Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 30 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Tenzi acharanga Ijipiti

1 Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu porofita uti zvanzi naTenzi Mwari: “Daidzira uchiti, ‘Hero zuva riya

3 nokuti zuva racho rava kusvika. Zuva raTenzi rave pedyo, richange riri zuva rakati gude gude namakuti, nguva yokuparara kwamarudzi avanhu.

4 Bakatwa richaparadza Ijipiti, Itiopia ichawirwa nenhamo, vanenge vaurayiwa muIjipiti vachiti rakata; upfumi hwayo huchaendwa nahwo, ugaro hwayo huchiputswa.’

5 “Itiopia nePuti neRudhi neArabhia yose neRibhia navanhu venyika dzine chirangano chokubatana vachanziwo nebakatwa pamwechete navo kata kata.”

6 Zvanzi naTenzi Mwari, “Vanotsigira Ijipiti vachaputsika kuzvikudza kwayo nesimba kuchaderera kubvira kuMigidhori kusvikira kuAswani vachati nebakatwa rakata mukati mayo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

7 “Vachasara vava renje rokupedzesera mukati medzimwe nyika dzakava renje uye maguta avo achiva maguta zvawo okupedzesera pakati pamamwe akaparadzwa

8 ndipo pamuchazoziva kuti ndini Tenzi kana ndapisa Ijipiti nomoto vatsigiri vayo vose vakaparadzwa.

9 “Pazuva iroro nhumwa dzichabva kwandiri nengarava dzichindotyisidzira vanhu veItiopia vakavarairwa zvavo. Nhamo ichavawira zuva iroro rokuparara kweIjipiti nokuti hero rouya.”

10 Zvanzi naTenzi Mwari; “Ndichaita kuti mhomho dzeIjipiti padzo padziperere mumaoko maNebhukadhireza mambo weBhabhironi.

11 Iye pamwechete navarwi vake vanachazezesa vacho kumarudzi avanhu vachaunzwamo kuzoparadza nyika iyoyo. Vachaburitsira Ijipiti mapakatwa avo vagozadza nyika yacho navanhu vanenge vaurayiwa.

12 Ipapo ndichaomesa rwizi rweNairi, nyika yacho ndoitengesa mumaoko avanhu vakaipa. Ndichaita kuti nyika iyoyo iparadzwe navatorwa pamwechete nezvinhu zvose zvirimo ini Tenzi ndini ndataura.”

13 Zvanzi naTenzi Mwari, “Ndichaparadza zvifananidzo zvokunamata ndichigumisa zvifananidzo zvokunamata zviri muguta reMemufisi. Munyika yeIjipiti hamuchafa makaita jinda remo nezvo ndichaisa kutya munyika yeIjipiti.

14 Dunhu rePatirosi ndichariita renje zvaro ndichibva ndabatidza moto kuZoani uye ndichagadza dare guta reTebhesi ndichiranga guta iroro.

15 Ndichavirukira guta rePerusiumu nehasha nhare yeIjipiti ndichirakatisa kuuraya gurusvusvu racho reTebhesi.

16 Ijipiti ndichaitungidza nomoto Perusiumu icharwadziwa zvikuru. Tebhesi ichakoromorwa rusvingo rwayo rugopazwa.

17 Majaya okuOni nokuPibheseti vacharakatiswa nebakatwa vanhukadzi vachaenda kuutapwa.

18 KuTehafunehesi kuchasviba masikati machena pandichaparadzako umambo hweIjipiti uye kuzvitutumadza kwaro nesimba kuchapera rigonzi kwidiba negore. Vanasikana varo vachaenda kuutapwa.

19 Ndizvo zvandichaita kuIjipiti pandichaigadza dare. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.”


Kushaiswa simba kuchaitwa Ijipiti

20 Mugore regumi nechiposhi, mumwedzi wokutanga pazuva rechinomwe remwedzi iwoyo, izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,

21 “Iwe mwanakomana womunhu ndaparadza simba roruoko rweIjipiti. Asi tarisa uone hakuna arisunga kuti ripore nokurisunga nebhandeji kuitira kuti risimbe zvokugona kuvheesa bakatwa.

22 Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari chiona ndanangana naFarao mambo weIjipiti. Ndichatyora maoko ake ose ari maviri, rwakasimba nerwakambotyoka rwuya. Uye ndichamukandisa pasi bakatwa riri muruoko rwake.

23 Ndichaita kuti vaIjipiti vapararire nomumarudzi avanhu ndichivati mwarara nedzinyika.

24 Ndichasimbaradza maoko amambo weBhabhironi ndiise bakatwa rangu mumaoko make. Asi ndichatyora maoko aFarao, agombe ari mberi kwake somunhu akuvara zvokufa chaizvo.

25 Ndichasimbaradza maoko amambo weBhabhironi asi Farao achati maoko regwede. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi. Pandinenge ndaisa bakatwa rangu mumaoko amambo weBhabhironi, acharisimudzira nyika yeIjipiti.

26 Ndichaparadza vaIjipiti mukati memarudzi ndichivamwararisa nomudzinyika. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy