nomuAmupfiporisi nokuAporonia vakasvika kuTesaronika kwaiva neSinagogu yavaJudha. 2 Pauro akapindamo, setsika yake, akaitirana nharo navo kwamasvondo matatu achishandisa Magwaro Matsvene 3 achitsanangura nokuratidza kuti zvaifanirwa kuti Kristu atambudzike uye kuti amuke muvakafa uye achiti Jesu wandinoparidza kwamuri ndiye Mesia iyeyu. 4 Vamwe vavo vakazvibvuma vakabatana naPauro naSirasi sezvakangoitawo vazhinji vechiGiriki vaitya Mwari navadzimai vapamusoro vakawanda. 5 Asi vaJudha vakaita shanje. Vakatora vanhu vakaipa mukati memaswerokuenda avanhu. Vakakokorodza mhomho vakanyandutsa guta iroro. Vakandorwisa mhuri yokwaJasoni vachida kuburitsa Pauro naSirasi kuvanhu. 6 Pavakavashaya vakakwekweredza Jasoni navamwe vehama kuvakuru vakuru veguta vachidaidzira vachiti, “Varume ava vapidigura pasi pose, vauya kunowo. 7 Jasoni avagamuchira uye vose vanoita zvinopesana nezvirevo zvaSiza vachiti kuno mumwe mambo anonzi Jesu.” 8 Vanhu navakuruvakuru veguta zvakavatambudza. 9 Pavakanga vatora mari yorubatso kubva kuna Jasoni nokuna vamwe, vakavaregera kuti vaende zvavo. Vana Pauro naSirasi vanoenda kuBherea 10 Pakarepo vehama vakaendesa Pauro naSirasi nousiku kuBherea. Pavakasvikako vakaenda kuSinagogu yavaJudha. 11 VaJudha voko vakanga vachinzwisisa kupinda vaya vokuTesaronika nokuti vakagamuchira shoko nomwoyo unoda kwazvo vachiongorora mazuva ose Magwaro Matsvene kuti zvinhu izvi ndizvo here. 12 Vazhinji vavo vakatenda pamwechete navadzimai vechiGiriki vapamusoro vakawanda pamwechetewo navarume. 13 VaJudha vokuTesaronika pavakanzwa kuti Shoko raMwari riri kuparidzwa kuBherea naPauro, vakaendawo ikoko kundomutsa manyongori nokunyandutsa vanhu. 14 Pakarepo vehama vakabva vapinza Pauro munzira yokuenda kugungwa asi Sirasi naTimoti vakasarako. 15 Vaya vakaperekedza Pauro vakamusvitsa kuAtene. Pavakaudzwa kuti Sairasi naTimoti vanofanira kuti vauye kwaari nokukurumidza, vakabva vaenda. Pauro muguta reAteni 16 Pauro paaivamirira kuAteni, akadzongodzwa mwoyo paakaona guta iroro rizere nezvifananidzo zvokunamata. 17 Naizvozvo aikurukurirana musinagogu navaJudha navaitya Mwari. Mazuva ose, panzvimbo inoungana vanhu veguta iroro, aikurukura navainge vangouyawo ipapo. 18 Vamwe vebato renyanzvi dzokufunga vechiEpikurieni nevechiSitoiki vakasangana naye. Vamwe vakati, “Ko iye mubvotomoki uyu arikuda kuti kudiiko?” Vamwewo vakati, “Anenge muparidzi wezvavamwari vasingaziikanwi,” nokuti aiparidza Jesu nokumuka muvakafa. 19 Vakamutora vakaenda kuAriopagusi vachiti, “Tingade kuziva kuti chidzidziso chitsva ichi chaunopa ndechei? 20 Nokuti tiri kukunzwa nenzeve dzedu uchitaura zvisina akambonzwa. Nezvo tinoda kuziva kuti zvinhu izvozvi zvinorevei.” 21 Vanhu vomuAtene vose nevechirudzi vaigaramo vaipedzera nguva yavo vachitaura nokunzwa zvinhu zvitsva. Nhauro yaPauro paAriopagusi 22 Nokudaro Pauro akamira pakati peAriopagusi akati, “Varume veAteni ndinoona kuti muzvinhu zvose muri vanamati 23 nokuti zvandafamba neguta ndikaona zvinhu zvamunonamata ndawana imwe atari yakanyorwa kunzi, ‘KUNA MWARI ASINGAZIIKANWI.’ Chamuri kunamata musingazivi ichocho ndicho chandiri kukuparidzai chokuti, 24 ‘Mwari iyeyo ndiye akasika nyika nezvose zvirimo. Ndiye Tenzi wedenga napasi. Haagari muTemberi dzakavakwa navanhu. 25 Haashandirwi namaoko avanhu sokunge ane chimwe chaanoshaya nokuti ndiye anotopa vanhu vose upenyu nemweya wavanofema nawo nezvinhu zvose. 26 Akaita marudzi ose avanhu kubva kumunhu mumwechete kuti vagare pasi pose. Akatema mwaka nemiganho nenyika dzavanogara, 27 uye kuti vatsvage Mwari nechitarisiro chokuti vangangomutsvanzvadzira vagomuwana asi iye haasiri kure kwomumwe nomumwe wedu.’ 28 “Chiripo ndechokuti, ‘Upenyu hwedu huri maari kuti tifambe ndiye uye kuti tivepo ndiye,’ sokutaura kwavanyori venyu venhetembo vachiti, ‘Zvechokwadi tiri vana vake.’ 29 Zvatiri vana vake hatifaniri kufunga kuti Mwari akafanana nendarama kana sirivha kana ibwe zvinongova chifananidzo chakaitwa noumhizha kana zvinongofungwawo navanhu. 30 Nguva dzokusaziva dziya, Mwari haana hanya nadzo. Asi iye zvino anoti munhu wose, kose kose zvako, anofanira kupinduka, 31 pamusana pokuti akatema zuva raachatonga pasi pose noruenzaniso uye nokumunhu waakasarudza. Izvi zvakasimbisiswa kuna vanhu vose nokumumutswa kwaakaita kuvakafa.” 32 Pavakanzwa nezvokumuka kwavafi, vamwe vakashora vamwewo vakati tichada kukunzwazve uchitaura nezvezvizvi. 33 Zvadaro Pauro akabva mukati mavo. 34 Asi vamwe varume vakabatana naye vakatenda. Mumwe wacho ndiDhionisiusi webato reAreopagusi nomumwe mudzimai ainzi Dhamari navamwe vavaiva navo. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe