Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 35 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Chirango chaTenzi kuEdhomu

1 Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,

2 “Iwe mwanakomana womunhu, zvino chinangana neGomo reSeiri uriporofite uchiti kwariri:

3 Zvanzi naTenzi Mwari chiona, ini ndanangana newe iwe Gomo reSeiri. Ndichakusumudzira shamhu ndichikuita kuti uve renje zvaro risina chinhu.

4 Ndichaita kuti maguta ako asare ava matongo uve renje zvaro ugozoziva kuti ndini Tenzi.

5 Iwe zvawakava nedaka risingaperi mumwoyo ukaurayisa vanhu veIsiraeri nehondo yebakatwa panguva yokutambudzika kwavo, panguva yokurangwa kwavo kwokupedzisira.

6 Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari chenyu chavapo iropa, hezvino ndakadai, ropa richakupfukirai nokuti imi mune mhosva yokudeura ropa, nezvo ropa richakupfukirai.

7 Ndichaita kuti kugomo reSeiri kuve renje risina chinhu, ndichadzivisa vose vachapfuura nemo.

8 Mumakomo ayo ndichamuzadza nezvitunha zvayo uye muzvikomo zvako nomumapani ako uye mumakoronga ako vakauraiwa nehondo yebakatwa vachati imomo ririri.

9 Ndichakuita renje rinogara rakadaro, magutawo ako haachazogarwa navanhu. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.

10 “Pamusana pokuti unotika iwe, marudzi avanhu maviri aya nenyika mbiri idzi zvichava zvangu uye tichazviita kuti zvive zvedu, kunyange zvazvo Tenzi aivamo,

11 naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, hezvino ndakadai, ndichaita kwauri zvinoenderanawo nehasha neshanje zvawakaratidzawo kwavari uye ndichazvizivisa kwamuri pandinenge ndava kukutongai pamusana poruvengo rwamunarwo kwavari.

12 Ndipo pauchaziva kuti ini Tenzi ndakanzwa zvose zvokushora kwawakaita makomo eIsiraeri uchiti aitwa renje zvaro, aiswa mumaoko medu kuti tiaparadze.

13 Iwewe wakatozvitutumadzawo kwandiri nomuromo wako ukaita pamuromo kwazvo kwandiri. Ndakazvinzwa.

14 Zvanzi naTenzi Mwari, kuitira kuti pasi pano pose papembere kufara ndichakuita renje.

15 Sokufarira kuitwa renje kwakaita nhaka yemba yeIsiraeri, ndozvandichaitawo kwauri uchava renje iwe Gomo reSeiri neEdhomu yose, yose zvayo. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy