Ezekieri 32 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaMambo weIjipiti anoenzaniswa negarwe 1 Mugore regumi nechipiri, mumwedzi wegumi nechipiri, pazuva rokutanga romwedzi izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, 2 “Iwe munhu ungudza pamusoro paFarao mambo weIjipiti uti kwaari, “Unozviti uri shumbaka iwe pakati pamarudzi avanhu. Asi chauri chaicho uri garanyanya romumakungwa. Unoti pindikiti munzizi dzako uchibvongodza mvura namakumbo ako, nzizi dzacho dzichiva bvondwe. 3 Zvanzi naTenzi Mwari, ‘Ndichakukanda mambure avanhu vakawanda ivo vachakukwevai mumambure angu okukukudza, 4 ndichakutii pasi yacha, ndichakukandai pachena zvapo. Ndichaita kuti shiri dzose dzedenga dzimhare pamusoro pako; zvikara zvapasi pose zvizvimbirwe nokudya iwe. 5 Nyama yako ndichaiti katakata pamakomo ndigozadza mapani nezvitunha zvako. 6 Ndichati nyika neropa rako rinoerera kopokopo kusvika kunyange kumakomo, makoronga achazara neropa rako. 7 Pandinenge ndakutsakatisa ndichakwidibira denga ndichisvibisa nyenyedzi; zuva ndicharikwidibira negore. Mwedzi unenge usisape chiedza. 8 Zviedza zvose zvedenga ndichazviti ndo-o pauri ndigoisa rima panyika yako.’ Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. 9 “Ndichadzongodza mwoyo yavanhu vakawanda. Pandinokuendesa kuhutapwa mukati mevechirudzi kunyika dzausingazivi. 10 Ndichaita kuti vanhu vazhinji vadumbirwe nezvako; madzimambo avo achadedera pamusana pako. Kana ndovheyesa bakatwa rangu kwavari vachangwenda nguva dzose mumwe nomumwe achityira upenyu hwake musi wazvichakuperera.” 11 Nokuti zvanzi naTenzi Mwari, “Bakatwa ramambo weBhabhironi richakuvinga. 12 Ndichaita kuti vazhinji venyu vafe nebakatwa ravanesimba vose, vari vanhu vanotyisa kwazvo mukati memarudzi. “Vachapedza kuzvikudza kweIjipiti, vose zvavo nokuwanda kwavo vachaparara. 13 Mhuka dzavo dzose ndichadziparadza panyasi pemvura zhinji. Hapana rutsoka rwomunhu ruchaibvongodzazve kana matsiko emhuka dzavo dzichaibvundura. 14 Ipapo ndichachenesa mvura yavo, nzizi dzavo ndichidziita kuti dzierere samafuta. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. 15 Kana ndaita nyika yeIjipiti renje; zvose zvizere mairi zvabviswa, vose vagari vomo ndavauraya, ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi. 16 “Urwu ruchava rumbo rwokuungudza ruchaimbwa navakadzi vamarudzi vachiimbira Ijipiti negurusvusvu ravanhu vayo.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Nyika yavafi 17 Mugore regumi nechipiri, mumwedzi wokutanga pazuva regumi nerechishanu romwedzi izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, 18 “Iwe mwanakomana womunhu ungudza kuchema gurusvusvu ravanhu veIjipiti uvaendese pasi pasi, iyo navanhukadzi vamarudzi makuru makuru kunyika yapasi pasi kuna vakadzika kugomba. 19 “Ndiani chaizvo waunokunda parunako iwe, chidzika undoradzikwa pamwechete navasina kudzingiswa. 20 “Vachafa mukati mavanouraiwa nebakatwa; Ijipiti pamwechete negurusvusvu rayo ravanhu. 21 Munzvimbo yavachakabvu imomo, vakuru vakuru vokuhondo vachataura nezveIjipiti navatsigiri vayo vachiti, ‘Vazoburukawo, varere navasina kudzingiswa uye navanhu vakaurayiwa nebakatwa rehondo.’ 22 “Asiria irikowo negungano rayo rose, yakakomberedzwa namakuva avo, vose zvavo vakauraiwa vakarakatiswa nebakatwa rehondo. 23 Vana makuva akaitwa kwokupedzesera chaiko kwegomba uye gungano rayo rakatokomberedza makuva ayo. Vose vakafa vakaurayiwa nehondo yebakatwa iyo yaimbozezesa vanhu nokutya munyika yavapenyu. 24 “Eramu irikowo negungano rayo rose rakakomba guva rayo, vose zvavo vakauraiwa vakarakatiswa nebakatwa rehondo vanyakudzika pasi pasi penyika vasina kudzingiswa, iyo yaimbozezesa vanhu nokutya munyika yavapenyu, vachipindwa nokunyara pamwechete navanoburukira kugomba. 25 Vakamupa uriri mukati mavakaurayiwa nehondo yebakatwa pamwechete negurusvusvu rayo rose ravanhu; makuva ayo akaikomberedza. Vose vasina kudzingiswa vakaurayiwa nehondo yebakatwa nokuti yaimbozezesa vanhu nokutya munyika yavapenyu. Vachanyara pamwechete navanhu vanoenda kugomba vaiswawo mukati mavakaurayiwa. 26 “Mesheki naTubhari dzirikowo negurumwandirawo radzo rose, makuva avo akadzikomberedza, vose vasina kudzingiswa vakaurayiwa nehondo yebakatwa nokuti vaimbozezesa vanhu nokutya munyika yavapenyu. 27 Asi havana kuradzikwa pamwechete namagamba apasichigare vakadzika kunzvimbo yavachakabvu vaine zvombo zvavo zvehondo. Vakanga vakatsamira kumusoro mapakatwa avo, nhoo dzavo dziri pamapfupa avo nokuti kutya magamba avanhu kwakanga kwava munyika yavapenyu. 28 Asi iwe uchapwanyiwa uchizovata pakati pavasina kudzingiswa pamwechete navakauraiwa nehondo yebakatwa. 29 “Edhomu iriko namadzimambo namachinda ayo ose, vakaradzikwa pamwechete navasina kudzingiswa naavo vanodzika mugomba kunyange vaive nesimba, vakaradzikwa pamwechete navakauraiwa nebakatwa rehondo. 30 “Machinda okuchamhembe variko vose nevekuSidhoni vakadzika pamwechete vachinyara navakauraiwa pamusana pokutyisidzira kwavakaita nokuda kwesimba ravo. Vakaradzikwa vasina kudzingiswa vari pamwechete navakauraiwa nebakatwa rehondo. Vakanyara pamwechete navanhu vanoenda kugomba. 31 “Kana Farao avaona zvichamunyaradza pamusoro pegurusvusvu rose ravanhu vake, iye Farao navarwi vake vose vakafa nebakatwa rehondo. Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari, 32 nokuti akambozezesa vanhu nokutya munyika yavapenyu, naizvozvo acharadzikwa mukati mavanhu vasina kudzingiswa, pamwechete navakauraiwa nehondo yebakatwa, iye Farao negurusvusvu rake ravanhu.” Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe