Online Bible

- Reklamy -

Zekaria 13 - Bhaibhiri Idzva rechiShona

1 Panguva iyoyo imba yaDhavhidhi navagari veJerusaremu vachazarurirwa chisipiti chokuvashambidza zvitadzo zvavo nokun'ora kwavo.

2 “Pazuva iroro,” ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo, “Ndichaparadza munyika zvifananidzo zvokunamata zvokuti hazvizombofa zvakarangarirwazve. Uye ndichabvisa munyika vaporofita nemweya yakaipa.

3 Pakabudawo munhu ava kuti muporofita, baba naamai vake vokumubereka chaivo vachamuti haufaniri kurarama nokuti uri kutaura nhema muzita raTENZI. Baba naamai vakamubereka chaivo vachamubaya kana akaporofita.

4 Pazuva iroro muporofita ari wose achanyara nezvaanooneswa paanenge achiporofita. Haazopfeki zijari rine mvere rokunyengedza naro vanhu,

5 asi anenge ava kutoti handisi muporofita ini, ndiri murimiwo zvangu nokuti kubvira pauduku hwangu changa chiri changu ivhu.

6 Kana munhu akamubvunza kuti, ‘Ko maronda ari pamusana pako ndeei?’ Iye achati, ‘Ndakaawana mumba meshamwari dzangu.’ ”


Urayai mufudzi hwai dziparare

7 TENZI wehondo nehondo anoti, “Muka iwe bakatwa umukire mufudzi wangu umukire akabatana neni, rova mufudzi, hwai dzipararire. Hwayana dzacho ndichadzisimudzira shamhu.

8 Zvanzi naTENZI munyika yose zvayo vaviri pavatatu vacharakatiswa kufa. Mumwechete pavatatu ndiye achararama.

9 Chikamu chavanhu chechitatu ichocho ndichachipinza mumoto, vanhu ivava ndichavachenesa sesirivha. Ndichavaedza sokuedzwa kunoitwa ndarama vachadana nezita rangu; ini ndichavapindura. Ndichiti, ‘Ava vanhu vangu.’ Ivowo vachati, ‘TENZI ndiye Mwari wedu.’ ”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy