Jobho 4 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaErifasi anotaura nezvoruenzaniso rwaMwari Hurukuro dzokutanga. 1 Erifasi muTemani akapindura achiti, 2 “Kuri kuti munhu ataura nemi mungashatirwe nazvo here, asi ndiani angarege kutaura? 3 Inga makadzidzisa vazhinji mukasimbisa maoko asina simba. 4 Mashoko enyu akatsigira ainge odzadzarika mukasimbisa mabvi akarukutika. 5 Asi nhasi zvakuwanaiwo, zvino motadza kugadzikana. Asi zvino zvakubatai mabva mava kurasa mwoyo. 6 Handiti kutya kwenyu Mwari ndiko kwamunovimba nako, kuva pachokwadi mumaitiro enyu kuri iko chitarisiro chenyu? Mubayiro wechivi 7 “Chimbozvifungaiwo zvenyu kuti ndiani aiva mururami akaparara uyewo ndokupi mururami kwaakaparadzwa? 8 Zvandakaona zvangu ndezvokuti vanorima huipi nokudyara nhamo vachakohwawo zvimwechetezvo, 9 vanoparadzwa nefemo raMwari vachatsakatiswa nomweya wehasha dzake. 10 Kuomba kweshumba kwapera, nenzwi rinotyisa remhondoro. Mazino eshumba dzichiri kuzvinzwa akatyorwa. 11 Gono reshumba riri kuparara nokushaya nyama vana veshumbahadzi vapararira. 12 “Zvino pane shoko rakaunzwa kwandiri muchivande nzeve yangu yakanzwa zevezeve raro. 13 Pfungwa yechiroto chinotyisa vanhu paye patinobatwa chaizvo nehope. 14 Ndakawirwa nokutya kukuru uye ndakadedera zvakaita kuti mapfupa angu angwedereke. 15 Mhepo yakati fefefe napandiri mvere dzomuviri wangu dzikamira kuti twi. 16 Pakamira chimwe chinhu chandisina kuona mamiriro acho chakamboti mirei pamberi pangu ndokuti ziro-o ndokuzonzwa izwi richiti. 17 “Ko iye munhu zvake anofa angava munhu akarurama here pamberi paMwari? Munhu angave mutsvene here pamberi pomusiki wake? 18 Haavimbi kunyange nevaranda vake kunyange vatumwa anovabata nemhosva. 19 Ko kutozotiwo zvavo vanogara mudzimba dzevhu dzine ugaro hwadzo muvhu vanofa sebetebeswa. 20 Pakati pamangwanani namanheru vanoparadzwa, vanotsakatika pasina anombozviona. 21 Kunyange tambo yakatumba kavo yavhomorwa vanofa vasina kana ungwaru.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe