Ʋatoŋgi 2 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaMutumwa waTenzi anosvika kuBhokimu 1 Mutumwa waTenzi akabva kuGirigari akakwidza kuBhokimu. Akati, “Ndakakubvisai kuIjipiti ndikauya nemi kunyika yandakatsidzira kupa kune madzibaba enyu. Ndakati, ‘Handimbozofi ndakatyora chitenderano changu nemi. 2 Imiwo regai kuita chitenderano navanhu vomunyika ino. Munofanira kupwanya atari dzavo.’ Asi imi hamuna kuteerera zvandakareva. Ko ndochii ichochi chamaita? 3 Zvino ini ndinoti, ‘Handichafanokudzingirai vanhu ivava, asi vachava vavengi venyu uye vamwari vavo vari chinhu chakakuteyai.’ ” 4 Mutumwa waTenzi akati apedza kutaurira vaIsiraeri vose, vanhu vakaridza mhere kuchema. 5 Vakatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Kuchema, vakabva vapira Tenzi zvibayiro ipapo. II: KUSUMA ZVIRI MUBHUKU IRI KWECHIPIRI MAMIRIRO AKANGA AKAITA ZVINHU MUNGUVA YAVATONGI Rufu rwaJoshuwa 6 Joshuwa paakati vaIsiraeri vachienda zvavo, vakati ava kwavo ava kwavo vachienda kunyika dzavo dzenhaka kundodzitora vachidziita dzavo. 7 Vanhu ivava vakanamata Tenzi panguva yose yakanga Joshuwa achiri mupenyu, nenguva yose yavakuru vakuru vakasiyiwa naJoshuwa variko vakanga vaona basa guru rose rakaitirwa vaIsiraeri naTenzi. 8 Joshuwa mwanakomana waNunu muranda waTenzi akafa ava nezana ramakore ana makore gumi. 9 Vakamuviga munyika yake yenhaka kuTimunatiheresi kunyika yaEfuraimu yamakomo kuchamhembe kwegomo reGaashi. 10 Chizvarwa ichocho chose chakapera kufa, kukazomukawo chimwe chizvarwa mushure mavo chakanga chisingamboziva Tenzi kana basa raakanga aitira vaIsiraeri. Kurega kunamata Tenzi kwaimboitwa navaIsiraeri 11 VaIsiraeri vaiita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Vainamata vanaBhaari. 12 Vaizvicheka ukama naTenzi Mwari wamadzibaba avo akavaburitsa kunyika yeIjipiti, voteveredzana zvavo navamwe vamwari vavanhu vakanga vari munharaunda yavo vachivapfugamira, vachivirutsa hasha dzaTenzi. 13 Vakachekana ukama naTenzi vonamata vanaBhaari naAshitaroti. 14 Saka hasha dzaTenzi dzaivirukira vaIsiraeri ovaisa mumaoko avapambi, vachivapamba, achivati kuche mumaoko avavengi vavo vomunharaunda yavo yose. Havaizogona kana kumirisana navavengi vavo. 15 Nguva dzose dzavaiti vondorwa, Tenzi aitenge orwisana navo kuti zvivaipire, sokuyambira kwakanga kwaita Tenzi nokuvatsidzira kwaakanga aita. Zvose izvozvo zvaivatambudza kwazvo mumwoyo. 16 Tenzi aizovamutsira vatongi vaivanunura mumaoko avanhu ivavo vaivapamba. 17 Kunyange zvakadaro vakange vasingateereri vatongi vavo ivavo nokuti vairamba vachingoita unzenza hwokuteveredzana navamwe vamwari vachivapfugamira. Vakanga vasingatani kutsauka nzira yaifambwa namadzibaba avo vaiteerera mitemo yaTenzi. Ivo havana kuita izvozvo. 18 Tenzi aiti kana avamutsira mutongi, aibva ava nomutongi iyeyo ovaponesa mumaoko avavengi vavo upenyu hwose hwomutongi iyeyo nokuti Tenzi ainzwa tsitsi nokugunguzika kwavo pamusana pavanhu ivavo vaivabata zvisina kunaka. 19 Asi painge mutongi iyeyo afa, vaipinduka votoita zvinhu zvakaipa kwazvo kupinda zvamadzibaba avo, votevera vamwe vamwari vachivanamata vachivapfugamira. Vaizongoramba vangoti dzvemere namabasa avo iwayo vasisasiyane nomusikanzwa wavo. Chikonzero chakaita kuti vamwe vechirudzi varambe vari munyika yavaKanani 20 Naizvozvo Tenzi aizovirukira vaIsiraeri nehasha. Aizotiwo, “Vanhu ava zvavatyora chitenderano changu chandakatemera madzibaba avo vachirega kuteerera zvandinoreva, 21 neniwo kubvira zvino handichafanovadzingira marudzi api zvawo akasiyiwa arimo naJoshuwa, paakafa. 22 Navo ndichaedza vaIsiraeri kuti ndione kuti vachachengeta here gwara raTenzi raifamba madzibaba avo kana kuti kwete.” 23 Saizvozvo Tenzi akarega marudzi iwayo arimo, haana kubva akurumidza kuvadzinga vose pamwechete, haanawo kuvaisa mumaoko aJoshuwa. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe