Online Bible

- Reklamy -

Isaya 30 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Chibvumirano nevaIjipiti chenhando

1 Zvanzi naTenzi, “Mune nhamo imi, mhandupandu dzavanhu. Munotoita zvenyu zvamunenge maronga imi Musingaite zvangu ini. Munotoita zvenyu bangano risinei zvaro nemweya wangu muchitowedzera zvenyu chitadzo pamusoro pechimwe chitadzo.

2 Munotopinda munzira kudzika kuIjipiti nhai musina kana kutombobvunza zvenyu zano rangu. Kundopotera kwaFarao here kuti mudzivirirwe naye nokundotsvaka zvenyu iyeyoka, dumba nomumvuri weIjipiti nhai?

3 Naizvozvo kudzivirira kwaFarao ikoko kuchapinduka kukakunyadzisai, iye dumba nomumvuri weIjipiti opinduka ova anokunyadzisai.

4 Chiripo ndechokuti, kunyange zvazvo makurukota enyu ava ikoko kuguta reZoani, vamiririri venyika yenyu vatosvikawo nokuguta reHanesi,

5 munhu wose zvake achanyara navanhu vasina chavanovabatsira vasina rubatsiro kana chimuko asi kunyara nokunyadziswa.”


Chirevo kuzvikara zvokumaodzanyemba

6 Munotakura imi upfumi hwenyu muchipfuura nokuNegevhu kunopisa, nomo munyika yenhamo namatambudziko ine shumba hadzi nehono nenyoka dzinouturu nenyoka dzinobhururuka, makahutakudza pamisana yemadhongi uye upfumi hwenyu makahutsiga panyundhwa dzengamera muchienda nahwo kuvanhu vasina nechavanobatsira

7 nokuti rubatsiro rweIjipiti haruna chimuko haruna kana maturo, ndokusaka ini ndaitumidza zita rokuti, “NdiRahabhu shumba isina meno.”


Vanhu vane musikanzwa

8 Zvino wochienda uzvinyore pafendefa vachiona, unyore izvozvo mubhuku kuitira kuti mune ramangwana zvizova chapupu nokusingaperi

9 pamusana pokuti imhandupandu dzavanhu vanakomana vanoreva nhema vanakomana vasinganzwe zvinorehwa naTenzi.

10 Vanototi zvavo kuvaoni, “Zvokuona chiregai,” kuvaporofita uku vachitoti, “Zviratidzo zvamunotionera ngazvirege kuva zvechokwadi, ingotitaurirai zvenyu zvinhu zvisina kuomarara, titaurirei zvinhu pasina.

11 Siyanai negwara iroro mutsauke panzira iyoyo tirege kuramba tichinzwa nezvaiye Anoera waIsiraeri.”

12 Ndokusaka zvanzi naiye Anoera waIsiraeri “Pamusana pokuti imi muri kuramba shoko irori muchivimba nokuonesa vanhu ndondo nouipi muchibva mazendama chaizvo pazviri,

13 naizvozvo uipi ihwohwu huchakupfukirai sezvinoita rusvingo rurefu rune mutswe, runofutunukira kunze, runoti kana rwokoromoka runobva rwati pakarepo pasi rikiti nenguva isipi,

14 rune mupwanyikiro unenge wehari yomuumbi inenge yabhwadurirwa pasi zvine utsinye zvokuti hapana kazenga kayo kanowanika kwokutapisa moto kunyange kwokutekesa mvura mumugodhi wemvura,”

15 nokuti zvanzi naTenzi Mwari, iye Anoera waIsiraeri, “Ruponeso rwenyu ruri mukudzokera kwenyu kwandiri nomukuzviisa kwenyu mumaoko mangu. Simba renyu riri mukunyarara nokuvimba neni,” asi imi munoramba

16 asi chamunototaura ndechokuti, “Aiwa, nokuti tichamhanyisa kwazvo tiri pamabhiza,” Saizvozvo muchamhanya chaizvo. Uye munoti, “Tichati karakata kutasva pamabhiza emikono anoribiduka kumhanya,” saizvozvo mucharondwa navanomhanya chaizvo.

17 Chiuru chenyu chichatiza munhu mumwechete Masoja mashanu chaiwo achaita kuti muti ware kutiza muchisara mangoita, sechimuti chemureza pamusoro pegomo, somureza pachikomo.

18 Naizvozvo Tenzi anomirira kuti akuitirei zvakanaka. Naizvozvo anofarira kwazvo kukuitirai tsitsi nokuti Tenzi ndiMwari woruenzaniso. Vakakomborerwa zvavo vose vanomumirira.


Kukomborera kuchaita Mwari vanhu vake

19 Hongu, imi vanhu veZioni munogara muJerusaremu hamuchazombochemazve. Achanyatsokuitirai nyasha paanonzwa kuchema kwenyu, paanongokunzwai achakupindurai.

20 Kunyange zvazvo Tenzi achikuitai kuti zvimhingamupinyi zvive chokudya chenyu nhamo iri mvura yenyu yokunwa, Mudzidzisi wenyu haachazvivanzi kwamuri. Asi kuti imi nameso enyu muchatoona Mudzidzisi wenyu

21 uye kuti pamunenge mava kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe muchatonzwa inzwi munzeve dzenyu richiti, “Nzira ndeyiyi itevedzei iyoyo.”

22 Muchaona sezvinhu zvakan'ora zvifananidzo zvokunamata zvakanamirirwa nesirivha yako nezvifananidzo zvokunamata zvoutare hwakanyungurutswa zvakanamirirwa nendarama yako. Muchazvirasa serengenya rine tsvina muchiti, “Ngazvitibvire.”

23 Achapa mvura yokuti mudyarise mbeu dzenyu. Mbesa dzinobva muvhu imomo dzichange dzakawanda dzakakora. Panguva iyoyo mombe dzenyu dzichafura mumafuro akakura.

24 Nzombe dzenyu namadhongi okurimisa dzichadya zvokudya zvakaiswa munyu hwakasandurudzwa nefoshoro neforogo.

25 Pamakomo ose marefu nomuzvikomo zvose zvakareba muchave notukova tune mvura inoerera pamusi ucharakashwa vanhu kuuraya pachapunzika nharire.

26 Chiedza chomwedzi chichaita sechiedza chezuva uye chiedza chezuva chinenge chakapetwa kanomwe sokunge chamazuva manomwe pazuva iroro Tenzi paachasunga makatyoka vanhu vake achiporesa maronda avakakuvadzwa nokurohwa.


Kuranga kuchaita Mwari vaAsiria

27 Chinzwai munzwe, Tenzi anouya muzita rake achibva kure kure akaviruka nehasha dzake ari muutsi hwakati kwirindindi huri kutogoka mudenga nomuromo wake ari kutaura ari kutaura azere nehasha, rurimi rwake ruchinge moto unopisa

28 kufema kwake kuchiita sorukova rwuzere runosvika mumutsipa kuti azungure marudzi avanhu norusero rwokuparadza nokuzoisa pashaya dzendudzi dzavanhu matomho okuvateteresa mutome.

29 Muchaimba rwiyo serwousiku hunochengetwa zuva guru rinoera muchifara mumwoyo umu sezvinoita munhu anopinda munzira aine mumhanzi wenyere achikwira kugomo raTenzi kuna iye Bako raIsiraeri

30 Tenzi achaita kuti vanhu vanzwe izwi rake roukuru achaitawo kuti shamhu yoruoko rwake ionekwe inenge yatozomoka kuzorova nehasha dzinotyisa nerimi romoto unororomesa uine gore raita zvokuwodzvoka kunaya nedutu nemhepo huru ine simba rechimvuramabwe.

31 VechiAsiria vachatya kwazvo vachinzwa izwi raTenzi paanovarova netsvimbo yake.

32 Shamhu yose yose yokuranga yavanorohwa naTenzi, inenge ichipembererwa nomumhanzi wengoma nezvipendani; achiita hondo, muruoko shamhu achiivheyesa mudenga achirwisana navo

33 nokuti nzvimbo yokupisira yakatogadzirirwa kare yokuitira mambo iyeyu, yakatogadzirirwa kare. Gomba rayo rakaitwa rakadzika uye rakafutunurwa kwazvo pamwechete nemoto nehuni zvakawanda, femo raTenzi rinoita sekakova kedombo regwenya ndorinoritungidza moto.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy