Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 4 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Kuporofita nomufananidzo zvokukombwa kweJerusaremu

1 “Iwe mwanakomana womunhu tora chidhina uchiise mberi kwako ukwenge pachiri mufananidzo weguta reJerusaremu.

2 Uisepo zvokurikomba nazvo zvehondo, uye rusvingo rwakavakwa rwakaritenderera rwokurikomba narwo unyorewopo chinenge musana wenzou chevhu chakatsamirana naro. Utarepo musasa wematendhe wakarikomba ugoriisirawo zvombo zvakaita sehondohwe zvokuridhugumurisa zvakadzikwa zvakaritenderera.

3 Unozotorawo chirata chesimbi wochimisa chakaita sorusvingo rwesimbi ruri pakati pako neguta racho iroro. Iwe wobva wanyatsotarisana naro uriite segutawo ratova mukukombwa chaimo uite kuti kukombwa kwacho kubva kwanyatsotsviriridzawo chaizvo. Ichochi ichi chiratidzo chokuitira imba yaIsiraeri.

4 “Pedzezvo worara nokuruboshwe kwako iniwo ndichaisa uipi hweIsiraeri pauri, mazuva ose aunenge wakarara naikoko unenge wakatotakura chirango chavo.

5 Ndiri kukutemera chirango cheIsiraeri chamazuva mazana matatu namazuva makumi mapfumbamwe, zuva roga roga richimirira gorewo rokurangwa kwavo.

6 “Kana wapedza mazuva iwaya, unofanira kuvata kechipiri nokurudyi kwako utakure chirango chevemba yokwaJudha. Ndinokutemera makumi mana amazuva, zuva richimiririra gore.

7 “Unofanira kutarisa wakanangana nokukombwa kweJerusaremu wakarikungira chibhakera pachena ugoporifita uchiyambira guta iroro kuti:

8 ‘Zvino chiteerera unzwe, ndichakusunga mbira dzakondo netambo zvokuti unotadza kupindukira kune rimwe divi kudzamara nguva yako yokukombwa yapera.’

9 “Tora koroni nebhari nebhinzi nenyemba namapfunde nekoroni yesipereti uzvisanganise mumudziyo mumwechete ubike chingwa nazvo. Mumazuva acho aunenge wakatseyama norutivi aya, mazana matatu namakumi mapfumbamwe ndochaunenge uchidya.

10 Chokudya chauchadya iwe pazuva chinofanira kunge chichirema mazana maviri amagiramu ana magiramu makumi matatu.

11 Izvozvo mvura yako yokunwa inenge ichitoitwa zvokuyerwa. Unofanira kunwa magirazi emvura maviri kamwechete pazuva.

12 Unofanira kuchidya sechingwa chebhari uchibike vachiona pamoto wendove yavanhu.”

13 Tenzi akatiwo, “Ndomadyiro achaita vaIsiraeri chingwa chavo chakan'ora pakati pamarudzi kwandichavadzingira.”

14 Ini ndikati, “Aa-a nhai Tenzi Mwari! Zvamunoona handisati ndambozvin'oresa kubvira pauduku hwangu kusvikira pari zvino. Handisati ndambodya chakafa choga kana chakaita zvokubvamburwa-bvamburwa nezvikara kana zvako kuisa mukanwa mangu'mu nyama yakaipa.”

15 Iye akabva anditi, “Chiona, ndochikupa ndove yemombe panze pendove yomunhu yomoto paunobikira chingwa chako.”

16 Iye akanditizve, “Iwe mwanakomana womunhu, chiona, ndichashomekesa kuwanda kwechokudya muJerusaremu. Vachadya chokudya chavo chichiita zvokutopimirwa vachitya, uye mvura yavo vachinwa ichiita zvokutoyererwa vachidumbirwa nazvo,

17 ndichaiita izvozvo nokuti chokudya chavo nemvura zvichava zvishomashoma. Vachatarisana vagodumbirwa navo vagoperezeka nechirango chavo ichocho.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy