Isaya 4 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 Zuva iroro kana rasvika, vakadzi vanomwe vacharwidzana pamurume mumwechete vachiti, “Chokudya ndechedu, mbatya tichazvitsvakira, chatinongoda isu ndechekunzi tiri vakadzi vako chete, utinyadzurudzewo.” Kumutsiridzwa kuchaitwa Jerusaremu ( Jer 23:5 ; Zek 3:8 ; 6:12 ) 2 Musi iwoyo bukira raTenzi richayevedza zvine mukurumbira uye muchero wenyika iyoyi uchava chinhu chokuti vanhu veIsiraeri vanopunyuka utapwa vadade nacho chichivapa mbiri. 3 Munhu anenge azosara muZioni achiramba ari muJerusaremu achanzi anoera, wose zvake anenge akanyorwa zita kunzi mugari weJerusaremu. 4 Ipapo Tenzi anenge achenura kun'ora kwevanasikana veZioni asuka mhosva yeropa iri mukati meguta reJerusaremu inobviswa nomweya wake wokutonga, nemweya wake wokuroromesa 5 Tenzi achazviratidza pamusoro peGomo rose reZioni napamusoro pemagungano aro, ari mugore, masikati, usiku, ari muutsi nomurimi romoto rinon'aima kupenya kwokuvapo kwaMwari kugoti gude gude pose ipapo sekatenga uye sedumba. 6 Uchange uri mumvuri masikati wokudzivirira kupisa nediziro nepokuhwanda mvura yokunaya ine dutu remhepo nemheni. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe