Online Bible

- Reklamy -

Zekaria 4 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Chiratidzo chechigadzikiro chomwenje chaakaona

1 Mutumwa aitaura neni uya akauya zvakare akandimutsa somunhu amutswa kutsi kwehope

2 akati kwandiri, “Uri kuonei?” Ini ndakati, “Ndiri kuona chigadzikiro chomwenje chendarama chose zvacho chine mudziyo uri pamusoro pacho una marambi manomwe pauri ana marimi manomwewo parambi rimwe nerimwe ramarambi iwayo ari pamusoro pacho.

3 Uye pane miti yemiorivhi pedyo nacho yakati mumwe kurudyi kwomudziyo iwoyo mumwewo uri kuruboshwe kwawo.”

4 Ini ndakabvunza mutumwa aitaura nemi ndikati, “Ko zviiko izvozvi nhai changamire wangu?”

5 Mutumwa aitaura neni uya akandidaira achiti, “Hauzivi nhai kuti zvii izvozvo?” Ini ndokuti, “Kwete, changamire wangu.”


Shoko raTENZI rechitsidzo kuna Zerubhabhero

6 Akabva anditi, “Herino shoko raTENZI rinonangana naZerubhabhero rinoti: ‘Hazviitwi zvehondo kana zvechisimba asi naMweya wangu, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo.’

7 Uri chii chaizvo iwe zigomo guru? Mberi kwaZerubhabhero uchava bani zvaro iwe, iye achiunza mberi ibwe rapamusoro kuchidaidzirwa kunzi, ‘Kunaka here ikoku, kunaka here uku!’ ”

8 Shoko raTENZI rakauyazve kwandiri richiti,

9 “Zerubhabhero namaoko ake ndiye akavaka ugaro hwemba ino uye achaipedzesawo namaoko ake. Ndipo pauchaziva kuti TENZI wehondo nehondo ndiye andituma kwauri.

10 Chandinodariro ndechokuti ani zvake anenge akambosvora zuva retunhu tudiki achatozopemberawo achizvionera nameso ake Zerubhabhero akabata muruoko tambo yokuvaka nayo yokuyeresa kutwasuka. “Zvinomwe izvi, maziso aTENZI anobvongodza kuona pasi pose zvapo.”

11 Ndakati kwaari, “Ko iyi miti miviri yemiorivhi iyi yakati uyu kurudyi uyu kuruboshwe kwechigadzikiro chomwenje, zviiko izvozvi?”

12 Ndakamubvunza rwepiri kuti, “Ko maikowo iwaya mapazi maviri omuti womuorivhi aya ari padivi pepombi mbiri dzendarama, dzinoburitsa mafuta endarama?”

13 Iye akati kwandiri, “Hauzivi here kuti izvozvi zvii?” Ndikati, “Kwete changamire wangu.”

14 Akabva ati, “Ivava ndovazodzwa vaviri vanomira naChangamire wapasi pose.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy