Ɀireʋo 5 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaUpombwe hunokusvitsa munhamo 1 Mwanangu teerera ungwaru hwangu rerekera nzeve yako kumazwi angu okunzwisisa 2 kuti uchengetedze kuziva kusarudza uye miromo yako ichengete ruzivo. 3 Miromo yomukadzi asiwako inodonha uchi zvaanotaura zvinotsvedzerera kupinda mafuta 4 asi pokupedzisira anokarakata segavakava akapinza sebakatwa rinocheka kose. 5 Tsoka dzake dzinoenda kurufu nhanho dzake kuvafi ndiko kwadzo. 6 Haambofungi nezvenzira inoeda kuupenyu, nzira dzake dzinopota-pota asi haazvizivi. 7 Zvino vanangu ndinzwei musasiane namazwi omuromo wangu 8 tambira kure naye usambosvika zvako pedyo nomusuo wemba yake. 9 Ungadaro ukapa rukudzo rwako kunavamwe uye makore ako kuna vasina tsitsi 10 vamwewo vanhu vangadaro vakutorera upfumi hwako zvawakashandira zvikaenda kumutorwa. 11 Pakupedzisisa poupenyu hwako unozowuwura nyama yako nomuviri zvadyiwa zvino wavakuti, 12 “Chandakarambirawo zvangu kudzorwa chiiko, mwoyo wangu uchishora kutsiurwa. 13 Ndairamba kuteerera zvaitaurwa navarairidzi vangu kana kurerekera nzeve yangu kuvadzidzisi vangu. 14 Ndakanga ndasvika pokutoparara zvachose mukati megungano rakaungana.” 15 Inwa mvura inobva mumugodhi wako mvura inoerera inobva mutsime rako. 16 Zvisipiti zvako zvongoyerera nenyika here mihoronga yemvura yako iyerere mumigwagwa zvayo here? 17 Ngaive yako yoga kwete yevatorwa vaunavo. 18 Rega kasipiti kako kakomborerwe ufadzwe nomukadzi wapahudiki hwako 19 sesheshe yemhembwe kunaka, senhunzvi yengururu yakanakisa kukuda kwake ngakukuzadze nokufara ugutsikane nguva dzose norudo rwake. 20 Sei uchibatwa mwoyo mwanangu, nomukadzi asiwako uchimbundira chipfuva chepfambi? 21 Chiripo ndechokuti Tenzi anoona zviito zvomunhu anotarisa nzira dzake dzose. 22 Munhu anoteewa nouipi hwake anobatwa mubasa rake iroro rechitadzo. 23 Anofa pamusana pekutadza kuzvibata uye anorasika pamusana poupenzi hwake hukuru. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe