ƲaKorose 2 - Bhaibhiri Idzva rechiShona1 Ndingade ini kuti imi novokuRaodhesia navamwe vose vasati vandiona uso nouso, muzive kuti ndinokutamburirai zvakakura sei. 2 Ndinoita izvi kuti vakurudzirwe mwoyo vari murudo kuti vawane upfumi hwose hwokunzwisisa hunogadzanisa mwoyo uye kuti vawane ruzivo rwechakavandika chaMwari zvichireva iye Kristu. 3 Maari ndimo mune upfumi hwose hwoungwaru noruzivo zvakavandika. 4 Ndinodaro kuti pasave nomunhu anokunyengedzai namashoko anotapira 5 nokuti kunyange zvangu ini mbune ndisiko ikoko asi ndinemi mumwoyo, ndichifarira kuona kuzvibata kwenyu nokusimbarara kwechitendero chenyu muna Kristu. II: KUYAMBIRA VAKOROSE ZVIDZIDZO ZVENHEMA Garai upenyu hwechitendero chenyu muna Kristu 6 Sezvo makagamuchira Kristu Jesu Tenzi naizvozvo fambai maari, 7 mudzike midzi maari makavakwa paari makanyatsosimba kumira muchitendero sokudzidziswa kwamakaitwa muchiwanzotenda. 8 Ngwarirai kuti pasave nomunhu anokuitai chinhu chokutamba nacho achisevenzesa ungwaru nounyengedzi husina maturo achitevedza magamuchidzanwa avanhu uye achitevedza zvemweya yapanyika asingatevedzi zvaKristu. 9 Chikonzero ndechokuti umwari huzere hunogara maari sechinhu chaicho. 10 Maari, imi makauya kuupenyu huzere, kuna iye mutongi wavatongi nomukuru wavakuru–vakuru. 11 Mukudzingiswa kwaKristu maari imi makadzingisawo, kwete nokudzingiswa kwakaitwa namaoko muchibvisa muviri wenyama mukudzingiswa kwaKristu. 12 Makavigwa pamwechete naye mukuombekwa, imomo makamuka naye pamusana pechitendero chenyu mukushanda kunoita Mwari akamumutsa kuvafi. 13 Imi makanga makafa pamusana pezvikanganiso zvenyu nokusadzingiswa kwenyama yenyu, Mwari akaita kuti tive vapenyu pamwechete naye, iye atiregerera zvikanganiso zvedu zvose. 14 Izvozvo ainge adzima chiga chemhosva yakanga yakanangana nesu nomutemo waitiroverera, iwoyu akaubvisa akauroverera pamuchinjikwa. 15 Akabvutira veukuru ukuru vaya namadzishe aya zvombo zvavo zvokurwisa achivaita ivo muenzaniso unoonekwa nani nani zvake achivakurira pachiri. Musapiwe mhosva pasina mhosva 16 Naizvozvo musave nomunhu anokutongerai munezvokudya, kana zvokunwa, kana mune zvamazuva makuru, kana zvokugara kwomwedzi kana nezveSabata. 17 Izvi zvinongova mubvuri zvawo wezvichauya asi zvinhu chaizvoizvo zvinhu zvina Kristu. 18 Musabvumire munhu kuti akutii hamukodzeri pamusana pokuvavaridza panyaya dzokuzvirwadzisa kana kunamata vatumwa achiti anoona zviratidzo achinyunduma zvisina musoro nepfungwa dzamanyawi chete asingasimbi 19 nokubatirira kumusoro unopa muviri wose chokudya uye unoubatanidza nenhengo namarunda unokura uchikuriswa naiye Mwari. Kufa kwedu nokumuka kwedu naKristu 20 Kana makafa pamwechete naKristu kunezvemweya yenyika munogarirei sokunge muri venyika, munozviisirei pasi pemitemo inoti, 21 “Zvinoera kugunzwa ichi,” “Zvinoera kuravira ichi,” “Zvinoera kubata icho?” 22 Izvozvo vachitaura nezvezvinhu zvinopera pazvinoshandiswa muchitevera mirau nezvidzidziso zvavanhu. 23 Izvi zvinotarisika soungwaru mukuzviomesera kwavanoita pakunamata kwavo vachizvininipisa uye kuzvirwadzisa kwavanoita muviri asi zvisina chazvinobatsira pakudzora munhu pahavi dzomuviri wake. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe