Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 42 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Dzimba dzepedyo neTemberi

1 Akazondiburitsamo akanditungamirira munhandare yomukati nechokuchamhembe. Akandiunza kudzimba dzaiva dzakatarisana nenhandare yeTemberi dzakatarisanawo nemba iri nechokuchamhembe.

2 Kureba kwemba yaiva nechokuchamhembe kwaiita mamita makumi mashanu upamhi huri makumi maviri amamita ana mamita mashanu ane hafu.

3 Pakanga pakatarisana nepamwe paiita gumi ramamita pakanga pari penhandare yomukati pakatarisanawo nakahuva kokunhandare yokunze paiva nemba dzenhurikidzwa nhatu dzina maperere.

4 Pamberi pedzimba idzodzo paiva nopokupinda napo mukati paiita mamita mashanu kufara, urefu hwacho huchiita makumi mashanu amamita. Makonhi adzo akanga ari nechokuchamhembe.

5 Zvino dzimba dzapamusoro dzako dzakanga dzakati dukupei nokuti maperere akanga akadzitorera nzvimbo yakati kuti kupfuura dzimba dzapasi nedzapakati dzacho dzapamba iyoyo

6 nokuti dzaiva nhurikidzwa nhatu dzisina misimboti semisimboti yomunhandare yokunze. Ndokusaka dzimba idzodzo dzapamusoro dzakanga dzakavakwa dzakanyanya kuswedera shure kubvira pasi kupfuura dzimba dzapasi nedzapakati dzacho.

7 Paivawo nechidziro nechokunze chakavambirana nedzimba idzodzo woenda kunhandare yokunze pakatarisana nedzimba. Dzaiita makumi maviri amamita ana mamita mashanu kureba.

8 Chaivapo ndechokuti dzimba dzomunhandare yokunze dzakanga dzichiita mamita makumi maviri namashanu kureba. Dziya dzaiva dzakatarisana neTemberi dzaiita makumi mashanu amamita kureba.

9 Nechapasi pedzimba idzi, paiva nepokupinda napo nechokumabvazuva uchipinda madziri uchibva nokunhandare yokunze

10 maiva nedzimwe nomukana wokufamba nawomu. Kumaodzanyembawo kwacho pakatarisana nenhandare pakatarisanawo neimba iyoyo, paiva nedzimba pamberi padzo paino mukana wokupfuura nawo.

11 Dzakanga dzakafanana nedzimba dziya dzaiva kuchamhembe, urefu hwadzo noupamhi hwadzo hwakaenzana, nemokubuda namo makangofanana, uyewo namamiriro acho namagonhi adzo.

12 Uyezve nechapasi kwedzimba dzokumaodzanyemba kwaiva nepokupinda napo nechokumabvazuva ukange wapinda napamukana iwoyo uye pakanga pakatarisana nadzo paiva nechidziro chaiganhura.

13 Akazoti kwandiri, “Dzimba dzokuchamhembe nedzimba dzokumaodzanyemba dzakatarisana nenhandare, dzimba dzinoera, munodyira vapristi vanoswedera pana Tenzi mipiro inoeresesa kwazvo. Imomo ndomavacharongedza mipiro inoeresesa kwazvo inoti: mupiro woupfu hwembesanwa nomupiro wokupirira zvitadzo nomupiro wokuripira mhosva nokuti nzvimbo iyoyo iNzvimbo Inoera.

14 Kana vapristi vopinda muNzvimbo Inoera, havafaniri kuzobuda mairi vachienda kunhandare yokunze vasina kusiyamo magemenzi avanenge vakapfeka pabasa ravanga vachiita imomo nokuti anoera. Vanofanira kupfeka mamwe magemenzi vasati vaswedera kune zvavanhu.”


Mwero yenharaunda yepaTemberi

15 Kuzoti zvino apedza kuera nzvimbo yomukati meTemberi, akandiburitsa nokuSuo Guru raiva rakatarisa kumabvazuva akabva aera nzvimbo yeTemberi kuitenderera nharaunda iyoyo.

16 Akaera kumabvazuva ikoko norutsanga rwuya rwokueresa narwo kukaita mazana maviri namakumi mashanu amamita okuera norutsanga irworwo.

17 Akatendeuka akaera divi rokuchamhembe kwacho kukaita mazana maviri namakumi mashanu amamita okuera norutsanga irworwo rwokueresa narwo.

18 Akatendeuka akaera kudivi rokumaodzanyemba kukaitawo mazana maviri namakumi mashanu amamita okuera norutsanga irworwo rwokueresa narwo.

19 Akazotendeukira kudivi rokumadokero akaera kukaita mazana maviri namakumi mashanu amamita okuera norutsanga rwuya rwokueresa narwo.

20 Akaiera mativi mana. Yakanga iine chidziro, kuitenderera, chakanga chichiita mamita mazana maviri namakumi mashanu kureba uye mazana maviri namakumi mashanu amamita upamhi chokuparadzanisa kudivi rinoera nedivi risingaeri.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy