Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 29 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Chiporofita chakanangana neIjipiti

1 Mugore regumi mumwedzi wegumi pamusi wegumi nechipiri wemwedzi iwoyo izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,

2 “Iwe mwanakomana womunhu chinangana naFarao mambo weIjipiti uporofite wakanangana naye unanganewo neIjipiti yose.

3 Taura uti zvanzi naTenzi Mwari: “Chinzwai ndanangana newe, iwe Farao mambo weIjipiti iwe garanyanya zvaro guru rigere pakati potukova twaro rinotozviti, ‘Rwizi rwangu rweNairi nderwangu ini pano! Ndini inini ndakarwugadzira! Ndichakuti koche koche shaya dzako nezvirauro.

4 Ndichakuisa zvikochekero mushaya dzako ndigoita kuti hove dzomutukova twako dziti name name mumakwande mako imomo. Ndichakuraura kukuburitsa mukati motukova twako pamwechete nehove dzose dzomutukova twako dzacho dzinenge dzakuti namata mumakwande mako.

5 Ndichakukanda mugwenga iwe nehove dzose dzomutukova twako idzodzo, muchati katakata musango zvamo pasina zvokuunganidzwa muchivigwa. Ndatokuitai nyama yezvikara zvesango neyeshiri dzedenga.’

6 “Ipapo vagari vose venyika yeIjipiti ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi nokuti vanga vari mudonzvo worutsanga waivimbwa nawo nemba yaIsiraeri.

7 Pavakakubata muruoko wakabva watyoka ukabvarura mapfudzi avo ose. Pavakazendama newe, wakabva watyoka ukaita kuti vatyoke musana.

8 Naizvozvo Tenzi Mwari ati chinzwa, ndichaunza bakatwa pauri rigotsakatisa mauri vanhu pamwechete nomhuka

9 nyika yeIjipiti igova renje zvaro risina chinhu. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi. “Zvaunoti rwizi rweNairi ndorwangu, uye ndini ndakarwuita,

10 naizvozvo chirega uone, ndanangana newe, ndananganawo notukova twako. Ndichaita kuti nyika yeIjipiti ive nyika pasina, ive renje zvaro kubvira kuMigidhori zvichikwira kudzamara kuAswani zvichaenda kusvikira pamuganhu weItiopia.

11 Hakuna munhu achatsika nomo norutsoka rwake kana tsiko haro remhuka richidimuradimura nomo. Ichagara kwamakore makumi mana isina munhu.

12 Ndichaita kuti nyika yeIjipiti ive renje mukati medzimwe nyika uye maguta ayo achiva matongo mukati memamwe maguta akava matongo kwamakore makumi mana. Ndichaparadzira vaIjipiti mukati memarudzi ndichivati mwarara nedzinyika.

13 “Nokuti zvanzi naTenzi Mwari, mushure memakore makumi mana acho, ndichakokorodza vaIjipiti kubva kuvanhu kwavanenge vambopararira.

14 Uye ndichadzosera Ijipiti makomborero ayo, ndigovadzosera kudunhu rePatirosi, dunhu ravo kwavakabva. Ikoko vachava noumambo zvawo husina mukurumbira.

15 Ichava humambo hwokupedzesera chaihwo pane humwe hwose, haizombofa yava pamusoro pamamwe marudzi. Ndichaininipisa zvokuti haichazombotonga zvakare kana mamwe marudzi.

16 Haizombofazve yakava iyo inovimbwa nayo neIsiraeri asi kutoti kudzokera kwairi kunenge kwatova chiyeuchidzo chokuipa kwavo. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi Mwari.”


Mambo Nebhukadhireza achakurira Ijipiti

17 Mugore ramakumi maviri nechinomwe, mumwedzi wokutanga pamusi wechiposhi wemwedzi iwoyo, izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati,

18 “Iwe mwanakomana womunhu, Nebhukadhireza mambo weBhabhironi akaita kuti hondo yake irwise Tire zvakaomarara, vanhu vose vakasvuuka musoro, mapfudzi avo akasvauka asi iye nehondo yake havana chavakawana pakurwisa kwavo ikoko.

19 Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, ‘Chinzwai, ndava kupa nyika yeIjipiti kuna Nebhukadhireza, mambo weBhabhironi; achatakura upfumi hwayo; achaitora nokuipamba. Ndiwo uchava muripo wamasoja avo iwoyo.

20 Ndamupa nyika yeIjipiti somuripo wake waakashandira nokuti vakandishandira.’ Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

21 “Pazuva iroro ndichaita kuti imba yaIsiraeri ive nesimba uye ndichaita kuti uzaruke muromo pakati pavo. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy