Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 2 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Kudaidzwa naTenzi kwaEzekieri kuzova muporofita

1 Iye akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu mira namakumbo ako nditaure newe.”

2 Paakataura kwandiri, Mweya wakapinda mandiri akandisimudza ndikamira namakumbo angu ndikamunzwa achitaura kwandiri.

3 Akati kwandiri, “Iwe mwanakomana womunhu ndinokutuma kuvanhu veIsiraeri, kurudzi rwemhandupandu dzavanhu vakandipandukira. Ivo namadzibaba avo vagara vari vanhu vokundipandukira kusvikira pari nhasi.

4 Vanhu vakaoma musoro; ndambakuudzwa dzavanhu, ndavakukutuma kwavari undovataurira kuti, zvanzi naTenzi Mwari

5 ‘Vangarege kuteerera pamusana pokuti vanhu ivava vanhu vakapanduka. Vangateerere kana kuti vachaziva kuti panga pane muporofita pakati pavo.’

6 Iwe mwnakomana womunhu usavatye kana kutya zvavanotaura, kunyange zvazvo kwauri vari rukato neminzwa sokunge ugere pamusoro pamarize usatye zvavanotaura kana kutyiswa nokutarisika kwavo nokuti imba yakapanduka.

7 Uchandovataurira mazwi angu kunyange vakateerera kana kuti vakaramba kuteerera nokuti imba yakapanduka.

8 Asi iwe mwanakomana womunhu teerera zvandinokutaurira, usapanduke semba iyi yakapanduka, shama muromo wako udye chandinokupa.

9 Ndakati tarisei, onei ruoko rwakanga rwatambanudzwa kwandiri, wonei muruoko macho maiva nebhuku rokumononora rakanyorwa.

10 Akaritambanudza pamberi pangu; raiva rakanyorwa seri neseri. Mariri makanga makanyorwa mazwi okuchema nokuungudza nokuyambira.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy