1 Timoti 2 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 Nokudaro pokutanga ndinokurudzira kuti mikumbiro neminamato nezvichemo nokutenda zviitirwe vanhu vose vanoti: 2 madzimambo navose vari pazvinzvimbo zvapamusoro kuti tigare upenyu hune runyararo norugare, upenyu huna Mwari mukati uye hunoremekedzwa mativi ose. 3 Izvi zvakanaka uye zvinogamuchirika pamberi paMwari noMununuri wedu 4 anoda kuti munhu wose aponeswe uye kuti azive chokwadi. 5 Nokuti kuna Mwari mumwechete uye kuno munhu mumwechete anobatanidza isu vanhu naMwari, munhu iyeyo ndiJesu Kristu. 6 Akazvipira kuti ave chokutinunura nacho tose. Izvi zvakazopupurirwawo panguva yazvo. 7 Izvozvi ndizvo zvandakasarudzirwa kuti ndive muparidzi nomupositori nomudzidzisi wevechirudzi muchitendero nomuchokwadi. Ndiri kutaura chokwadi handisi kureva nhema. 8 Munzvimbo dzose ndinoda kuti varume vanamate vakasimudza maoko matsvene vasina hasha kana gakava 9 uye kuti vakadzi vazvishongedze zvine mwero zvino hunhu vaine hanzu dzine chimiro vasingagadziri vhudzi ravo zvokunanisira kana kurishongedza nendarama kana namatombo anokosha amapera kana hanzu dzinodhura 10 asi zvishongo zvavo ngazvive mabasa akanaka sezvinokodzerana navakadzi vanotya Mwari. 11 Mukadzi ngaadzidze chinyararire nokuzvidukupisa kose. 12 Handibvumiri mukadzi kudzidzisa kana kuva nesimba pamusoro pomurume; anofanira kunyarara 13 nokuti Adhamu ndiye akatanga kusikwa ndokuzouya Evha. 14 Adhamu haasiriye akafurirwa asi mukadzi ndiye akafurirwa akava mutadzi. 15 Mukadzi anonunurwa zvake nokubereka vana kana akaramba ari muchetendero uye aine rudo noururami. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe