Joshua 11 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaH: KUKURIRWA KWAMADZIMAMBO UKUCHAMHEMBE Joshuwa anokunda mambo Jabhini 1 Jabhini mambo weguta reHazori paakanzwawo izvi, akatumira shoko kuna Jobhabhu mambo weguta reMadhoni nokuna mambo weguta reShimuroni nokuna mambo weguta reAkishafu. 2 Akatumirawo shoko kumadzimambo okuchamhembe kunyika yemakomo, nokuArabha kumaodzanyemba kwegungwa reKineroti, nokunyika yakumanhika nokuNafotidhori kumadokero, 3 nokuvaKanani vokumabvazuva novokumadokero, nokuvaAmori navaHiti navaPerizi navaJebhusi vomunyika yamakomo, nokuvaHivhi vari mujinga regomo reHerimoni kudunhu reMizipa. 4 Vakauya nehondo dzavo dzose vari gurusvusvu kuwanda sejecha regungwa, vaine bvakapfaka ramabhiza nengoro. 5 Madzimambo iwaya akaunganidza pamwechete hondo dzavo dzose akadzika matendhe avo kubani remvura rokuMeromu kundorwisana navaIsiraeri. 6 Tenzi akati kuna Joshuwa, “Usavatye nokuti mangwana panguva idzo dzino idzi ndinenge ndatovaisa mumaoko avaIsiraeri, vanenge vatofa. Munofanira kutema mabhiza avo matatira, muroromese nomoto ngoro dzavo dzehondo.” 7 Naizvozvo Joshuwa akavavinga nehondo yake ivo vari mubani remvura rokuMeromu akaita zvokungoerekana avafuta. 8 Tenzi akavaisa mumaoko avaIsiraeri. VaIsiraeri vakavauraya vakadzingirirana navo kudzamara vatopinda muguta reSidhoni nomuguta reMisirefotimaimu nokusvikira kubani reMizipa kumabvazuva. Vakavauraya zvokuti hapana kusara kana munhu mumwechete zvake. 9 Joshuwa akaita kwavari zvaakanga audzwa naTenzi. Akatema mabhiza avo matatira, akaroromesa nomoto ngoro dzavo dzehondo. 10 Joshuwa akadzoka ikoko panguva iyoyo, akakurira guta reHazori akauraya nebakatwa mambo waro nokuti guta reHazori iri ndoraiva guta guru raitungamirira nyika dzamadzimambo ose iwayo. 11 Akauraya namapakatwa vanhu vose vaiva muguta imomo zvokuuraya zviya munhu wose. Hapana kana chinofema chaakasiya. Akapisa nomoto guta irori reHazori. 12 Joshuwa akakurira maguta ose iwayo namadzimambo awo akava mumaoko ake, akaaparadza namapakatwa zvokusambosiya kana chinhu, sezvaakanga anzi aite naMosesi muranda waTenzi. 13 Asi vaIsiraeri havana kupisa maguta akanga akavakirwa pakatunhumara, kusiya guta reHazori rakapiswa naJoshuwa. 14 VaIsiraeri vakatora zvipfuwo nezvinhu zvose zvaiva mumaguta iwayo, zvavakanga vapamba. Asi wose ainzi munhu vakauraya namapakatwa vakavaparadza kusiya pasisina kana mupenyu. 15 Tenzi sokuudza kwaakanga aita Mosesi muranda wake, Mosesi akataurirawo Joshuwa, Joshuwa ndokuitawo saizvozvo. Haana kana chaakasiyidzira pane zvose zvakaudzwa Mosesi naTenzi. Nyika dzakapambwa naJoshuwa 16 Saka Joshuwa akatora nyika yacho yose iyoyo. Akatora nyika yamakomo neNegevhu yose nenyika yose zvayo yeGosheni nenyika yokumanhika nenyika yeArabha nenyika yeIsiraeri yemakomo, namapani ayo 17 kubvira kugomo reHaraka rinokwira nokuSeiri kusvikira kuBhaarigadhi kubani reRebhanoni mujinga megomo reHerimoni. Akabata madzimambo adzo ose, akavaponda kuuraya 18 Joshuwa akarwa namadzimambo iwayo kwenguva ndefu. 19 Hakuna kana rimwe guta zvaro rakawirirana navaIsiraeri kusiya vaHivhi voga, vanhu vokuGibheoni. VaIsiraeri vakatora maguta ose iwayo nehondo akava avo. 20 Chaivadariso ndechokuti Tenzi ndiye aivakonzera kuomesa musoro kuti vaende kundorwisa vaIsiraeri achiitira kuti vanhu ivavo vabve vanyatsoparadzwa uye kuti varege kunzwirwa tsitsi, asi kutoti vatsakatiswe sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. 21 Panguva iyoyo Joshuwa akandoparadza vaAnakimu vomunyika yamakomo vaiti vokuHebhuroni novukuDhebhiri novokuAnabhu novokunyika yaJudha yamakomo, novokunyika yeIsiraeri yamakomo. Joshuwa akavaparadza pamwechete namaguta avo. 22 Hakuna kusara kana muAnakimu munyika yavaIsiraeri, kunze kwevaiva kuGaza nokuGati nokuAshidhodhi chete. 23 Ndokutora kwakaita Joshuwa nyika yose sokutaura kwakanga kwaita Tenzi kuna Mosesi. Joshuwa akaipa kuvaIsiraeri senhaka yavo maererano namadzinza avo. Nyika ndokubva yazorora hondo. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe