Isaya 24 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaD: ZVAKAZARURWA Kurangwa kuchaitwa pasi pose naMwari 1 Chinzwai, Tenzi achaparadza pasi pose Achipaita renje achawondonga nyika achimwararanisa vageremo. 2 Munhu wose achaitirwa zvimwechetezvo, vangave vanhu zvavo kana mupristi, angave muranda kana tenzi wake, angavewo musikana webasa kana amai vaanoshandira angave mutengi kana mutengesi, angave mukweretesi kana mukwereti, angave mudzoreri kana mudzorerwi. 3 Pasi pose pachanyatsoparadzwa zvokunyatsoitwa dongo chairo nokuti Tenzi wazvitaura. 4 Pasi pose pari kuchema, pauna, nyika iri kuperezeka nokusvava, matenga ari kuperezekawo pamwechete napasi pose. 5 Pasi pose paipiswa navagari vemo nokuti vakadarika mitemo vakaramba mirao vakatyora chitenderano chokugara nokugara. 6 Naizvozvo rushambwa rwaparadza pasi pose vagari vemo vanotambudzikira mhosva dzavo. Ndokusaka vagari vepasi pose vakatsva kwasara vanhu vashoma. 7 Waini inochema migirepisi inosvava vose vamafaro vaya vari kutowuwura. 8 Rufaro rwokuridza ngoma rwamiswa, ruzha rwevamafaro rwapera, rufaro rwokuridza zvipendhani rwamiswa. 9 Zvokunwa waini vachiimba zvachiti nho-o, hwahwa, kune avo vanohunwa, hwava kuvava. 10 Guta remhirizhonga rachiti pasi mbombombo, dzimba dzose dzachinzi gwibha gwibha kuzarira, zvokuti hapana anogona kupinda. 11 Rave jemedzanwa mumigwagwa, pamusana pokushaya waini mafaro ose asvika kumapeto kwawo, rufaro rwapanyika rwarambidzwa. 12 Muguta chasara hapasisina, misuo mikuru yabvungunjurwa kusara asakara. 13 Izvozvo ndozvazvichaita mukati menyika, pakati pamarudzi avanhu sezvinongoita muti womuorivhi kana wagumwa, sepanguva yokufuhwa magirepisi nguva yokusvina waini yapera. 14 Vanodaidzira vachiimba norufaro vanodaidzira nezvoukuru hwaTenzi kumadokero. 15 Naizvozvo vokumabvazuva, rumbidzai Tenzi, vokunyika dzokumahombekombe kwegungwa, rumbidzai zita raTenzi, Mwari weIsiraeri. 16 Kubva kwakaperera nyika tinonzwa nziyo dzokurumbidza, mbiri yaiye Mururami. Asi ndati, “Ndapera ini, ndapera simba! Nhamo yangu iyi, nokuti vanyengedzi vari kuita zvounyengedzi, vanyengedzi vari kuita zvounyengedzi chaizvo.” 17 Imi vagari vapanyika kutya nehunza nomusungo zvavanemi. 18 Anotiza maungira anotyisa achawira muhunza, anenge ati regai ndibude muhunza imomo anobva anzi kachi nomusungo nokuti mawindho edenga akazaruka nougaro hwenyika huri kundengendeka. 19 Pasi pose panyatsomeduka-meduka, pasi pose patsemuka, pasi pose pazunzwa zvakaipisisa kwazvo. 20 Nyika iri kudzedzereka sechidhakwa, iri kuzvebuka semba. Kukanganisa kwayo kuri kuiremera, iri kutoputsika, haichazombomukazve. 21 Pazuva iroro Tenzi acharanga hondo dzomudenga, mudenga imomo madzimambo apasi ipo pasi pano 22 vachaunganidzwa pamwechete savasungwa vari muhunza, vachapfigirwa mujeri mushure memazuva mazhinji vanozorangwa. 23 Ipapo mwedzi uchaora zuva rigodzima nokuti Tenzi wehondo nehondo achatonga paGomo reZioni muJerusaremu acharatidza mbiri yake kuvakuru vakuru vake. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe