Isaya 21 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaKuparara kweBhabironi 1 Herino shoko rakanangana nerenje rokugungwa. Sokutsvaira kunoita chamupupuri munyika yeNegevhu chinouya chichibva kugwenga, chichibva kunyika inotyisa kwazvo. 2 Ndakaziviswa nezvechiratidzo chakaomarara, mupambi wopamba, muparadzi woparadza. Eramu enda uku, Midhia komba kutura mafemo kwose kwawakakonzera ndichakupedza. 3 Ipapo ndarwadziwa kwazvo zvokuti muchiuno mangu, handichagona. Ndabatwa ini namarwadzo samarwadzo omukadzi ari kusununguka. Ndakotamiswa zvokuti handichanzwa, ndatopazamiswa nazvo zvokuti handichaona. 4 Ndatenderera musoro, nhamo yandishayisa chokuita. Mambakwedza andanga ndichichemera andisandukira akava nguva yokuhuta kudedera. 5 Hezvo vogadzikira chokudya pateburu vowaridza dzichari vachidya vachinwa zvavo. “Mukai machinda, zorai nhoo mafuta,” 6 nokuti Tenzi akanditi, “Enda unoisa munhu nharirire azivise zvaanenge aona. 7 Saka kana aona vachairi vengoro dzehondo dzamabhiza akabopwa ari maviri maviri navanhu vakatasva madhongi navakatasva ngamera, ngaanyatsoteerera, ateererese chaizvo.” 8 Ipapo nharirire iya yakati, “Tenzi, ini ndimire panharire pano pandinoswera ndiri masikati nousiku hwose ndopandinenge ndiri.” 9 Zvino havo vauya vachairi vengoro dzehondo dzamabhiza akabopwa ari maviri maviri! Iye akati, “Yaparara, yaparara Bhabhironi pamwechete nezvifananidzo zvose zvavamwari vayo azvibwadamurira pasi.” 10 Nhai nyakupurwa, nyakuurutswa wangu zvandanzwa kuna Tenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri, ndozvandinokuzivisa. Zvaizowira Dhuma, guta rokwaEdhomu 11 Herino shoko rakanangana neDhuma. Mumwe ari kudaidza kwandiri ari kuSeiri, ari kuti, “Nharirire we-e kusvikira riniko nousiku ihwohwu? Nharirire we-e, kusvikira riniko nousiku ihwohwu?” 12 Mutariri ndokuti, “Mangwanani achauya uye usiku huchauya zvakare. Kana uchida kuzobvunza, dzoka zvako uzobvunza.” Zvaizowira nyika yeArabhia 13 Herino shoko rakanangana neArabhia. Mumajokochwa amasango omuArabhia ndomamuchatogara, imi vamadungwerungwe engamera vokwaDhedhani 14 ane nyota muigirei mvura, anenge apotera muchingureiwo nechokudya, imi vagari venyika yokwaTema, 15 nokuti vakatiza mapakatwa, vachitiza bakatwa rakaburitswa muhara, nouta hwakanga hwatatamurwa, kuri kutiza hondo yatsviriridza kurwiwa 16 nokuti Tenzi akanditi, “Gore risati rapera sezvakangoita makore amarikicho mbiri yose yokwaKedhari ichapera kuti hwa. 17 Uye marimbirimbi evarwi vemiseve vokumagamba ehondo okuvanakomana vokwaKedhari vachava vashoma nokuti Tenzi Mwari weIsiraeri ndizvo zvaareva.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe