Ɀireʋo 2 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaMubayiro wokuva noungwaru 1 Mwanangu, ukagamuchira mashoko angu uye ukapfimbika mauri mitemo yangu, 2 uchirerekera nzeve yako kuungwaru, uchitorwa mwoyo nenzwisiso 3 nokungewo uchichemera kuzivisisa uchidaidza kunzwisisa 4 ukatsvaka ungwaru sesirivha uchihutsvaka upfumi hwakavandika. 5 Kutya Tenzi unobva wakunzwisisa uchibva wawana kuziva Mwari, 6 nokuti Tenzi ndiye anopa ungwaru mukanwa make ndimo munobva ruzivo nokunzwisisa 7 anochengetera vakarurama ungwaru chaihwo ndiye nhowo yokudzivirira vanofamba zvakarurama. 8 Anochengetedza maitiro okutonga kwakarurama achichengetedza nzira yavarurami vake. 9 Ndopaunozonzwisisa kuti ururami noruenzaniso nokuva pachokwadi chii uyewo maitiro ose akarurama 10 nokuti uchapindura mwoyo noungwaru uye ruzivo ruchave shamwari yako. 11 Kuziva kusarudza kuchakuchengetedza, kuziva chokusarudza kuchakutarira. 12 Kuchakununura kunzira yakaipa kuvanhu vanotaura zvakaora, 13 vanhu vanosiya nzira tsvene vachifamba munzira dzerima; 14 vanofarira kuita zvakaipa vanonakirwa nokushata kwouipi; 15 vanhu vane nzira dzakakombama vanokuita kwakamonyoroka. 16 Zvinokununura kumukadzi asiwako kumukadzi asingazivikanwi twaanotaura norurimi rwake twunotapira 17 mukadzi anosiya shamwari yake yepaudiki achikanganwa chitsidzirano chaMwari wake. 18 Anonyudza pasi kurufu imba yake nzira dzake dzinodzika kuvafi. 19 Wose anoenda kwaari haadzoki haazowanazve nzira youpenyu. 20 Saka famba nenzira yavanhu vakanaka uchengetedze nzira dzavakarurama 21 nokuti vakarurama ndivo vachagara panyika uye vanotendeseka vachararama mairi 22 vakaipa vachabviswa panyika vanoujarijari vachatipurwapo. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe