Online Bible

- Reklamy -

Isaya 13 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


C: CHIREVO PAMUSORO PEVECHIRUDZI Kurangwa kuchaitwa Bhabhironi

1 Iri shoko rinorema rakanangana neBhabhironi rezvakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi:

2 Pamhene zvapo pamusoro pechikomo misaipo chiratidzo muzhambarare kudaidzira kwavari muvaninire ruoko kuti vapinde mumisuo mikuru yokuvakuru vakuru.

3 Ini pachangu ndatema vanhu vangu vandakazvitsaurira ndikakoka magamba angu okurwa vanozvinzwa kuti vazopedzera hasha dzangu pavanhu ivava.

4 Herwo ruzha rwemhomho yavanhu pamakomo runenge rwegurumwandira chairo ravanhu! Hero bongozozo redzinyika, rwamarudzi ari kukokorodzana pamwechete! Tenzi wehondo nehondo ari kuunganidza hondo yavarwi yokurwisa.

5 Vanobva kunyika iri kure uko, vachibva kwakaperera denga chaiko, Tenzi nezvombo zvake zvehondo zvokushatirwa kwaakaita kuzoparadza nyika yose zvayo.

6 Hwihwidzai kuchema, nokuti Zuva raTenzi rava padyo, iroro richasvika riri zuva rokuparadza kwaSamasimbaose.

7 Naizvozvo maoko ose acharukutika munhu wose acharohwa nehana

8 zvichivakanhamisa. Vachabatwa nokurwadziwa zvokutodemba, vacharwadziwa somukadzi ari pakusununguka. Vachangoti nde-e kutarisana vazvishayira pazvo zviso zvavo zvichidikitira.

9 Hero Zuva raTenzi rouya! Zuva routsinye nokutsamwa nerehasha dzinotyisa rokusiya nyika yava renje nokuparadza vatadzi mairi;

10 nokuti nyenyedzi dzedenga negurusvusvu radzo dzichange dzisisavhenekere, zuva richange rakasviba pakubuda kwaro, mwedziwo usisina chiedza chaunopa.

11 “Ndicharangira nyika zvivi zvayo uye vatadzi uipi hwavo. Ndichapedza kuzvikudza kwose kwavanozvitutumadza, ndichitonhodza kuzvinyundumadza kwavasingakatare.

12 Ndichaita kuti vanhu vave vashoma kupinda ndarama yakanyatsokwenenzverwa. Kuwana vanhu kunenge kwotonetsa kupinda kuwana chidimu chendarama yokuOfiri.

13 Naizvozvo ndichaita kuti matenga azunguzike pasi pandengendeke pabve panzvimbo yapo pamusana pehasha dzaTenzi wehondo nehondo pazuva rehasha dzake dzinotyisa.

14 Semhara iri kudzingirirwa kana kuti sehwai dzisina anodzikokorodza mumwe nomumwe achaenda kuvanhu vokwake munhu achitizira kunyika yokwake.

15 Anenge angowanikwa anobayiwa anenge angobatwa anofa nebakatwa.

16 Pwere dzavo dzichapwashurwa vakatarisa dzimba dzavo dzichipambwa vakadzi vavo vachibhinywa.

17 “Chionai ndavakuvamutsira vaMidhia vasina hanya nesirivha kana kufarira zvendarama.

18 Uta hwavo hucharakasha kuuraya majaya vachange vasina tsitsi norusvava kana kuitira vana tsiye nyoro.

19 Bhabhironi, guta rinoshamisa panyika dzose mbiri nechidadiso chevaKaridhea richaita seSodhomu neGomora paakaparadzwa naMwari.

20 Hamuzombofa makagarwa kana kumboitwa musha imomo pazvizvarwa zvose zvazvo. Hakuna muArabhu achazomisa tendhe rake imomo hakuna vafudzi vachararisa hwai dzavo imomo.

21 Asi muchatorarwa zvamo namakava esango, dzimba dzavo dzichazara namazizi namajijidza. Mhou dzichagaramo uye zvidhoma zvichatambiramo.

22 Mapere acharidza zvawo huwi munharire dzavo namakava achihukura, mumizinda yavo inoyevedza. Nguva yaro yatosvika mazuva acho zvemberengera hapasisina.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy