Isaya 25 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaRwiyo rwokurumbidza 1 Imi Tenzi, ndimi Mwari wangu, ndinokukudzai ndichirumbidza zita renyu, nokuti makaita zvinhu zvinoshamisa zvamakaronga kare kare zvino kutendeseka kwechokwadi; 2 nokuti makaita kuti guta rive murwi guta retsvingo rive dongo muzinda wavanozvikudza hauchisiri guta hauchazombovakwa. 3 Naizvozvo vanhu vane simba vachakurumbidzai, maguta avanhu voutsinye achakutyai 4 nokuti ndimi diziro ravarombo, botero ravanhu vasina chavanacho, dumba rokuhwanda dutu nomumvuri wokuhwanda zuva nokuti kufemuruka kwemunhu ane utsinye kunenge dutu riri kurovera kurusvingo 5 sokupisa kwenzvimbo yakaoma. Munonyaradza ruzha rwemabvakure sokutonhodza kunoita gute kupisa saizvozvo ndokunyaradzwa kunoitwa nziyo dzemunhu ane utsinye. Mwari anogadzirira vanhu vose mabiko paGomo reZioni 6 Pagomo irori, Tenzi wehondo nehondo achaitira ndudzi dzose dzavanhu mabiko ezvakakora, mabiko ewaini isina kana kasese, mabiko ezvakakora zvizere mwongo ewaini yamasese akanyatsosvinwa. 7 Achaparadza pagomo irori chakaputira marudzi ose, dandadzi rakaputira ndudzi dzose dzavanhu. 8 Achatsakatisa rufu nokusingaperi, uye Tenzi, Tenzi achapukuta vose musodzi pamatama, uyewo achabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake pasi pose, nokuti Tenzi ndiye azvireva. 9 Pazuva iroro vanhu vachati, “Hauwoneka, uyu ndiye Mwari wedu watanga takamirira kuti atinunure. Uyu ndiTenzi, ndiye watanga takamirira, ngatichifarai tichipemberera kutiponesa kwake.” Kuranga kuchaita Mwari nyika yeMoabhu 10 Simba roruoko rwaMwari richava pagomo irori, asi Moabhu achatsokodzerwa munzvimbo make sokutsokodzerwa kunoitwa mashanga mudanga. 11 Achatambanudza maoko ake ari mukati maro sokutambanudza kunoita munhu anenge oda kushambira, asi Tenzi achaninipisa kuzvikudza kwake ikoku pamwechete noumhizha hwamaoko ake. 12 Nhare ndefu dzokuzvidzivirira muhondo dzamasvingo ake achadzikoromora achidziparadza achidzirigira pasi pavhu chaipo. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe