Online Bible

- Reklamy -

Tato kniha není inspirována Bohem a není součástí ani křesťanského kánonu, ani židovského Tanachu. Zobrazuje se pouze pro historické a studijní účely. Zobrazit úplné vysvětlení

Bharuku 6 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


TSAMBA YAJEREMIYA

1 Iyi ndiyo tsamba yakatumirwa naJeremiya kuvanhu vakanga vaendwa navo namambo weBhabhironi kuBhabhironi senhapwa. Tsamba iyoyi yaiva yokuvapa shoko raakanga atumwa naro naMwari.

2 Pamusana pezvitadzo zvamakapara pamberi paMwari, muchatorwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi moendwa nemi kuBhabhironi senhapwa.

3 Saizvozvo kana masvika kuBhabhironi muchagarako kwamakore mazhinji. Muchagarako kwenguva refu, inosvika kuzvizvarwa zvinomwe. Mushure macho ndichakubvisai ikoko norugare murunyararo.

4 Zvino muBhabhironi muchandoona vamwari vakaitwa nesirivha nendarama nemiti, vanoitwa zvokutakurwa navanhu pamafudzi uye vanoita kuti vahedheni vabatwe nokutya.

5 Naizvozvo musambove zvenyu sevechirudzi ivavo kana kuzvipinza mukutya vamwari ivavo kana moona gurusvusvu ravanhu mberi kwavo neshure kwavo vachivanamata.

6 Itii nechomumwoyo, “Imi Tenzi, ndimi vatinofanira kunamata.”

7 Chiripo ndechokuti, mutumwa wangu anemi. Anenge achichengetedza upenyu hwenyu.

8 Vamwari vacho rurimi rwavo rwakakwenenzverwa nemhizha. Uye vanenge vanamirirwa nendarama nesirivha. Asi ndevenhema uye havakwanisi kutaura.

9 Vanhu vanotora ndarama voitira vamwari vavo zviremba zvemisoro sezvavangaitire musikana anoda zvishongo.

10 Dzimwe nguva vapristi vacho vanototorera vamwari vavo ndarama nesirivha muchivande vachiishandisa mune zvavanoda ivo pachavo.

11 Vanotopawo zvavo imwe yacho kupfambi dzomutemberi. Vanopfekedza zvakanakisisa vamwari vavo nehanzu sokunge vanhu. Ivava vamwari vesirivha nendarama nemiti,

12 vasingakwanisi kuzvidzivirira ngura nokuora kunyange vakazvipfekedza namagemenzi eruvara rwehute kudaro.

13 Uso hwavo hunotopukutwa pamusana pehuruva inobva mutemberi inenge yatoita murwi pavari.

14 Vamwari vacho vanobatiswa tsvimbo sezvinongoita mumwe wavatongi vomo asi ivo vasingakwanisi kuparadza munhu anenge achivatadzira.

15 Mwari wacho anenge ane banga muruoko rwerudyi uye aine demo asi asingagoni kuzvidzivirira kuhondo kana kumakororo.

16 Naizvozvo zviri pachena kuti hazvisiri Mwari. Nezvo regai kuzvitya.

17 Sezvakangoita ndiro kana yaputsika inenge isisina basa ndizvozvowo navamwari vavo kana vamiswa mutemberi. Maziso avo akazara huruva inombumurwa navanopindamo.

18 Sezvinongoitwawo kuti misuo mikuru inozarirwa kumativi ose achizarira munhu anenge atadzira mambo sokunge munhu atongerwa rufu ndizvo zvinoita vapristi vacho temberi dzavo vachinyatsozarira namakonhi nekiyi nezvihuri kuitira kuti dzirege kupambwa namakororo.

19 Vanotungidza mwenje yakawanda kupinda yavanozvitungidzira ivo pachavo kunyange vamwari vavo vasingagoni kuona kana mwenje mumwechete zvawo.

20 Zvakangoita sebango redenga retemberi rinonzi rakamunywa nomuchenje mukati maro sokutaura kwavo nomuchenje unenge wabuda pasi wovadya pamwechete nehanzu dzavo asi ivo havambozvinzwi.

21 Ihwo uso hwazvo hwakasvibiswa noutsi hwomutemberi.

22 Miremwaremwa notunyenganyenga neshiri dzinomhara pamuviri yazvo napamusoro yazvo ndozvinoitawo katsi.

23 Naizvozvi munobva maziva kuti hazvisiri Mwari. Nezvo regai kuzvitya.

24 Kunyange ndarama yavakapfeka yokuvashongedza nayo haigone kupenya kusara kokuti pawana munhu anopukuta ngura yacho. Kunyange pazvaiumbwa hazvaimbozvinzwa kuti tiri kuumbwa.

25 Zvinotengwa nomutengo upi noupi zvawo. Asi hazvina mweya unofema.

26 Pamusana pokuti hazvina makumbo zvinotoita zvokutakurwa pamafudzi navanhu. Izvozvo zvichiratidza kuvanhu kusava namaturo kwazvo.

27 Kunyange vanozvinamata vanonyara nazvo kana mumwe mwari wavo akudubukira pasi. Anotofanira kumutswa. Kana munhu akamisa chimwe chazvo kuti twi hachigoni kufamba choga. Kana chikarereka hachigone kuzozvitwasudza. Kupa zvipo kwazviri kwakafanana nokupa kuna vakafa.

28 Vapristi vanotengesa zvibayiro zvinopirwa kuna vamwari ivavo vachishandisa mari yacho saizvozvo, vadzimai vavo vanoomesa zvimwe zvibayiro zvacho nomunyu asi vasingambopa kuvarombo kana vanhu vasina chavanogona kuita chokuzvibatsira nacho.

29 Zvibayiro zvinopirwa kwazviri zvinobatwa zvazvo navakadzi vari kutevera kana navazvere. Sezvo muchiziva pamusana paizvozvi zvose kuti hazvisi vamwari regai kuzvitya.

30 Chazvinotumidzirwa kunzi vamwari chii ipapa kana vamwari vacho vesirivha nendarama nemiti uye kana vachitopirwa mipiro navanhukadzi.

31 Mutemberi dzavo vapristi vavo vanogara pasi nehanzu dzakabvarurwa, nemisoro nendebvu zvakaveurwa, misoro iri pachena.

32 Vanobova vachizhamba mberi kwavamwari vavo savari parufu rwomunhu akafa.

33 Vapristi vanotora dzimwe hanzu dzavamwari vavo vachipfekedza madzimai avo navana vavo.

34 Kunyange munhu akazviitira zvakaipa kana zvakanaka izvo hazvikwanisi kudzorerawo nezvakanaka kana nezvakaipa. Hazvigoni kugadza munhu umambo kana kumubvisa paumambo.

35 Ndozvimwechetezvowo kuti hazvikwanisi kupa mari kana upfumi. Munhu akapika mhiko kwazviri akarega kuzoichengeta hazvigoni kumuripisa.

36 Hazvikwanisi kuponesa munhu kurufu kana kununura munhu kune ane simba.

37 Hazvigoni kuti bofu rionezve uye hazvigoni kununura munhu ari munhamo.

38 Hazvikwanisi kunzwira ngoni chirikadzi kana kuitira nherera zvakanaka.

39 Zvinhu izvi zvakaitwa zvazvo nomuti zvikazonamirirwa nendarama nesirivha zvakaita semabwe anobva mugomo, vanozvishandira vachanyadziswa nazvo.

40 Zvino munhu angafungirei chaizvo kuti ndavanamwari ivava kana kuvati vamwari. Kunyange ivo vaKaridhea vanozvishora,

41 nokuti vanoti vakaona munhu asingagoni kutaura vanouya naye vozonamata kuna Bhero kuti munhu iyeyo ataure sokunge Bhero anokwanisa kuzvinzwa.

42 Vanhu ivava havazvioni, dai vaizviona vaisiyana nezvifananidzo izvozvo. Kusazviona kwavo ndokushaya njere ikoko.

43 Vakadziwo vanogara mutunzira vakashonga mikonde vachipisa magufu sorusenzi. Zvino kana mumwe wavo akatorwa nomumwe mupfuuri nenzira kundoita ufeve naye anozodzokako otsvinyira mumwe mukadzi wepedyo naye achiti, “Iwe hauna kunge uchitora varume mwoyo seni nokuti mukonde wako hauna kudamburwa.”

44 Vamwari ivavo zvavanoitirwa zvose ndezvenhema. Zvino munhu angafungirei kuti izvozvi izvi ndavaMwari kana kuvati vamwari?

45 Zvinogadzirwa navavezi uye navapfuri vesimbi. Hapana vamwari ivavo chavangave kusiya zvinenge zvichidiwa nemhizha idzodzo kuti zvive;

46 vanhu vacho pachavo vakazvigadzira ivavo havambofa vakagara kwenguva refu. Zvino zvinhu zvinenge zvakagadzirwa navanhu ivava zvingave vamwari sei?

47 Vanosiira vanovatevera nhema nechinyadziso.

48 Chatinodariro ndechokuti hondo kana nyatwa ikauya vapristi vacho vanorangana kuti vachandovanda kupi ivo navamwari vavo.

49 Zvino munhu angatadze kuona sei kuti izvi hazvisi vamwari nokuti hazvikwanisi kuzvinunura kuhondo kana kunyatwa.

50 Pamusana pokuti zvakagadzirwa nomuti zvikazonamatidzwa ndarama nesirivha zvichazivikanwa mushure kuti zvinhu zvenhema.

51 Zvichazobuda pachena kumarudzi ose namadzimambo ose kuti hazvisi vamwari asi kuti zvinhu zvakaitwa namaoko avanhu uye kuti hazvina kumboitwa naMwari.

52 Ndiani zvino, angakundike kuziva kuti hazvisi vamwari?

53 Chiripo ndechokuti hazvikwanisi kugadza mambo wenyika kana kunaisira vanhu mvura.

54 Hazvigoni kuzvifambisira zvinhu zvazvo kana kununura anenge atadzirwa nokuti hazvina simba, zvakafanana namakunguwo ari pakati pedenga nenyika.

55 Kana moto wakabaka mutemberi yavamwari vemiti vakanamirirwa ndarama nesirivha; vapristi vazvo vanotiza nokupunyuka asi vamwari vacho vanororoma kutsva samapango.

56 Chimwezve ndechokuti hazvigoni kurwisa mumwe mambo kana mhandu. Pakadaro munhu angabvumirei kana kufunga kuti izvozvi ndavanamwari ivava?

57 Vamwari ivava vemiti yakavezwa uye yakanamirwa nesirivha nendarama havagoni kuzviponesa kumbavha namakororo.

58 Varume vakasimba vanogona zvavo kukwatura ndarama nesirivha uye kuzopfekenura hanzu dzavo dzavanopfeka vachidzipamba vachitoenda zvavo nadzo, asi vamwari vavo pasina chavanogona kuzviitirawo.

59 Naizvozvo zviri nani kuva mambo anoratidza chivindi kana kuva mudziyo womumba unoshandira muridzi wawo pana vamwari venhando ava. Zvinotova nani kuve gonhi remba rinochengetedza zviri mumba pane vamwari ivavo venhando. Uyewo zviri nani kuve musimboti womuti womumuzinda pane vamwari ivavo venhando.

60 Zuva nemwedzi nenyenyedzi zvinopenya, zvinotumwa kuti zviite basa razvo, uye zvinoteerera.

61 Ndizvo zvimwechete nemheni inoonekwa painovaima, inoonekwa nokure kure uyewo mhepo inovhuvhuta munyika dzose.

62 Kana Mwari paanotuma makore kuenda pasi pose makore anoita zvaanenge atumwa izvozvo.

63 Kana moto watumwa kubva kumusoro kundoririmisa kupisa makomo nemasango unoita zvaunenge watumwa. Asi vamwari ivavo havangamboenzaniswa naizvozvi mukutarisika kwazvo kana musimba racho.

64 Naizvozvo munhu ngaarege kufunga kuti zvinhu izvozvo ndavamwari kana kuvati vamwari nokuti havakwanisi kutonga nyaya kana kuitira vanhu chinhu chakanaka.

65 Zvamunoziva kudai kuti havasiri vamwari musavatye.

66 Chikonzero chacho ndechokuti vaMwari vacho havagoni kurengerera rushambwa kana kukomborera madzimambo.

67 Havagoni kuita zviratidzo mudenga'mu kana pakati pamarudzi kana kupenyawo sezuva kana kupawo chiedza somwedzi.

68 Mhuka dzesango dzinotova nani pana ivo nokuti mhuka dzinogona kutiza dzichindovanda kuzvichengetedza.

69 Saizvozvo hapana kana chimwechete zvacho chinoratidza kuti zvinhu izvi ndavanamwari. Naizvozvo musazvitye.

70 Sezvakangoita zvidhori zvokutyisidzira nazvo makunguwo mubindu ramagaka zvisina chazvinogaririra, ndozvakangoitawo vamwari vavo vemiti yakavezwa ikanamirirwa nendarama nesirivha.

71 Ndozvimwechetezvo navamwari vavo vemuti vakanamirirwa ndarama nesirivha vakaita segwenzi reminzwa mubindu panongomharwawo zvapo neshiri yose yose kana kuti sechitunha chakarasirwa kunze murima.

72 Unongoonawo kuti havasi vamwari ava nehanzu dzoruvara rwohute nerineni zvinosakarira pazviri. Uye vamwari vacho pachavo pokupedzisira vanoorawo zvobva zvava chinhu chinonyadzisa munyika.

73 Naizvozvo munhu mururami ari nani zvake asina vamwari vasirivo. Hapana chaanozonyara nacho.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy