Isaya 26 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaMwari achaita kuti vanhu vake vakurire 1 Musi iwoyo munyika maJudha muchaimbwa rwiyo urwu runoti: Guta redu, iguta rakasimba kununura kwaakatiita kwakabva kwava sorusvingo nechimudhuri chokudzivirira. 2 Zarurai misuo mikuru, rudzi rwakatendeseka rupinde. 3 Munhu anoramba pfungwa dzake dzakati kwati kwati nemi, munomuchengeta ari murugare chairwo nokuti anovimba nemi. 4 Vimbai naTenzi narini wose nokuti muna iye Tenzi Mwari ndimo mubako rokugara nokugara 5 nokuti akaninipisa vagari venyika dzokumusoro, guta rinozvikudza akaridukupisa akariti pasi mbombombo, muvhu chaimo kuriti umburu. 6 Rinotsikwa-tsikwa zvaro netsoka, tsoka dzavarombo zvavo muchifambwa zvamo navasina chavanacho. 7 Gwara rowakarurama muchechetere nzira yomururami munoiita kuti ive yakati sandara. 8 Tenzi, zvamunenge matema imi ndozvatinomirira, imi ndimi watinomirira. Zita renyu risingakanganwike ndochido chemwoyo yedu. 9 Ini ndinokushuwai nousiku, mweya wangu mandiri unokutsvakisisai kwazvo nokuti kana kutonga kwenyu kwasvika panyika vagari vepasi pano vanobva vadzidza ururami. 10 Kana muipi akaitirwa zvakanaka, haazodzidza kururama, munyika yakarurama imomo iye anenge achingoita zvoujarijari asingamboona zvake ukuru hwaTenzi. 11 Imi Tenzi, muruoko rwenyu shamhu iri mudenga, asi havasi kumbozviona. Chimbovaratidzai shungu dzamuinadzo nevanhu venyu, vanyare. Nehasha dzenyu dzinopisa ririmisai vavengi venyu. 12 Imi Tenzi, ndimi muchatiwanisa rugare, nokuti basawo rose ratinoita iri, ndimi. 13 Imi Tenzi, Mwari wedu, kune mamwe madzishe akambotitonga asirimi, asi imi ndimi mune zita ratinoziva. 14 Madzishe acho iwayo akafa haachazombovazve mapenyu, vangova mimvuri havachazombomuka, ndokusaka makavaranga nokuvaparadza mukavatsakatisa zvokusamboyeukwa. 15 Asi imi Tenzi makapamhidzira vanhu kurudzi rwedu, muchitiwanziridza murudzi rwedu. Imi munorumbidzwa makawedzeredza nyika yacho yose. 16 Imi Tenzi, munhamo vakakutsvakai vakaita munamato yokudurura, pamaivaranga. 17 Somukadzi anenge ano pamuviri anoyaura achichema mukurwadziwa kwake kana nguva yake yokusungunuka yasvika. Ndizvo zvatanga takaitawo isu tisiri panemi Tenzi. 18 Takanga takazvitakura tikayaura asi takasununguka mhepo. Kununura nyika ino hatina, kunyange vagari vapanyika havana kukurirwa. 19 Vakafa venyu vachava vapenyu, miviri yavo ichamuka. Vashakabvu vari muvhu mukai muimbe norufaro. Tinodaro nokuti dova renyu idova rine chiedza uye nyika yavashakabvu ichasununguka. Kutonga kwaMwari noKumutsurudza rudzi 20 Vanhu vangu, endai mupinde mumba muzarire makonhi mumbohwanda kwenguva shoma kusvikira hasha dzake dzapera. 21 Ndinodaro nokuti Tenzi ari kuuya achibva kunzvimbo yake kuzorangira vagari vepanyika zvitadzo zvavo. Pasi pose vanhu vachareurura kuuraya vanhu kwavakaita, zvitadzo zvavo vanenge vasisavanzi. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe