Isaya 6 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaB: BHUKU RAIMANUERI (MWARI ANESU) Kudaidzwa kwaIsaya naMwari kuti ave muporofita wake 1 Mugore rakafa mambo Uziya, ndakaona Tenzi vakagara pachigaro choumambo, chiri pamusoro chakakwirira. Jira regemenzi rake raizvezvera pasi raizadza Temberi. 2 Pamusoro pavo pakanga pakamira vatumwa vanonzi maserafimu, serafi roga roga raiva namapapiro matanhatu. Rakanga rakazvifukidza uso namapapiro maviri, namamwe maviri rakazvifukidza makumbo richibhururuka namamwe maviri. 3 Aidaidzirana achiti: “Munoera, Munoera, Munoera! Imi Tenzi wehondo nehondo pasi pose pazere nembiri yenyu.” 4 Ugaro hwemba iyi hwokumusuo hwakandengendeka pamusana pezwi rewainge adaidza. Imba iyoi yakazara noutsi. 5 Ndakati, “Maiwe-e, maiwe-e zvangu inga ndaparara nokuti ndiri munhu ane miromo yakan'ora uye ndigere pakati pavanhu vane miromo yakan'ora nokuti ini nameso angu ndaona Mambo, Tenzi wehondo nehondo!” 6 Rimwe serafi rakabhururukira kwandiri rakabata mumaoko nembato vhunze romoto rarakatora paatari. 7 Rakasvikondigunzva muromo naro rikati, “Tarisa uone wagunzwa muromo nevhunze iri hauchisina mhosva, chitadzo chako charegererwa.” 8 “Ndakanzwa izwi raTenzi richiti, ‘Ndiani wandingatume, ndiani angatiendere?’ Ini ndakati, ‘Ndiri pano. Nditumei ini.’ ” 9 Ivo ndokuti, “Enda utaurire vanhu ava kuti, ‘Zvokuteereresa, regaika zvenyu kuteerera, handiti mungadaro mukazonzwisisa; kana zvokunyatsotarisisa, regaika zvenyu kutarisa handiti mungadaro mukazoona here.’ 10 “Zvino iwe chitosindimadza zvako vanhu ivava mwoyo utyorere zvimiti munzeve dzavo uvapfige maziso nokuti vangadaro vakaona nameso avo vakanzwa nenzeve dzavo uye vangadaro vakanzwisisa mumwoyo mavo vakazopindukira kwandiri ndikavaponesa. 11 “Ini ndikati, ‘Kusvikira riniko nhai Tenzi?’ Ivo vakati, ‘Kusvikira maguta aparara musisina anogaramo, dzimba dzisisina vanhu, nyikawo yanyatsoparara, 12 Tenzi abvisa vanhu avaendesa kurekure, munyika mave namatunhu mazhinji asina vanhu. 13 Kunyange zvako kukasara gumi pazana naivo vacharoromeswa somuti womuterebhini kana kuti muoku une chigutsa chinosara chimire kana warigwa.’ ” Chigutsa ichocho ndiyo mbeu inoera. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe