Online Bible

- Reklamy -

Ezira 10 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Zano rokupedza zvokuroorerana nevechirudzi

1 Ezira paakanga achinamata achireurura nokuhwihwidza kuchema nokuzvirovera pasi pamberi pemba yaMwari, chita chikuru kwazvo chavarume navakadzi navana chakaungana kwaari chichibva muIsiraeri nokuti vanhu vaichema kwazvo.

2 Shekaniya mwanakomana waJehieri wokuvanakomana vokwaEramu akataura kuna Ezira achiti, “Hatina kutendeka kuna Mwari wedu, takaroora vakadzi vechirudzi vendudzi dzomunyika ino. Kunyange zvakadaro zvazvo Isiraeri ichine chitarisiro.

3 Naizvozvo ngatiitei chitenderano naMwari wedu tirambe vakadzi vacho navana vavo maererano nezano renyu changamire uye maererano nezano ravanhu vanodedera mutemo waMwari wedu, zviitwewo maererano nezviri mumutemo.

4 Chisumukai nokuti irori ibasa renyu, isu tinokutsigirai simbai mwoyo muzviite.”

5 Ezira akasimuka akaitisa vakuru vakuru navapristi navaRevhi neveIsiraeri vose chitsidzo chokuti vachaita zvakanga zvarehwa zvacho. Nokudaro vakaita chitsidzo.

6 Ezira akabva pamberi pemba yaMwari akaenda kumba kwaJehohanani mwanakomana waEriyashibhu. Ndokwaakaenda akandorarako asingadye kana kunwa mvura nokuti akanga achichema kusatendeka kwevaye vakatandanisirwa kusiri kwavo.

7 Kwakatumwa chirevo kwaJudha yose neJerusaremu kune vose vakanga vatamisirwa kusi kwavo vaye kuti vaungane kuJerusaremu

8 uye kuti kana munhu akarega kuuyako mazuva matatu asati apera, sezvanga zvatemwa namakurukota navakuru vakuru kuti abvutirwe zvinhu zvaanazvo iye pachake agodzingwa mugungano revaye vokunga vatapwa vachiendeswa kusi kwavo.

9 Varume vose vokwaJudha nevokwaBhenjamini vakaungana kuJerusaremu mumazuva matatu uri mwedzi wechipfumbamwe musi wechimakumi maviri womwedzi iwoyo. Vanhu vose vakaungana munhandare yepamusuo wemba yaMwari vachidedera kutya nyaya iyoyi uyewo pamusana pemvura zhinji yainaya.

10 Mupristi Ezira akasimuka akati kwavari, “Makakanganisa nokuroora kwamakaita vakadzi vechirudzi mukaita kuti mhosva yeIsiraeri ikure.

11 Zvino reururai kuna Tenzi, Mwari wamadzibaba enyu muite kuda kwake muzvitsaure kuvanhu vomunyika muno navakadzi vechirudzi.”

12 Vanhu vose vakapindura nezwi guru vachiti, “Ndizvozvo chaizvo! Tinofanira kuita sezvamareva.

13 Asika vanhu vakawanda ava uye inguva yokuwanda kwemvura yokunaya. Hatigone kuramba takamira panze pano uye harisi basa rezuva rimwechete kana maviri nokuti kukanganisa kwedu panyaya iyoyi kukuru chaizvo.

14 Mochirega makurukota edu amiririre gungano rose, maguta edu ose ana vakadzi vacho vechirudzi vazouya panguva dzakatemwa. Vanofanira kuuya navakuru vakuru navotongi veguta iroro kusvikira hasha dzaMwari wedu dzinotyisa kwatiri panyaya iyoyi dzapora.”

15 Jonatani mwanakomana waAsaheri naJahizeya mwanakomana waTikivha vakapikisana nazvo. Asi Meshuramu naShebhetai vaRevhi vakatsigirana navo.

16 Vokudzoka vaye vokunga vatapwa vachiendeswa kusiri kwavo vaye vakaita saizvozvo. Mupristi Ezira akasarudza varume vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo imba nemba mumwe nomumwe achidomwa nezita. Pazuva rechiposhi romwedzi wegumi vakagara pasi vakatangisa kuongorora nyaya iyoyi.

17 Nezuva rechiposhi romwedzi wokutanga vakatenge vatopedzerana nevarume vose vakanga vane vakadzi vechirudzi.


Mazita evarume vokuwanikwa vakaroora vakadzi vechirudzi

18 Pakati pevanakomana vokuvapristi: vanhu vakawanika vakaroora vakadzi vechirudzi ndevava ava: kuvanakomana vokwaJeshua: nokwaJozadhaki nehama dzavo, ndiMaaseya naEriezero naJaribhu naGedhariya.

19 Vakazvisunga nemhiko kuramba vakadzi vavo. Mupiro wokuripa mhosva wavakabvisira mhosva yavo ndowehondohwe yepazvipfuwo zvomudanga.

20 Kuvanakomana vokwaImero: kukawanikawo Hanani naZebhadhiya

21 Kuvanakomana vokwaHarimu: kukawanika kuina Maaseya naEriya naShemaya naJehieri naUziya

22 kuvanakomana vokwaPashuri: kukawanikawo Erioenai naMaaseya naIshimaeri naNetaneri naJozabhadhi naErasa.

23 KuvaRevhi: kwakawanika kuina Jozabhadhi naShimei naKeraya (Keraya uyu ndiye wakareyo Kerita) uye Petahiya naJudha naEriezero

24 Kuvaimbi: uku kuna Eriyashibhu Kuvachengetedzi vepamisuo: mikuru kwaivawo naSharumu naTeremu naUri.

25 Kune vokwaIsiraeri: kuvanakomana vokwaParoshi: ndiRamia naIzia naMarukiya naMijamini naEreazari naMarukiya naBhenaya.

26 Kuvanakomana vokwaEramu: kuna Mataniya naZekariya naJehieri naAbhudhi naJeremoti naEriya.

27 Kuvanakomana vokwaZatu: kwaiva naErioenai naEriyashibhu naMataniya naJeremoti naZabhadhi naAziza

28 kuvanakomana vokwaBhebhai: ndiJehohanani naHananiya naZabhai naAtirai

29 Kuvanakomana vokwaBhani: ndiMeshuramu naMaruki naAdhaya naJashubhu naSheari naJeremoti

30 Kuvanakomana vokwaPahatimoabhu: kwakawanikwa kuina Adhina naKerari naBhenaya naMaaseya naMataniya naBhezarieri naBhinui naManase

31 Kuvanakomanawo vokwaHarimu: kwaiva naEriezero naIshiya naMarukiya naShemaya naShimeoni

32 naBhenjamini naMaruki naShemariya

33 Kuvanakomana vokwaHashumu: kuna Matenai naMatata naZabhadhi naErifereti naJeremai naManase naShimei

34 Kuvanakomana vokwaBhani: kwaivawo naMaadhai naAmuramu naUeri

35 naBhenaya naBhedheya naKeruhi

36 naVhaniya naMeremoti naEriyashibhu

37 naMataniya naMatenai naJaasu

38 Kuvanakomana vokwaBhinui: kwaiva naShimei

39 naSheremiya naNatani naAdhaya

40 naMakinadhebhu naShashai naSharai

41 naAzareri naSheremiya naShemariya

42 naSharumu naAmariya naJosefi

43 Kuvanakomana vokwaNebho: kukawanikwa kuna Jeieri naMatitiya naZabhadhi naZebhina naJadhai naJoeri naBhenaya.

44 Vose ivava vakanga varoora vakadzi vechirudzi vakavapa vana.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy